Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 3:1-8

Johani 3:1-8 SNA2002

Kwaivapo mumwe wavaFarisi, ainzi Nikodhimo, mukuru wavaJudha. Iye akauya kwaari usiku, akati kwaari, “Rabhi, tinoziva kuti muri Mudzidzisi akabva kuna Mwari; nokuti hakuna munhu anogona kuita zviratidzo izvozvo zvamunoita, kana Mwari asiri naye.” Jesu akapindura, akati kwaari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, kana munhu asingaberekwi kutsva, haangaoni ushe hwaMwari.” Nikodhimo akati kwaari, “Munhu angagoberekwa seiko ava mukuru? Angapindazve mudumbu ramai vake rwechipiri, akaberekwa here?” Jesu akapindura, akati, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, kana munhu asingaberekwi nemvura noMweya, haangagoni kupinda muushe hwaMwari. Chakaberekwa nenyama inyama, chakaberekwa noMweya, mweya. Usashamiswa, nokuti ndakati kwauri, munofanira kuberekwa kutsva. Mhepo inovhuvhuta painoda napo, unonzwa izwi rayo, asi hauzivi painobva napainoenda; mumwe nomumwe akaberekwa naMweya akadaro.”

Verenga chikamu Johani 3