Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremiya 33

33
Jehovha anopamhidzazve kuti acharopafadza vanhu vake
1Zvino shoko raJehovha rakasvikazve rwechipiri kuna Jeremiya, achakapfigirwa muruvazhe rwavarindi, richiti, 2“Zvanzi naJehovha, iye unozviita, iye Jehovha unozviumba nokuzvisimbisa, Jehovha ndiro zita rake, 3‘Danai kwandiri, ndichakupindurai, ndichakuratidzai zvinhu zvikuru zvakavanzika, zvamusingazivi.’ 4Nokuti zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri pamusoro pedzimba dzeguta rino, napamusoro pedzimba dzamadzimambo aJudha, dzakakoromorwa kuzorwa nemirwi yokurwa neminondo, 5‘Vanouya havo kuzorwa navaKaradhea, asi vanodzizadza nezvitunha zvavanhu vandakauraya nokutsamwa kwangu nehasha dzangu, ndikavanzira guta rino chiso changu nokuda kwokuipa kwavo kwose.’ 6Tarirai, ndichavavigira mufaro pamuviri nokupora, ini ndichavaporesa; ndichavaratidza rugare rwakawanda nezvokwadi yakawanda. 7Ndichadzosa kutapwa kwaJudha nokutapwa kwaIsiraeri, ndichavavaka sapakutanga.
8“Ndichavanatsa pazvakaipa zvavo zvose zvavakanditadzira nazvo, ndichakanganwira zvakaipa zvavo zvose zvavakanditadzira nazvo, nezvavakandidarikira nazvo. 9Guta rino richava kwandiri mbiri yomufaro, nokurumbidzwa nokukudzwa, pamberi pamarudzi ose enyika, achanzwa zvakanaka zvose zvandichavaitira; vachatya nokudedera pamusoro pezvakanaka zvose norugare rwose zvandicharivigira.”
10Zvanzi naJehovha, “Panzvimbo ino yamunoti yakaparadzwa, haina vanhu kana zvipfuo, imo mumaguta aJudha, nomunzira dzomuJerusaremu, mangova nedongo, musina vanhu vageremo, kana zvipfuo, pachanzwikazve 11inzwi romufaro nokufarisisa, inzwi rechikomba nenzwi romwenga, nenzwi ravanoti, ‘Wongai Jehovha wehondo,’ nokuti Jehovha wakanaka, nokuti ngoni dzake dziripo nokusingaperi; uye neravanouya nezvipiriso zvokuwonga mumba maJehovha. Nokuti ndichadzosa kutapwa kwenyika zvive sapakutanga ndizvo zvinotaura Jehovha.”
12Zvanzi naJehovha wehondo, “Panzvimbo ino yakaparadzwa, isina vanhu kana zvipfuo, napamaguta aripo, pachavazve namafuro avafudzi, vanovatisa makwai avo pasi. 13Mumaguta enyika yamakomo, mumaguta amapani, mumaguta orutivi rwezasi, napanyika yaBhenjamini, napanzvimbo dzakapoteredza Jerusaremu, nomumaguta aJudha, makwai achapfuurazve pasi poruoko rwounoaverenga, ndizvo zvinotaura Jehovha.”
14“Tarirai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha, andichaita shoko iro rakanaka randakataura pamusoro peimba yaIsiraeri napamusoro peimba yaJudha.
15“Namazuva iwayo, nenguva iyo, ndichamedzera Dhavhidhi davi rokururama; iye ucharuramisira vanhu nokuita zvakarurama panyika. 16Namazuva iwayo Judha vachaponeswa, Jerusaremu richagara rakachengetwa; zita rarichatumidzwa ndireri, ‘Jehovha ndiye kururama kwedu.’
17“Nokuti zvanzi naJehovha, ‘Dhavhidhi haangatongoshaiwi munhu unogara pachigaro choushe cheimba yaIsiraeri; 18navapristi vaRevhi havangashaiwi munhu pamberi pangu ungapisa zvipiriso zvinopiswa nokupisa zvipiriso zvoupfu, nokugara achibayira.’ ” 19Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya, richiti,
20“Zvanzi naJehovha, ‘Kana mungagona kuputsa sungano yangu yamasikati nesungano yangu yousiku, kukarega kuva namasikati nohusiku nenguva yazvo; 21ipapo sungano yangu naDhavhidhi muranda wangu ingaputswawo, akasava nomwanakomana ungabata ushe pachigaro chake choushe; saizvozvowo navaRevhi, vapristi, vashumiri vangu.’ ”
22Hondo yokudenga sezvaisingabviri kuverengwa, kana jecha regungwa kuyerwa, saizvozvo ndichawanza vana vaDhavhidhi muranda wangu, navaRevhi vanondishumira. 23Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya, richiti,
24“Haurangariri zvakataurwa navanhu ava, zvavakati, ‘Marudzi maviri akatsaurwa naJehovha, akarashwa naye?’ Saizvozvo vanozvidza vanhu vangu, vachiti havachiri rudzi pamberi pavo. 25Zvanzi naJehovha, ‘Kana sungano yangu yamasikati nohusiku isipo, kana ndisina kutemera denga napasi mirairo; 26ipapo ndicharashawo vana vaJakobho, navaDhavhidhi muranda wangu, kuti ndirege kutora vamwe vavana vake vave vabati vavana vaAbhurahamu naIsaka naJakobho; nokuti ndichadzosa kutapwa kwavo nokuvanzwira nyasha.’ ”

Zvasarudzwa nguva ino

Jeremiya 33: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda