Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 14:1-31

Johani 14:1-31 SNA2002

“Mwoyo yenyu irege kumanikidzwa; tendai kuna Mwari, mutendewo kwandiri. Mumba mababa vangu mune nzvimbo zhinji dzokugara; dai kusaiva kudaro, ndingadai ndaikuudzai; nokuti ndinoenda kundokugadzirirai pokugara. “Kana ndaenda kundokugadzirirai pokugara, ndinozouyazve, ndikugamuchirei kwandiri; kuti apo pandiri, nemi mugovapowo. Napandinoendanapo, imi munoziva nzira.” Tomasi akati kwaari, “Ishe, hatizivi pamunoenda; nzira tingaiziva seiko?” Jesu akati kwaari, “Ndini nzira, nechokwadi, noupenyu; hapana munhu unouya kuna baba, asi nokwandiri. Dai makanga muchindiziva mungadai maizivawo baba vangu; kubva zvino munovaziva, makavaona.” Firipi akati kwaari, “Ishe, tiratidzei baba zvigotiringana.” Jesu akati kwaari, “Ndakava nemi nguva refu yakadai, ko hausati wandiziva here, Firipi? Andiona ini, aona baba; zvino unoreva seiko, uchiti, ‘Tiratidzei baba?’ Hautendi here kuti ndiri muna baba nababa vari mandiri? Mashoko andinoreva kwamuri, handiarevi pachangu; asi baba, vanogara mandiri, ndivo vanoita mabasa avo. Nditendei kuti ndiri munababa, nababa vari mandiri; kana kusi kudaro, nditendei nokuda kwamabasa amene. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, Anotenda kwandiri, mabasa andinoita, iye achaaitawo, achaita makuru kunaawa; nokuti ndinoenda kuna baba. Chinhu chipi nechipi chamunokumbira muzita rangu, ndichachiita, kuti baba vakudzwe muMwanakomana. Kana muchikumbira chinhu kwandiri muzita rangu, ndichachiita. “Kana muchindida, muchachengeta mirayiro yangu. Neni ndichakumbira baba, vachakupai mumwe Munyaradzi, kuti agare nemi nokusingaperi; ndiye Mweya wechokwadi; nyika haigoni kumugamuchira, nokuti haimuoni, kana kumuziva; imi munomuziva, nokuti agere nemi, achava mukati menyu. “Handingakusiyi muri nherera; ndinouya kwamuri. “Kuchine nguva duku, nyika haichazondioni; asi imi munondiona, nokuti ini ndiri mupenyu, nemiwo muchava vapenyu. Nezuva iro muchandiziva, kuti ndiri muna baba, nemi mandiri, neni mamuri. “Ane mirayiro yangu, akaichengeta, ndiye anondida; anondida achadikanwa nababa vangu; neni ndichamudawo, ndichazviratidza kwaari.” Judhasi (asati ari iye Isikarioti) akati kwaari, “Ishe, ndokudiniko kuti muchazviratidza kwatiri, musingazviratidzi kunyika?” Jesu akapindura, akati kwaari, “Kana munhu achindida, achachengeta shoko rangu; nababa vangu vachamuda, tichauya kwaari, tikaita ugaro hwedu maari. Asingandidi, haachengeti mashoko angu; shoko ramunonzwa, harisi rangu, asi nderababa vakandituma. “Zvinhu izvozvi ndakakuudzai ndichigere nemi. Asi Munyaradzi, Mweya Mutsvene, achatumwa nababa muzita rangu, iye achakudzidzisai zvose, nokukuyeuchidzai zvose, zvandakareva kwamuri. “Ndinokusiyirai rugare; ndinokupai rugare rwangu; handikupiyi sokupa kwenyika. Mwoyo yenyu irege kumanikidzwa, irege kutya. Makanzwa kuti ndakati kwamuri, ‘Ndinoenda, ndigodzokerazve kwamuri.’ Dai maindida, mungadai maifara, nokuti ndinoenda kuna baba; nokuti baba vakuru kwandiri. Zvino ndakuudzai zvisati zvaitika, kuti musi wazvinoitika mugotenda. Handichazotauri zvizhinji nemi, nokuti muchinda wenyika anouya; asi haana chinhu kwandiri; asi izvi zvinoitika kuti nyika izive kuti ndinoda baba, uye kuti sezvandakarairwa nababa, ndizvo zvandinoita. Simukai, ngatibve pano.

Verenga chikamu Johani 14