Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 34

34
Zuva raJehovha rokutonga marudzi avanhu
1Swederai, imi marudzi avanhu, munzwe, tererai imi vanhu; nyika ngainzwe, nezvose zvayo, pasi pose, nezvose zvinobudamo. 2Nokuti Jehovha akatsamwira marudzi ose, ane hasha nehondo dzawo dzose; akavaparadza chose, akavaisa pakuurawa.
3Vakaurawa vavo vacharaswa kunze, kunhuwa kwezvitunha zvavo kuchakwira, makomo achanyauswa neropa ravo.
4Hondo dzose dzokudenga dzichanyakatika, denga rose richapetwa sorugwaro rwakapetwa; hondo dzaro dzose dzichaoma, sokuoma kwamashizha pamudzambiringa, uye seshizha rinooma pamuonde.
5Nokuti munondo wangu wanwa ukaguta kudenga; tarirai uchaburukira pamusoro paEdhomu, napamusoro pavanhu vakatukwa neni, kuti vatongwe. 6Munondo waJehovha uzere neropa, unobwinya namafuta, neropa ramakwayana nerembudzana, namafuta etsvo dzamakondobwe; nokuti Jehovha ane chibayiro chake paBhozira, nokubaya kukuru panyika yaEdhomu. 7Nyati dzichawa pamwechete navo, nenzombe pamwechete nehandira; nyika yavo ichabatwa neropa, guruva ravo richazara namafuta. 8Nokuti Jehovha ane zuva rokutsiva, negore rokutsiva zvakaitirwa Zioni.
9Hova dzayo dzichashanduka namo, guruva rayo sariferi, nyika yayo ichaitwa namo inopfuta. 10Haingadzimwi usiku namasikati; utsi hwayo huchakwira nokusingaperi; richava dongo kusvikira kumarudzi namarudzi; hakuna munhu angapfuura noko nokusingaperi. 11Asi zvichava zvehukurwizi nenungu; zizi negunguo zvichagaramo; achatambanudzirapo rwonzi rwokuparadza nechokururamisa chezvisina chinhu. 12Vakuru vayo vachadanirwa kuushe, asi havangavipo; machinda ayo ose achava pasina. 13Minzwa ichamera mudzimba dzamadzimambo ayo, hutumbambeva norukato munhare dzayo; huchava hugaro hwamakava, nenzvimbo yemhou.
14Zvikara zvomusango zvichasangana namapere, mweya wakaipa uchadana shamwari yawo; zvirokwazvo, chikara chousiku chichagarapo norugare, chichiwanapo nzvimbo yokuzorora. 15Rovambira ichaita dendere rayopo, nokukandira, nokuchechenya mazai ayo, nokuunganidza vana vayo mumumvuri wayo; zvirokwazvo, ndipo pachaunganira vhuvhangu, rumwe norumwe neshamwari yarwo.
16Tsvakai pabhuku yaJehovha, murave; hapana chimwe chezvinhu izvi chichashaikwa, chichashaiwa shamwari yacho; nokuti muromo wangu wakarayira izvozvo, nomweya wake wakazviunganidza. 17Iye wakazvikandira mijenya, ruoko rwake rwakazviganhurira nyika norwonzi; ichava yazvo nokusingaperi, vachagaramo kusvikira kumarudzi namarudzi.

Zvasarudzwa nguva ino

Isaya 34: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda