Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 12

12
Jesu anorayira vadzidzi vake
1Zvino vanhu vane zviuru zvizhinji vakati vaunganira pamwechete kusvikira votsikirirana, akavamba kutaura kuvadzidzi vake pakutanga, achiti, “Chenjerai mbiriso yavaFarisi, ndiko kunyengera. 2Hakuna chinhu chakafukidzwa, chisingazozarurwi; kana chakavanzika, chisingazozikanwi.
3“Saka zvose zvamakataura murima, zvichanzwika muchiedza; nezvamakataura munzeve mudzimba dzomukati, zvichaparidzwa pamusoro pedzimba.
4“Ndinoti kwamuri, hama dzangu, musatya vanouraya muviri, vasingazogoni kuita chimwe chinhu shure kwaizvozvo. 5Asi ndichakuratidzai wamunofanira kutya; mumutye iye, anoti kana auraya, ane simbawo rokukandira muGehena. Hongu, ndinoti kwamuri, mutyei iye. 6Ko shiri duku shanu hadzitengeswi nepeni here? Hakuna imwe yadzo inokanganikwa pamberi paMwari.
7“Asi nevhudzi romusoro wenyu rakaverengwa rose. Musatya, munopfuura shiri duku zhinji.
8“Ndinoti kwamuri, mumwe nomumwe anondipupura pamberi pavanhu, Mwanakomana womunhu achamupupurawo pamberi pavatumwa vaMwari. 9Asi anondiramba pamberi pavanhu, acharambwawo pamberi pavatumwa vaMwari.
10“Mumwe nomumwe anoreva shoko rakaipa pamusoro poMwanakomana womunhu, achakanganwirwa, asi anoshonha Mweya Mutsvene haangakanganwirwi.
11“Kana vachikuisai pamberi pamasinagoge navatongi navakuru vakuru, musafunganya kuti tichapindura sei, kana tichapindurei, kana tichataurei. 12Nokuti Mweya Mutsvene achakudzidzisai nenguva iyo zvamunofanira kutaura.”
Mufananidzo womupfumi benzi
13Zvino mumwe pakati pavazhinji akati kwaari, “Mudzidzisi, udzai munun'una wangu kuti agovane nhaka neni.” 14Iye akati kwaari, “Iwe munhu, ndianiko akandiita mutongi kana mugoveri pakati penyu?” 15Akati kwavari, “Chenjerai, muzvichengete pakuchiva kwose, nokuti upenyu hwomunhu hahuzi pazvinhu zvakawanda zvaanazvo.”
16Akavataurira mufananidzo, akati, “Munda womumwe mupfumi wakanga wabereka kwazvo; 17akafunga mumwoyo make, akati, ‘Ndichaita seiko? Nokuti handina pandingaunganidzira mbesanwa dzangu.’ 18Akati, ‘Ndichaita kudai, ndichaputsa matura angu, ndikavaka makuru; ndichaunganidzirapo zviyo zvangu, nezvose zvangu zvakanaka zvandinazvo, 19ndigoti kumweya wangu, Mweya, une zvakawanda zvakanaka, zvakavigirwa makore mazhinji, zorora, udye, unwe, ufare.’ 20Asi Mwari akati kwaari, ‘Iwe benzi, nousiku uhwu vachakutorera mweya wako; izvo zvawagadzira, zvichagova zvaani?’
21“Ndizvo zvakaita munhu anozviunganidzira pfuma, asingapfumi kuna Mwari.”
Baba vanoziva zvatinoshaiwa
(Mateu 6:25-34; 6:19-21)
22Zvino akati kuvadzidzi vake, “Naizvozvo ndinoti kwamuri, musafunganya pamusoro poupenyu hwenyu, kuti muchadyei, kana pamusoro pomuviri wenyu, kuti muchapfekei? 23Nokuti upenyu hunopfuura zvokudya, nomuviri unopfuwura zvokupfeka. 24Fungai makunguo, kuti haadyari, haacheki, haane tsapi kana dura; asi Mwari anoapa zvokudya. Imi munokunda shiri zvikuru sei! 25Ndianiko kwamuri angawedzera kubhiti rimwe pahurefu hwake nokufunganya? 26Zvino kana imi musingagoni kuita chinhu chiduku, munofunganyireiko pamusoro pezvimwe?
27“Fungai maruva, kumera kwawo; haabati, haaruki; asi ndinoti kwamuri, kunyange naSoromoni pakubwinya kwake kwose, haana kushongedzwa serimwe rawo. 28Zvino kana Mwari achipfekedza saizvozvo uswa hwenyika, huripo nhasi, mangwana hwokandirwa muchoto, haangakupfekedzi nokupfuurisa, imi vokutenda kuduku here?
29“Imi musatsvaka zvamuchadya, nezvamuchanwa; musazvidya mwoyo. 30Nokuti zvinhu izvozvi zvose zvinotsvakwa navahedheni; asi Baba venyu vanoziva kuti munoshayiwa izvozvi. 31Asi tsvakai ushe hwavo, naizvozvo zvose muchazviwedzerwa.
32“Musatya henyu, imi veboka duku, nokuti Baba venyu vanofara kukupai ushe. 33Tengesai zvamunazvo, mupe zvipo; muzviitire zvikwama zvisingasakari, pfuma isingaperi kudenga, pasingasviki mbavha, pasingaparadzi zvipfunho.
34“Nokuti pane pfuma yenyu, nomwoyo wenyu uchavapowo.
Mufananidzo womuranda wakarindira ishe wake
(Mateu 24:45-51; 10:34-36; 16:2, 3; 5:25, 26)
35“Zviuno zvenyu ngazvigare zvakasungwa, nemwenje yenyu ipfute. 36Nemi muve savanhu vakarindira ishe wavo pakudzoka kwake kumutambo womuchato; kuti kana akasvika, akagogodza, vamuzarurire pakarepo. 37Vakaropafadzwa varanda avo, vanoti, kana ishe achisvika, anovawana vakarindira. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, achazvisunga chiuno iye, akavagarisa pakudya, akauya akavashandira.
38“Kana akasvika nenguva yokurindira yechipiri, kana yechitatu yousiku, akavawana vakadaro, vakaropafadzwa varanda ivavo. 39Asi muzive izvi, kuti dai muridzi weimba aiziva nguva inouya nayo mbavha, haazaitendera kuti imba yake ipazwe. 40Nemiwo mugare makazvigadzira, nokuti Mwanakomana womunhu achauya nenguva yamusingafungi.”
41Zvino Petirosi akati kwaari, “Ishe, mufananidzo uyu munoutaura kwatiri, kana kuna vose here?”
42Ishe akati, “Ndianiko mutariri akatendeka, akachenjera, achaiswa nashe wake pamusoro pavaranda vake, kuti avape mugove wezvokudya zvavo nenguva yakafanira?
43“Akaropafadzwa muranda uyo anoti, kana ishe wake achisvika, akamuwana achiita saizvozvo. 44Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuti achamugadza ave mutariri wezvose zvaanazvo. 45Asi kana muranda uyo akareva mumwoyo make, achiti, ishe wangu anonoka kuuya; akatanga kurova varanda, varume navakadzi, akadya, akanwa, akadhakwa, 46ishe womuranda uyo achasvika nezuva raasingatariri, nenguva yaasingazivi, akamurovesa zvikuru, akamupa mugove wake pamwechete navasakatendeka. 47Muranda uyo akaziva kuda kwashe wake, akasagadzira, kana kuita kuda kwake, acharohwa zvakanyanya.
48“Asi asina kuziva, akaita zvakafanira kurohwa, acharohwa zvishoma. Akapiwa zvizhinji, zvizhinji zvichatsvakwa kwaari; anotendwa nezvizhinji, vachareva zvinopfuurisa kwaari.
49“Ndakauya kuzokanda moto panyika; zvino ndinoti, dai watobatidzwa hawo! 50Ndino rubhabhatidzo rwandichabhabhatidzwa narwo; ndinomanikidzwa sei kusvikira zvichiitika. 51Munofunga kuti ndakauya kuzopa rugare panyika here? Ndinoti kwamuri, kwete, asi kupesanisa. 52Nokuti kubva zvino vashanu veimba imwe vachapesana, vatatu vachipesana navaviri, vaviri navatatu. 53Baba vachapesana nomwanakomana wavo, nomwanakomana nababa vake; mai nomwanasikana wavo, nomwanasikana namai vake; vamwene nomukadzi womwanakomana wavo, nomukadzi womwanakomana navamwene vake.”
54Akati kuvanhu vazhinji, “Kana muchiona gore richikwira kumavirira, pakarepo munoti, mvura ichanaya; zvoitika saizvozvo. 55Kana muchiona mhepo ichivhuvhuta ichibva Zasi munoti, kuchapisa kwazvo; zvoitika. 56Imi vanyengeri; munoziva kududzira zvamunoona zvenyika nezvokudenga, asi hamuzivi sei kududzira nguva ino?
57“Munoregereiko kuzvitongera mumene zvakarurama? 58Nokuti kana uchienda kuna she nomudzivisi wako, edza kuti uregedzwe naye muchiri munzira; kuti arege kukukwirira kumutongi, mutongi akuise kumupurisa, mupurisa akuise mutorongo. 59Ndinoti kwauri, haungatongobudimo, usati waripa kamari kwokupedzisira.”

Zvasarudzwa nguva ino

Ruka 12: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda