Jobho 1
1
Jobho munhu akarurama
1Kwakanga kuno munhu panyika yeUzi, ainzi Jobho; munhu uyu akanga akakwana, akarurama, aitya Mwari achinzvenga zvakaipa 2Iye wakaberekerwa vanakomana vanomwe navakunda vatatu. 3Uye pfuma yake yakasvika makwai ane zviuru zvinomwe, nengamera zviuru zvitatu, nemombe dzakaringana majoko ana mazana mashanu, namakadzi embongoro ana mazana mashanu, navanhu vazhinji paimba yake; naizvozvo munhu uyu akanga ari mukuru pakati pavana vamabvazuva.
4Vanakomana vake vaisienda kundoita mutambo paimba yomumwe nomumwe wavo pazuva rake; vaituma kundodana hanzvadzi dzavo nhatu kuzodya nokunwa navo. 5Zvino kana mazuva okutamba kwavo apera Jobho aituma nhume kuvadana vanatswe, zvino iye ndokumuka mangwanani, ndokupisa zvipiriso zvinopiswa zvaivaringanira vose; nokuti Jobho wakati, “Zvimwe vanakomana vangu vakatadza, vakashora Mwari pamwoyo yavo;” Jobho aisidaro nguva dzose.
Satani anotenderwa kuedza Jobho
6Zvino rimwe zuva vanakomana vaMwari vakati vachindomira pamberi paJehovha, Satani akasvikawo pakati pavo.
7Jehovha akati kuna Satani, “Wabvepiko?” Satani akapindura Jehovha, akati, “Ndabva pakupota-pota nenyika, napakufamba-famba pairi.”
8Jehovha akati kuna Satani, “Wacherekedza muranda wangu Jobho here? Nokuti hakuna munhu akafanana naye panyika, munhu akakwana, akarurama, anotya Mwari, achinzvenga zvakaipa.”
9Ipapo Satani akapindura Jehovha, akati, “Jobho anotya Mwari pasina here? 10Hamuna kumupoteredza here norumhanda, iye neimba yake, nezvose zvaanazvo, pamativi ose? Makaropafadza mabasa amaoko ake, uye pfuma yake yakawanda panyika.
11“Asi tambanudzai henyu ruoko rwenyu, zvino, murove zvose zvaanazvo, ipapo iye achakushorai pachena.”
12Jehovha akati kuna Satani, “Tarira, zvose zvaanazvo zviri paruoko rwako; asi usatambanudzira ruoko rwako kwaari.” Naizvozvo Satani akabva pamberi paJehovha.
13Zvino rimwe zuva vanakomana vake navanasikana vake vakati vachidya nokunwa waini paimba yomukuru wavo, 14nhume ikasvika kuna Jobho, ikati, “Mombe dzakanga dzichirima, nembongoro dzichichera kurutivi rwadzo, 15vaSabea vakadziwira, ndokudzitora, navafudziwo vakavauraya neminondo inopinza; ini ndoga ndakapukunyuka, ndauya kuzokuudzai.”
16Iye akati achitaura, mumwe akasvikawo, akati, “Moto waMwari wakabva kudenga, ukapisa makwai navafudzi, ukavapedza; ini ndoga ndapukunyuka, ndauya kuzokuudzai.”
17Iye akati achitaura, mumwe akasvikawo, akati, “VaKaradhea vakaita mapoka matatu, vakawira ngamera, vakadzitora, navafudziwo vakavauraya neminondo inopinza; ini ndoga ndapukunyuka, ndauya kuzokuudzai.”
18Iye akati achitaura, mumwe akasvikawo, akati, “Vanakomana venyu navanasikana venyu vakanga vachidya nokunwa waini mumba momukuru wavo, 19dutu guru ndokubva kurutivi rwerenje, ndokurova pamusoro pavana, vakafa; ini ndoga ndapukunyuka, ndauya kuzokuudzai.”
20Ipapo Jobho akasimuka, akabvarura nguo yake, akaveura vhudzi rake akazviwisira pasi, akanamata, 21akati, “Ndakabuda mumimba mamai vangu ndiri mushwi, ndichadzokerapo ndiri muhwi; Jehovha akapa, Jehovha wakatora, zita raJehovha ngarikudzwe.” 22Pazvinhu izvi zvose Jobho haana kutadza, haana kuti Mwari akaita noupenzi.
Zvasarudzwa nguva ino
Jobho 1: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002