Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 12:12-19

Johani 12:12-19 SNA2002

Zvino ava mangwana vanhu vazhinji-zhinji, vakanga vauya kumutambo, vakati vanzwa kuti Jesu auya Jerusaremu, vakatora mashizha emichindwi, vakabuda kundomuchingamidza, vakadanidzira, vachiti, “Hosana! Ngaarumbidzwe anouya muzita raIshe, Mambo wavaIsiraeri.” Jesu akati awana mwana wembongoro, akagara pamusoro payo, sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Usatya, mukunda weZioni; tarira Mambo wako anouya, agere pamusoro pemhuru yembongoro.” Vadzidzi vake havana kunzwisisa izvozvi pakutanga; asi Jesu akati akudzwa, vakazoyeuka, kuti izvozvo zvakanga zvanyorwa pamusoro pake, uye kuti vakanga vamuitira izvozvo. Zvino vanhu vazhinji vaiva naye pakudana kwake Razaro kuti abve mubwiro, nokumumutsa kuvakafa, vakapupura. Saka vazhinji vakamuchingamidzawo, nokuti vakanga vanzwa, kuti akaita chiratidzo ichocho. Ipapo vaFarisi vakataurirana, vachiti, “Munoona henyu kuti hamugoni chinhu; tarirai, nyika yose yamutevera.”

Verenga chikamu Johani 12