Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 16:19-31

Ruka 16:19-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

“Paiva nomumwe murume mupfumi aipfeka nguo dzepepuru nomucheka wakaisvonaka uye aigara upenyu hwakaisvonaka mazuva ose. Pasuo rake paigara mupemhi ainzi Razaro, akanga azere namaronda uye achipanga hake kudya zvimedu zvaiwa patafura yomupfumi. Kunyange imbwa dzaiuya dzichinanzva maronda ake. “Nguva yokufa kwomupemhi yakati yasvika vatumwa vakamutora vakamuendesa pachipfuva chaAbhurahama. Mupfumi akafawo akavigwa. Ari mugehena, umo maairwadziwa, akatarisa kumusoro akaona Abhurahama ari kure, naRazaro ari pachipfuva chake. Saka akadanidzira kwaari achiti, ‘Baba Abhurahama, ndinzwirei ngoni mugotuma Razaro kuti anyike muromo womunwe wake mumvura atonhodze rurimi rwangu, nokuti ndiri kurwadziwa kwazvo mumoto muno.’ “Asi Abhurahama akapindura akati, ‘Mwanakomana, rangarira kuti pamazuva oupenyu hwako wakagamuchira zvinhu zvako zvakanaka, panguva iyoyo Razaro akagamuchira zvinhu zvakaipa, asi zvino ari kunyaradzwa pano, uye iwe uri kurwadziwa. Uye pamusoro paizvozvo zvose, pano mukaha mukuru wakaiswa pakati pedu newe, kuitira kuti vanoda kubva kuno kuti vauye ikoko vakonewe, uye hakuna munhu angayambuka achibva ikoko achiuya kwatiri.’ “Iye akapindura achiti, ‘Zvino ndinokukumbirai, baba, tumai Razaro kumba kwababa vangu, nokuti ndina vanunʼuna vashanu. Ngaaende anovayambira, kuitira kuti naivowo varege kuuya kunzvimbo ino yokurwadziwa.’ “Abhurahama akati, ‘Mozisi navaprofita vanavo; ngavavanzwe.’ “Iye akati, ‘Kwete, baba Abhurahama, asi kana mumwe akabva kuna vakafa akaenda kwavari, vangatendeuka.’ “Iye akati kwaari, ‘Kana vasinganzwi Mozisi navaprofita, havangatendi kunyange dai mumwe akamuka kubva kuvakafa.’ ”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 16

Ruka 16:19-31 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

“Mumwe mupfumi akanga aripo, aipfeka nguo tsvuku nemicheka yakanaka, nokufarira zvakaisvonaka misi yose. “Zvino mumwe murombo, ainzi Razaro, akanga anamaronda mazhinji, akaiswa pasuo rake, achida kuzvigutisa nezvaidonhera patafura romupfumi; kunyange nembwa dzaiuya dzichinanzva maronda ake. “Zvino murombo akati afa, vatumwa vakamuisa pachipfuva chaAbhurahamu. Mupfumi akafawo, akavigwa. Zvino ari muHadhesi, ari pakurwadziwa, akatarira kumusoro, akaona Abhurahamu ari kure, naRazaro ari pachipfuva chake. Akadanidzira, akati, ‘Baba Abhurahamu, ndinzwirei ngoni; tumai Razaro, kuti anyike muromo womunwe wake mumvura, atonhodze rurimi rwangu, nokuti ndinorwadziwa nomurazvo uyu womoto.’ Abhurahamu akati, ‘Mwana, funga kuti wakapiwa zvakanaka zvako muupenyu hwako; naRazaro, saizvozvo akapiwa zvakaipa; asi zvino iye anonyaradzwa pano, iwe unorwadziwa. Uye pazvinhu izvi zvose, mukaha mukuru wakaiswa pakati pedu nemi, kuti vokuno vanoda kuenda mhiri kwamuri, vakoniwe, nowoko varege kuyambukira kwatiri.’ Ipapo akati, ‘Ndinokumbira kwamuri baba, kuti mumutumire kumba kwababa vangu; nokuti ndina vanun'una vashanu; kuti andonatsovapupurira, kuti varege kuuyawo panzvimbo ino yokurwadziwa.’ Abhurahamu akati, ‘Mosesi navaporofita vanavo, ngavavanzwe ivo.’ Iye akati, ‘Kwete, baba Abhurahamu, asi kana mumwe akabva kuvakafa, akaenda kwavari, vangatendeuka.’ “Akati kwaari, ‘Kana vasinganzwi Mosesi navaporofita, havangatendi, kunyange mumwe akamuka kuvakafa.’ ”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 16

Ruka 16:19-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

“Kwaiva nomumwe murume mupfumi aipfeka hanzu dzoruvara rwehute nedzerineni yakanakisisa achidyiririra zvikuru zuva nezuva. Asi pasuo rake guru paigara pakanzi rabada nomumwe murume murombo ainzi, Razaro akanga ari maronda oga oga. Aida kudya zvaidonha pateburu yomupfumi, uye imbwawo dzaiuya dzichimunanzva maronda ake. Murombo uya akafa akatakurwa navatumwa kunzvimbo yepedyo pedyo nechipfuva chaAbhurahamu. Mupfumi uya akafawo akandovigwa. Ari munzvimbo yavakafa achirwadziwa, akasimudza musoro akaona Abhurahamu ari kure kure aina Razaro pedyo pedyo nechipfuva chake. Akadanidzira achiti, ‘Baba Abhurahamu ndinzwirei tsitsi mutume Razaro kundonyika muromo womunwe wake mumvura atonhodze rurimi rwangu nokuti ndiri kurwadziwa murimi iri romoto.’ Abhurahamu akati, ‘Mwanangu yeuka kuti panguva youpenyu hwako wakagamuchira zvinhu zvakanaka. Ndizvozvowo zvimwechetezvo naRazaro, akawana zvakaipa; asi zvino ari kunyaradzwa kuno iwe uri mukurwadziwa. Handizvo chete, pakati pedu nemi pakaiswa zigoronga kuti vanoda kuyambukira kwamuri vachibva kuno vakundike uye kuti pashaye anoyambuka achibva ikoko achiuya kwatiri.’ Akati, ‘Saka ndinokukumbirai baba, kuti mutume Razaro kumba kwababa vangu nokuti ndine vakoma navanun'una vashanu kuti andovayambira nokuti vangadaro vakauyawo kunzvimbo ino yokurwadziwa.’ Abhurahamu akati, ‘Vana Mosesi navaporofita, ngavateerere ivavo.’ Iye akati, ‘Kwete Baba, Abhurahamu. Asi kana mumwe munhu akaenda kwavari achibva kune vakafa vanopinduka.’ Abhurahamu akati kwaari, ‘Kana vakarega kunzwa Mosesi navaporofita havambotendi kana mumwe munhu akamuka achibva kuvafi.’ ”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 16

Ruka 16:19-31 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Mumŋe mufumi wakaŋga ari’po, waipfeka ŋguʋo tȿuku nemiceka yakanaka, nokufarira ɀakaiȿo‐naka misi yose. Ɀino mumŋe murombo, wainzi Razaro, wakaŋga anamaronda mazhinji, akaiswa pasuʋo rake, aciɗa kuɀigutisa neɀaiwa patafura romufumi; kunyaŋge nembga dzaiʋuya dzicinanɀa maronda ake. Ɀino murombo wakati afa, ʋatumŋa ʋakamuisa pacifuʋa caAbrahama. Mufumi akafa ʋo, akaʋigwa. Ɀino ari paHadesi, ari pakurwadziwa, akatarira kumsoro, akaʋona Abrahama ari kure, naRazaro ari pacifuʋa cake. Akaɗanidzira, akati: Ƃaɓa Abrahama, ndinzwirei ŋgoni; tumai Razaro, kuti anyike muromo womunwe wake mumvura, atonhodze rurimi rwaŋgu, nokuti ndinorwadziwa nomuraɀo uyu womŋoto. Abrahama akati: Mŋana, fuŋga kuti wakapiwa ɀakanaka ɀako paʋupenyu bgako; naRazaro, saiɀoɀo wakapiwa ɀakaipa; asi ɀino iye unonyaradzwa pano, iwe unorwadziwa. Ʋuye paɀinhu iɀi ɀose, mukaha mukuru wakaiswa pakati peɗu nemi, kuti ʋoʋuno ʋanoɗa kuenda mhiri kwamuri, ʋakoniwe, noʋo’ko ʋarege kuyambukira kwatiri. Ipapo akati: Ndinokumbira kwamuri Ƃaɓa, kuti mumutumire kumba kwaɓaɓa ʋaŋgu; nokuti ndinaʋanuŋuna ʋashanu; kuti andonatso‐ʋapupurira, kuti ʋarege kuʋuya ʋo panɀimbo ino yokurwadziwa. Abrahama akati: Mosesi naʋaprofita ʋanaʋo, ŋgaʋaʋanzwe iʋo. Iye akati: Kwete, Ƃaɓa Abrahama, asi kana mumŋe akabva kuʋakafa, akaenda kwaʋari, ʋaŋgatendeʋuka. Akati kwaari: Kana ʋasiŋganzwi Mosesi naʋaprofita, haʋaŋgatendiswi, kunyaŋge mumŋe akamuka kuʋakafa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 16

Ruka 16:19-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)