Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 16:19-31

Ruka 16:19-31 SNA2002

“Mumwe mupfumi akanga aripo, aipfeka nguo tsvuku nemicheka yakanaka, nokufarira zvakaisvonaka misi yose. “Zvino mumwe murombo, ainzi Razaro, akanga anamaronda mazhinji, akaiswa pasuo rake, achida kuzvigutisa nezvaidonhera patafura romupfumi; kunyange nembwa dzaiuya dzichinanzva maronda ake. “Zvino murombo akati afa, vatumwa vakamuisa pachipfuva chaAbhurahamu. Mupfumi akafawo, akavigwa. Zvino ari muHadhesi, ari pakurwadziwa, akatarira kumusoro, akaona Abhurahamu ari kure, naRazaro ari pachipfuva chake. Akadanidzira, akati, ‘Baba Abhurahamu, ndinzwirei ngoni; tumai Razaro, kuti anyike muromo womunwe wake mumvura, atonhodze rurimi rwangu, nokuti ndinorwadziwa nomurazvo uyu womoto.’ Abhurahamu akati, ‘Mwana, funga kuti wakapiwa zvakanaka zvako muupenyu hwako; naRazaro, saizvozvo akapiwa zvakaipa; asi zvino iye anonyaradzwa pano, iwe unorwadziwa. Uye pazvinhu izvi zvose, mukaha mukuru wakaiswa pakati pedu nemi, kuti vokuno vanoda kuenda mhiri kwamuri, vakoniwe, nowoko varege kuyambukira kwatiri.’ Ipapo akati, ‘Ndinokumbira kwamuri baba, kuti mumutumire kumba kwababa vangu; nokuti ndina vanun'una vashanu; kuti andonatsovapupurira, kuti varege kuuyawo panzvimbo ino yokurwadziwa.’ Abhurahamu akati, ‘Mosesi navaporofita vanavo, ngavavanzwe ivo.’ Iye akati, ‘Kwete, baba Abhurahamu, asi kana mumwe akabva kuvakafa, akaenda kwavari, vangatendeuka.’ “Akati kwaari, ‘Kana vasinganzwi Mosesi navaporofita, havangatendi, kunyange mumwe akamuka kuvakafa.’ ”

Verenga chikamu Ruka 16