Jesu akaenda kugomo reMiorivhi. Mangwanani akadzokerazve kutemberi, vanhu vose vakauya kwaari; akagara pasi akavadzidzisa. Vanyori navaFarisi vakauya kwaari nomukadzi akanga abatwa achipfeva vakamuisa pakati pavo. Vakati kwaari, “Mudzidzisi, mukadzi uyu wakabatwa achipfeva, ipapo pamene. “Zvino Mosesi akatirayira mumurayiro kuti vakadzi vakadaro vatakwe namabwe; zvino imi munoti kudiniko?” Vakareva izvozvo, vachimuedza, kuti vawane chavangamupomera mhosva nacho. Asi Jesu akakotama, akanyora pasi nomunwe. Zvino ivo vakati vachiramba vachimubvunza, akakotoroka, akati kwavari, “Asina chivi pakati penyu, ngaatange kukanda bwe kwaari.” Akakotamazve, akanyora pasi. Zvino ivo vakati vachizvinzwa, hana dzavo dzikavarova, vakabuda mumwe-mumwe, kutanga vakuru kusvikira kuno wokupedzisira; Jesu akasara ari oga, nomukadzi akanga amire pakati pavo. Jesu akatwasanukazve; zvino asingaoni munhu, asi mukadzi oga, akati kwaari, “Mai, vaya vakupomera mhosva varipiko? Hakuna akutonga here?” Iye akati, “Hakuna, Ishe!” Jesu akati kwaari, “Neniwo handikupi mhosva. Enda hako, usatadzazve.”]
Verenga chikamu Johani 8
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 8:1-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo