Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 19:1-10

Ruka 19:1-10 SNA2002

Akapinda Jeriko, akapfuura napakati. Zvino murume aivapo, ainzi Zakeo; iye akanga ari mukuru wavateresi, uye aiva mupfumi; akatsvaka kuona Jesu, kuti ndiye ani; asi akanga asingagoni, nokuti akanga akapfupika. Ipapo akamhanyira mberi, akakwira mumuonde kuti amuone, nokuti akanga opfuura napo. Zvino Jesu akati achisvikapo, akatarira kumusoro, akati kwaari, “Zakeo, kurumidza uburuke; nokuti nhasi ndinofanira kugara mumba mako.” Iye akakurumidza kuburuka, akamugamuchira nomufaro. Vose vakazviona, vakagu'nun'una, vachiti, “Wapinda kundogara nomurume uri mutadzi.” Ipapo Zakeo akamira, akati kuna Ishe, “Tarirai, Ishe, ndinopa varombo hafu yepfuma yangu, uye kana ndatorera mumwe chinhu chake nokunyengera, ndinomudzosera zvava zvina.” Jesu akati kwaari, “Nhasi ruponeso rwasvika paimba ino; nokuti naiyewo mwanakomana waAbhuruhamu. “Nokuti Mwanakomana womunhu akauya kuzotsvaka nokuponesa chakarasika.”

Verenga chikamu Ruka 19