Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 13

13
Tendeukai
1Nenguva iyo vamwe vakanga varipo vakamuudza shoko ravaGariria vakanga vavenganisirwa ropa ravo nezvibayiro zvavo naPirato. 2Akapindura, akati kwavari, “Munoti vaGariria avo vakanga vari vatadzi here kupfuura vaGariria vose, zvavakatambudzika saizvozvo? 3Ndinokuudzai, kwete; asi kana musingatendeuki, imi mose muchaurawa saizvozvo. 4Kana vaya vane gumi navasere, vakawirwa nesvingo yeSiroami, ikavauraya, munoti vakanga vane mhosva kukunda vanhu vose vaigara Jerusaremu here? 5Ndinokuudzai, kwete; asi kana musingatendeuki, imi mose muchaurawa saizvozvo.”
Muonde usingabereki
6Zvino akataura mufananidzo uyu, “Mumwe munhu akanga ano muonde, wakanga wakasimwa mumunda wake wemidzambiringa; akauya achitsvaka muchero kwauri, akaushayiwa. 7Ipapo akati kumurimi womunda wemidzambiringa, ‘Tarira, ndauya makore matatu ndichitsvaka michero pamuonde uyu, ndikaushayiwa; uuteme, unotadzireiko pasi?’ 8Akapindura, akati kwaari, ‘Ishe, muuregei henyu nhaka, kusvikira ndichiurimira, nokuuisa mupfudze; 9kana ukazobereka michero, zvakanaka; asi kana usingabereki, mungazoutema henyu.’ ”
Jesu anoporesa mukadzi neSabata
10Zvino akanga achidzidzisa mune rimwe sinagoge nomusi weSabata.
11Zvino tarira, kwaivapo mukadzi aiva nomweya wourwere makore ane gumi namasere; akanga akafunyana, asingatongogoni kusimuka.
12Jesu akati achimuona, akamudana, akati kwaari, “Mai, masunungurwa paurwere hwenyu.” 13Akaisa maoko ake pamusoro pake; akatasanuka pakarepo, akarumbidza Mwari.
14Zvino mukuru wesinagoge akatsamwa, nokuti Jesu akaporesa nomusi weSabata, akapindura, akati kuvanhu vazhinji, “Mazuva matanhatu aripo, anofanira kushandwa nawo; uyai naiwayo, muporeswe; asi musauya nomusi weSabata.” 15Asi Ishe akamupindura, akati, “Imi, vanyengeri! Ko mumwe nomumwe wenyu haangasununguri mombe yake kana mbongoro yake pachidyiro nomusi weSabata, akaenda nayo kundoinwisa here? 16Zvino mukadzi uyu, mwanasikana waAbhurahamu, akanga akasungwa naSatani makore ane gumi namasere, haaizafanira kusunungurwa nomusi weSabata pachisungo ichi here?” 17Zvino akati areva izvozvo, vadzivisi vake vose vakanyadziswa; asi vanhu vazhinji vose vakafara nezvinhu zvose zvakaisvonaka, zvakaitwa naye.
Mufananidzo wembeu yemasitadhi nembiriso
(Mateu 13:31-32; Mako 4:30-32)
18Zvino akati, “Ushe hwaMwari hwakafanana neiko? Ndichahufananidza nei? 19Hwakafanana netsanga yembeu yemasitadhi, yakatorwa nomunhu, akadyara mumunda make, ikamera, ikaita muti, shiri dzokudenga dzikagara pamatavi awo.”
20Akatizve, “Ushe hwaMwari ndichahufananidza neiko? 21Hwakafanana nembiriso yakatorwa nomukadzi akaiisa muzviyero zvitatu zvoupfu, kusvikira hwose hwaviriswa.”
Suo rakamanikana
(Mateu 7:13-14, 21-23)
22Zvino akafamba namaguta nemisha, achidzidzisa, achingoenda Jerusaremu. 23Mumwe akati kwaari, “Ishe, vachazoponeswa vashoma here?” 24Akati kwavari, “Irwai kupinda nesuo rakamanikana; nokuti vazhinji, ndinoti kwamuri, vachatsvaka kupinda, asi havangagoni. 25Panguva iyo kana muridzi weimba asimuka, azarira suo, imi mukatanga kumira kunze, mukagogodza pasuo, muchiti, ‘Ishe! Tizarurirei!’ Iye akapindura, achiti, kwamuri, ‘Handikuzivi kwamakabva.’ 26Zvino muchatanga kuti, ‘Taidya, tainwa pamberi penyu, uye maidzidzisa panzira dzomumisha yedu.’ 27Asi iye achati, ‘Ndinokuudzai, handizivi kwamakabva; ibvai kwandiri, imi mose, vaiti vezvisakarurama!’ 28Apo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno, kana muchiona Abhurahamu naIsaka naJakobho navaporofita vose vari muushe hwaMwari, asi imi mabudiswa kunze.
29“Vanhu vachabva kumabvazuva, nokumavirira, nokumusoro, nezasi, vakagara muushe hwaMwari. 30Tarirai, varipo vokupedzisira vachava vokutanga, novokutanga vachava vokupedzisira.”
Jesu anochema pamusoro peJerusaremu
(Mateu 23:37-39)
31Nenguva iyo vamwe vaFarisi vakasvika, vakati kwaari, “Budai, mubve pano, nokuti Herodhi anoda kukuurayai.”
32Akati kwavari, “Endai, mundoudza mhungubwe iyo, muti, ‘Tarira, ndinobudisa mweya yakaipa, ndinoporesa nhasi namangwana, nezuva retatu ndinopedzisa.’ 33Asi ndinofanira kufamba nhasi namangwana, nerinotevera, nokuti hazvingaitiki kuti muporofita aurawe kunze kweJerusaremu.
34“Jerusaremu, Jerusaremu, unouraya vaporofita, nokutaka namabwe avo vakatumwa kwauri; ndakanga ndichida kazhinji sei kuunganidza vana vako semhambo inounganidza hukwana dzayo munyasi mamapapiro ayo, mukaramba. 35Tarirai, masiyirwa imba yenyu rava dongo; asi ndinoti kwamuri, hamuchazondioni, kusvikira muchiti, ‘Ngaarumbidzwe iye anouya nezita raIshe!’ ”

Zvasarudzwa nguva ino

Ruka 13: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda