Isaya 33
33
Jehovha acharwira vanhu vake
1Une nhamo, iwe unoparadza, usina kuparadzwa umene; iwe unoita nokunyengera, asi havana kukuitira nokunyengera, iwe! Kana wapedza kuparadza, newewo uchaparadzwa, kana wapedza kuita nokunyengera, vachakuitira nokunyengera newewo.
2Jehovha mutinzwire tsitsi, takakumirirai; ivai ruoko rwedu mangwanani ose, noruponeso rwedu panguva yokutambudzika. 3Marudzi avanhu akatiza achinzwa mubvumo, marudzi akaparadzirwa imi muchisimuka. 4Zvakapambwa zvenyu zvichaparadzwa, sezvinoparadza gwatakwata; somumhanyire wemhashu, saizvozvo vanhu vachamhanyira kwazviri.
5Jehovha akakudzwa, nokuti anogara kumusoro; akazadza Zioni nokururamisira nokururama. 6Panguva dzako pachava nokugarika, nokuwanda kwokuponeswa, nouchenjeri nezivo; kutya Jehovha ndiyo pfuma yake.
7Tarirai, mhare dzavo dzinodanidzira dziri kunze; nhume dzorugare dzinochema zvikuru. 8Migwagwa mikuru yaparadzwa, vafambi havachipo; aputsa sungano, azvidza maguta, haane hanya nomunhu. 9Nyika inochema, yaziya; Rebhanoni ranyadziswa, rooma; Sharoni rafanana nerenje; Bhashani neKarimeri azuka mashizha.
10“Zvino ndichasimuka, ndizvo zvinotaura Jehovha; zvino ndichazvisimudza, zvino ndichakudzwa.
11“Imi muchava napamuviri pehundi, muchabereka mashanga; mweya wenyu moto uchakupedzai. 12Marudzi avanhu achaita sokupiswa kwesuko, seminzwa yakatemwa, inopiswa nomoto.
13“Inzwai, imi muri kure, zvandakaita; imi muri pedyo, muzive simba rangu.”
14Vatadzi vari paZioni vanotya, vasingadi Mwari, vabatwa nokudedera. “Ndianiko pakati pedu angagara nomoto unoparadza? Ndiani pakati pedu angagara nokupisa kusingaperi?”
15Ndiye anofamba nokururama, anotaura zvakarurama; iye anoshora pfuma yakawanikwa nokunyengera, anozuza maoko ake achiramba fufuro, anodzivira nzeve dzake, kuti arege kunzwa mashoko eropa, anotsinzina meso ake kuti arege kutarira zvakaipa; 16iye achagara pakakwirira, nhare dzamatombo dzichava utiziro hwake; zvokudya zvake achazvipiwa, mvura yake haingapwi.
17Meso ako achaona mambo pakunaka kwake, achaona nyika yakakura kwazvo. 18Mwoyo wako ucharangarira nguva yokutya, uchiti, “Aripiko iye aiverenga, aripiko aiyera mutero? Aripiko aiverenga shongwe?”
19Haungazooni vanhu vane hasha, vanhu vanorurimi runoshamisa, rwausingagoni kunzwa, rurimi rwokumwe rwausingagoni kunzwisisa. 20Tarirai Zioni, iro guta remitambo yedu; meso ako achaona Jerusaremu hwava ugaro hwakadzikama, tende risingazovhomorwi, nebote raro rimwe risingazodamburwi.
21Asi Jehovha achavapo nesu noumambo hwake, ichava nzvimbo ine nzizi nehova dzakafara, magwa anokwasviwa haangasvikipo, nezvikepe zvikuru hazvingapfuuripo. 22Nokuti Jehovha ndiye mutongi wedu, Jehovha ndiye mutemi wemirayiro yedu, Jehovha ndiye mambo wedu; iye achatiponesa. 23Mabote ako akati dembu-tembu; haagoni kusimbisa muromo wapasi wedanda rechikepe chavo, haagoni kutasanura seiri; ipapo zvakatapwa nezvakapambwa zvizhinji zvinogoverwa; zvirema zvinotora zvakatapwa.
24Hakuna ageremo, achati, “Ndinorwara; vanhu vageremo vachakanganwirwa zvakaipa zvavo.”
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 33: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002