Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 32

32
Ushe hwaMambo wakarurama
1Tarirai, mambo achabata ushe nokururama, machinda achabata achiruramisira. 2Munhu mumwe nomumwe achava soutiziro pamhepo, sechivando pakunaya kukuru kwemvura, senzizi dzemvura panzvimbo yakaoma, somumvuri wedombo guru panyika yafa nenyota. 3Meso avanoona haangatsinzini, nzeve dzavanonzwa dzichateerera.
4Mwoyo yavanotaura vasingarangariri zvakanaka ichanzwisisa ruzivo, marimi avanokakamira achaziva kutaura zvakanaka. 5Benzi harichazonzi munhu akakudzwa, munyengeri haanganzi mukomboreri.
6Nokuti benzi rinotaura zvohupenzi, mwoyo waro unoita zvakaipa, zvaanoita zvinomhura Mwari, nokureva zvingarasha vanhu pamusoro paJehovha, zvaanorega kugutisa mweya wavane nzara, nokushaisa vane nyota chinonwiwa. 7Mitoo yomunyengeri yakaipa; anofunga mano akaipa, kuti aparadze vanyoro namashoko enhema, kunyange anoshaiwa achitaura zvakanaka.
8Asi akarurama anofunga zvinhu zvakarurama; anorambira panzira yezvakarurama.
Vakadzi veJerusaremu vanonyeverwa
9Simukai, imi vakadzi vagere zvakanaka, munzwe izwi rangu; imi vakunda vasine hanya, teererai kutaura kwangu.
10Nokuti kana kwapfuura gore namazuva, muchatambudzika, imi vasine hanya; nokuti kukohwiwa kwamadzambiringa kuchakona, nguva yokuunganidza haingasviki. 11Dederai, imi vakadzi vagere zvakanaka; tambudzikai, imi vasine hanya; zvifukurei, mubvise nguo dzenyu, muzvisunge zviuno namakudza. 12Vachazvirova zvipfuva nokuda kweminda yaifadza, nomudzambiringa waibereka zvakanaka. 13Panyika yavanhu vangu pachamera minzwa norukato; zvirokwazvo, pamusoro pedzimba dzose dzomufaro muguta romufaro.
14Nokuti imba yamambo ichasiyiwa, guta rina vanhu vazhinji richaita dongo; chikomo nenhare zvichashanduka mapako nokusingaperi, panofara mbizi, namafuro ezvipfuwo; 15kusvikira mweya uchidururwa pamusoro pedu uchibva kumusoro, renje rikaita munda unobereka zvakanaka, nomunda unobereka zvakanaka uchinzi idondo.
16Ipapo kururamisira kuchagara murenje, kururama kuchagara mumunda unobereka zvakanaka. 17Basa rokururama richava rugare, zvibereko zvokururama zvichava kunyarara nokutenda nokusingaperi. 18Vanhu vangu vachagara paugaro vane rugare, napadzimba dzakasimba, napanzvimbo dzokuzorora dzakadzikama. 19Asi chimvuramabwe chichavapo kana dondo richiwa, neguta richaparadzwa chose. 20Makaropafadzwa imi munokusha pose panemvura, munosundira makumbo enzombe neembongoro.

Zvasarudzwa nguva ino

Isaya 32: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda