Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 12:1-11

Johani 12:1-11 SNA2002

Zvino mazuva matanhatu Pasika ichigere kusvika, Jesu akasvika Bhetania, paiva naRazaro, wakadeya kumutswa naJesu kuvakafa. Vakamuitirapo chirariro; Marita akavashandira; naRazaro akanga ari mumwe wavakanga vagere naye pakudya. Zvino Maria akatora paundi yamafuta enaridho, anomutengo mukuru, akazodza tsoka dzaJesu, akapukuta tsoka dzake nevhudzi rake; imba ikazadzwa nokunhuwira kwamafuta. Ipapo mumwe wavadzidzi vake, Judhasi Isikarioti akanga achazomupandukira, akati, “Mafuta awa akaregereiko kutengeswa namadhenari mazana matatu, akapiwa varombo?” Asi haana kureva izvozvo kuri kuti akarangarira varombo, asi nokuti aiva mbavha; aigara nechikwama, achisiba zvaiiswamo. Asi Jesu akati, “Muregei, azvichengetere zuva rokuvigwa kwangu. Nokuti varombo munavo nguva dzose; asi ini hamuneni nguva dzose.” Zvino vanhu vazhinji-zhinji vokuvaJudha vakanzwa kuti aripo; vakauya, asi havana kuuya nokuda kwaJesu bedzi, asi kuti vaonewo Razaro, waakanga amutsa kuvakafa. Asi vapristi vakuru vakarangana kuti vauraye naRazarowo, nokuti nokuda kwake vaJudha vazhinji vakanga vachibva kwavari, vachitenda kuna Jesu.

Verenga chikamu Johani 12