VaHebheru 6
6
1Naizvozvo ngatisiye shoko rokutanga kwaKristu, tipfuurire mberi pakukwaniswa, tisingaisizve nheyo dzokutendeuka pamabasa akafa, nedzokutenda kuna Mwari, 2nedzedzidziso yokubhabhatidza, nedzokuisa maoko, nedzokumuka kwavakafa, nedzokutongwa kusingaperi. 3Ndizvo zvatichaita, kana Mwari achitendera.
4Nokuti kana vari ivo, vakambovhenekerwa, vakaravira chipo chokudenga, vakagoverwa Mweya Mutsvene, 5vakaravira shoko rakanaka raMwari, namasimba enyika inouya, 6kana vakazotsauka, hazvibviri kuvavandudzazve kuti vatendeuke, nokuti vanozvirovererazve Mwanakomana waMwari pamuchinjikwa, vachimunyadzisa pachena.
7Nokuti nyika iyo, inoti kana yanwa mvura inosinaya pamusoro payo kazhinji, ikabereka miriwo yakafanirawo avo vainorimirwa, ndiyo inoropafadzwa naMwari; 8asi kana ikabereka minzwa norukato, inorakashwa, yobva yotukwa; kuguma kwayo ndiko kupiswa.
9Asi vadikanwi, kunyange tichitaura kudai, tinoziva kwazvo pamusoro penyu zvinhu zvinopfuura nokunaka, zvinoisa kukuponeswa. 10Nokuti Mwari haazati ari usakarurama, angakanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake, zvamakashumira vatsvene, muchivashumira nazvino. 11Zvino tinoda kuti mumwe nomumwe wenyu ashingaire saizvozvo, kuti muve netariro yakakwana kusvikira pakuguma. 12Kuti murege kuva nousimbe, asi muve vateveri vaivo vanodya nhaka yezvipikirwa nenzira yokutenda nokutsungirira.
13Nokuti Mwari pakupikira Abhurahamu, akapika naiye amene, nokuti akanga asina mukuru kwaari waangapika naye, 14akati, “Zvirokwazvo nokuropafadza ndichakuropafadza, nokuwanza ndichakuwanza.” 15Nokudaro, akati atsungirira, akawana chipikirwa. 16Nokuti vanhu vanopika nomukuru kwavari; nemhiko inosimbisa ndiyo inogumisa gakava rose pakati pavo. 17Saizvozvo Mwari akati achida zvikuru kuratidza vadyi venhaka yechipikirwa, kuti chirevo chake hachishandurwi, akapinda pakati nokupika; 18kuti nezvinhu zviviri zvisingashandurwi, (nokuti pazviri Mwari haagoni kureva nhema), tive nesimbiso yakabata, iyesu, takatizira kutariro yakaiswa pamberi pedu, kuti tiibate; 19yatinayo sechibatiso choMweya, tariro isingazununguswi, yakasimba, inopinda kunezviri mukati mechidziro chetemberi; 20pakapinda mutungamiriri nokuda kwedu, iye Jesu akaitwa mupristi mukuru nokusingaperi, anorudzi naMerekizedheki.
Zvasarudzwa nguva ino
VaHebheru 6: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: