Johani 12:12-19
Johani 12:12-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zuva rakatevera ungano huru yavanhu vakanga vauya kuMutambo yakanzwa kuti Jesu akanga ari munzira achiuya kuJerusarema. Vakatora mapazi emichindwe vakaenda kundosangana naye, vachidanidzira vachiti: “Hosana! “Akaropafadzwa uyo anouya muzita raShe! “Akaropafadzwa Mambo weIsraeri!” Jesu akati awana mhuru yembongoro, akagara pamusoro payo, sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Usatya iwe Mwanasikana weZioni; tarira, mambo wako ari kuuya, akagara pamusoro pemhuru yembongoro.” Vadzidzi vake havana kuzvinzwisisa pakutanga. Vakazoyeuka shure kwokunge Jesu apinda mukubwinya kwake, kuti zvinhu izvi zvakanga zvakanyorwa pamusoro pake, uye kuti vakanga vaita izvozvo kwaari. Zvino vanhu vazhinji vakanga vanaye paakadana Razaro kubva muguva uye akamumutsa kubva kuvakafa vakaramba vachiparadzira shoko iri. Vanhu vazhinji vakabuda kundosangana naye nokuda kwokuti vakanga vanzwa kuti akanga aita chiratidzo ichi. Saka vaFarisi vakataurirana vakati, “Onai, hakuna kwatinosvika nazvo izvi. Tarirai kuti nyika inomutevera sei!”
Johani 12:12-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ava mangwana vanhu vazhinji-zhinji, vakanga vauya kumutambo, vakati vanzwa kuti Jesu auya Jerusaremu, vakatora mashizha emichindwi, vakabuda kundomuchingamidza, vakadanidzira, vachiti, “Hosana! Ngaarumbidzwe anouya muzita raIshe, Mambo wavaIsiraeri.” Jesu akati awana mwana wembongoro, akagara pamusoro payo, sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Usatya, mukunda weZioni; tarira Mambo wako anouya, agere pamusoro pemhuru yembongoro.” Vadzidzi vake havana kunzwisisa izvozvi pakutanga; asi Jesu akati akudzwa, vakazoyeuka, kuti izvozvo zvakanga zvanyorwa pamusoro pake, uye kuti vakanga vamuitira izvozvo. Zvino vanhu vazhinji vaiva naye pakudana kwake Razaro kuti abve mubwiro, nokumumutsa kuvakafa, vakapupura. Saka vazhinji vakamuchingamidzawo, nokuti vakanga vanzwa, kuti akaita chiratidzo ichocho. Ipapo vaFarisi vakataurirana, vachiti, “Munoona henyu kuti hamugoni chinhu; tarirai, nyika yose yamutevera.”
Johani 12:12-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zuva ramangwana racho gungano guru ravanhu rakanga rauya kuzuva guru rakanzwa kuti Jesu ari kuuya kuJerusaremu. Nokudaro vakakwanhura mapazi omurara vakaenda kundomugamuchira vachidaidzira vachiti, “Hosana, ngaarumbidzwe iye anouya muzita raTenzi ndiye mambo weIsiraeri.” Jesu akawona chigondora chedhongi akachitasva sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Usatye zvako iwe mukunda weZioni, tarisa uone mambo wako ari kuuya akatasva pachigondora chedhongi.” Pakutanga vadzidzi vake, izvi havana kuzvinzwisisa. Asi Jesu paakawana mukurumbira wake ndopavakayeuka kuti izvi zvakambenge zvakanyorwa nezvake uye kuti ndizvo zvakanga zvaitika kwaari. Chikwata chavanhu chakanga chinaye paakadaidza Razaro muguva akamumutsa muvafi, chakamupupurira. Chakaendera chikwata ichocho kundomuchingura, ndechokuti vakanga vanzwa kuti akanga aita chiratidzo ichocho. VaFarisei vakataurirana kuti, “Chitarisaika muone. Hapana chamunombogona kuita. Onai nyika yotomutevera.”
Johani 12:12-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino aʋa maŋgwana ʋanhu ʋazhinji‐zhinji, ʋakaŋga ʋaʋuya kumutambo, ʋakati ʋanzwa kuti Jesu woʋuya Jerusarema, ʋakatora mashizha emicindwe, ʋakaɓuda kundomuciŋgamidza, ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Hosana! Ŋgaarumbidzwe unoʋuya muzita raShe, Mambo waʋaIsraeri. Jesu akati awana mŋana wemboŋgoro, akagara pamsoro payo, seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Usatya, mukunda weZioni; tarira Mambo wako unoʋuya, agere pamsoro pemhuru yemboŋgoro. Ʋadzidzi ʋake haʋana‐kunzwisisa iɀoɀi pakutaŋga; asi Jesu wakati akudzwa, ʋakazoraŋgarira, kuti iɀoɀo ɀakaŋga ɀanyorwa pamsoro pake, ʋuye kuti ʋakaŋga ʋamuitira iɀoɀo. Ɀino ʋanhu ʋazhinji ʋaiʋa naye pakuɗana kwake Razaro kuti abve mubgiro, nokumumutsa kuʋakafa, ʋakapupura. Saka ʋazhinji ʋakamuciŋgamidza ʋo, nokuti ʋakaŋga ʋanzwa, kuti wakaita ciratidzo iceco. Ipapo ʋaFarise ʋakataurirana, ʋaciti: Munoʋona henyu kuti hamugoni cinhu; tarirai, nyika yose yamuteʋera.
Johani 12:12-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)