Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 23:26-49

Ruka 23:26-49 SNA2002

Vakati vachienda naye, vakabata mumwe, ainzi Simoni weKurini, achibva kuruwa, vakamutakudza muchinjikwa, kuti autakure shure kwaJesu. Akateverwa navanhu vazhinji-zhinji, navakadzi vaimuririra nokumuchema. Asi Jesu akatendeukira kwavari, akati, “Vakunda veJerusaremu, musandichema ini, asi muzvicheme imi navana venyu; nokuti tarirai, mazuva anouya, avachati, ‘Vakaropafadzwa vasingaponi, nezvizvaro zvisina kutongobereka, namazamu asina kuyamwisa.’ Musi uyo muchatanga kureva kumakomo, muchiti, ‘Wirai pamusoro pedu,’ nokuzvikomo, ‘Tifukidzei.’ Nokuti kana vachiita izvi kumuti munyoro, wakaoma uchaitirweiko?” Kwakanga kuna vamwe vatadzi vaviri, vavakaenda navo pamwechete naye kundourawa. Zvino vakati vasvika panzvimbo inonzi, “Dehenya,” vakamuroverapo navatadzi, mumwe kurudyi mumwe kuruboshwe. Ipapo Jesu akati, “Baba, muvakanganwire, nokuti havazivi chavanoita.” Vakagovana nguo dzake, vachikanda mijenya pamusoro padzo. Vanhu vakamira, vachitarira; namakurukota vakamusekawo, vachiti, “Wakaponesa vamwe; ngaazviponese, kana ari Kristu waMwari, Mutsanangurwa wake.” Navarwiwo vakamuseka, vakauya kwaari, vakamupa vhiniga, vachiti, “Kana uri Mambo wavaJudha, uzviponese.” Zvino kwakanga kune runyoro pamusoro pake rwaiti, “UYU NDIMAMBO WAVAJUDHA.” Mumwe wavatadzi vakanga vakaturikwa, akamutuka, achiti, “Hauzi Kristu here? Uzviponese, nesuo.” Mumwe akapindura, akamurayira, achiti, “Hautyi kunyange naMwari kanhi, zvauri pakutongwa kamwe naye? Kana tirisu, takaitirwa patakafanirwa napo; nokuti isu tinopiwa zvakafanira mabasa edu; asi uyu haana kuita chinhu chisakafanira.” Ipapo akati, “Jesu mundirangarire, kana mosvika muushe hwenyu!” Iye akati kwaari, “Zvirokwazvo, nhasi uchava neni muParadhiso.” Zvino yakanga yava nguva inenge yechitanhatu; rima rikavapo panyika yose, kusvikira panguva yepfumbamwe. Zuva rikasviba; chidzitiro chetemberi chikabvaruka napakati. Zvino Jesu akadana nezwi guru, achiti, “Baba, ndinoisa mweya wangu pamaoko enyu!” Akati areva izvozvo, akabudisa mweya wake. Ipapo mukuru wezana akati aona zvaitwa, akarumbidza Mwari achiti, “Zvirokwazvo, munhu uyu akanga akarurama.” Vazhinji vose vakanga vakaungana kuzoona izvozvo, vakati vaona zvaitwa, vakadzoka vachirova zvipfuva zvavo. Navazikanwi vake vose, navakadzi, vaimutevera vachibva Gariria, vakamira kure, vachiona izvozvo.

Verenga chikamu Ruka 23