Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 23:26-49

Ruka 23:26-49 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Vakati voenda naye, vakabata murume ainzi Simoni weKurini, uyo akanga achibva muruwa, vakamutakudza muchinjikwa ari mushure maJesu. Vanhu vazhinji zhinji vakamutevera, pamwe chete navakadzi vakanga vachichema uye vachiungudza. Jesu akatendeuka akati kwavari, “Vanasikana veJerusarema, musandichema ini; zvichemei imi navana venyu. Nokuti nguva ichasvika iyo yamuchati, ‘Vakaropafadzwa vakadzi vasingabereki, izvo zvizvaro zvisina kumbobereka, namazamu asina kumboyamwisa!’ Ipapo “vachati kumakomo, ‘Wirai pamusoro pedu!’ nokuzvikomo, ‘Tifukidzei!’ Nokuti kana vanhu vachiita zvinhu izvi pamuti munyoro, chiiko chichaitika kune wakaoma?” Vamwezve varume vaviri, vose vakanga vari mbavha, vakatorwawo pamwe chete naye kuti vandourayiwa. Vakati vasvika panzvimbo yainzi Dehenya, vakamuroverera ipapo, pamwe chete nembavha, mumwe kurudyi rwake, mumwe kuruboshwe rwake. Jesu akati, “Baba, varegererei, nokuti havazivi zvavari kuita.” Vakagovana nguo dzake vachikanda mijenya. Vanhu vakamira vakatarira, uye kunyange vatongi vakamuseka. Vakati, “Akaponesa vamwe; ngaazviponese iye pachake kana ari Kristu waMwari, iye Musanangurwa.” Varwi vakasvikawo vakamuseka. Vakamupa waini yevhiniga vakati, “Kana uri mambo wavaJudha, chizviponesa.” Pamusoro pake pakanga pane chiziviso chakanga chakanyorwa kuti: UYU NDIYE MAMBO WAVAJUDHA. Mumwe wembavha dzakanga dzakarembera pamwe chete naye akamutuka achiti, “Ko, ndiwe Kristu here? Zviponese ugoponesa nesuwo!” Asi imwe mbavha yakamutsiura ikati, “Hautyi Mwari here iwe, sezvo uri pakutongwa kumwe cheteko? Isu tiri kutongwa zvakarurama, nokuti tiri kupiwa zvakafanira mabasa edu. Asi munhu uyu haana chakaipa chaakaita.” Ipapo akati, “Jesu, mundirangarirewo pamunenge masvika muumambo hwenyu.” Jesu akamupindura akati, “Zvirokwazvo ndinoti kwauri, nhasi uchava neni muparadhiso.” Zvino yakanga yava nguva inenge yechitanhatu, rima rikava pamusoro penyika yose kusvikira panguva yepfumbamwe, nokuti zuva rakamira kuvhenekera. Uye chidzitiro chetemberi chakabvarurwa napakati. Jesu akadanidzira nenzwi guru achiti, “Baba, ndinoisa mweya wangu mumaoko enyu.” Akati ataura izvi, akabudisa mweya wake. Mukuru wezana, akati achiona zvakanga zvaitika, akarumbidza Mwari achiti, “Zvirokwazvo uyu anga ari munhu akarurama.” Vanhu vose vakanga vakaungana kuzopupura chiitiko ichi, vakaona zvakanga zvaitika, vakazvirova zvipfuva zvavo uye vakaenda. Asi vakanga vachimuziva, pamwe chete navakadzi vakanga vamutevera vachibva kuGarirea, vakamira nechokure, vakatarisa zvinhu zvose izvi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 23

Ruka 23:26-49 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Vakati vachienda naye, vakabata mumwe, ainzi Simoni weKurini, achibva kuruwa, vakamutakudza muchinjikwa, kuti autakure shure kwaJesu. Akateverwa navanhu vazhinji-zhinji, navakadzi vaimuririra nokumuchema. Asi Jesu akatendeukira kwavari, akati, “Vakunda veJerusaremu, musandichema ini, asi muzvicheme imi navana venyu; nokuti tarirai, mazuva anouya, avachati, ‘Vakaropafadzwa vasingaponi, nezvizvaro zvisina kutongobereka, namazamu asina kuyamwisa.’ Musi uyo muchatanga kureva kumakomo, muchiti, ‘Wirai pamusoro pedu,’ nokuzvikomo, ‘Tifukidzei.’ Nokuti kana vachiita izvi kumuti munyoro, wakaoma uchaitirweiko?” Kwakanga kuna vamwe vatadzi vaviri, vavakaenda navo pamwechete naye kundourawa. Zvino vakati vasvika panzvimbo inonzi, “Dehenya,” vakamuroverapo navatadzi, mumwe kurudyi mumwe kuruboshwe. Ipapo Jesu akati, “Baba, muvakanganwire, nokuti havazivi chavanoita.” Vakagovana nguo dzake, vachikanda mijenya pamusoro padzo. Vanhu vakamira, vachitarira; namakurukota vakamusekawo, vachiti, “Wakaponesa vamwe; ngaazviponese, kana ari Kristu waMwari, Mutsanangurwa wake.” Navarwiwo vakamuseka, vakauya kwaari, vakamupa vhiniga, vachiti, “Kana uri Mambo wavaJudha, uzviponese.” Zvino kwakanga kune runyoro pamusoro pake rwaiti, “UYU NDIMAMBO WAVAJUDHA.” Mumwe wavatadzi vakanga vakaturikwa, akamutuka, achiti, “Hauzi Kristu here? Uzviponese, nesuo.” Mumwe akapindura, akamurayira, achiti, “Hautyi kunyange naMwari kanhi, zvauri pakutongwa kamwe naye? Kana tirisu, takaitirwa patakafanirwa napo; nokuti isu tinopiwa zvakafanira mabasa edu; asi uyu haana kuita chinhu chisakafanira.” Ipapo akati, “Jesu mundirangarire, kana mosvika muushe hwenyu!” Iye akati kwaari, “Zvirokwazvo, nhasi uchava neni muParadhiso.” Zvino yakanga yava nguva inenge yechitanhatu; rima rikavapo panyika yose, kusvikira panguva yepfumbamwe. Zuva rikasviba; chidzitiro chetemberi chikabvaruka napakati. Zvino Jesu akadana nezwi guru, achiti, “Baba, ndinoisa mweya wangu pamaoko enyu!” Akati areva izvozvo, akabudisa mweya wake. Ipapo mukuru wezana akati aona zvaitwa, akarumbidza Mwari achiti, “Zvirokwazvo, munhu uyu akanga akarurama.” Vazhinji vose vakanga vakaungana kuzoona izvozvo, vakati vaona zvaitwa, vakadzoka vachirova zvipfuva zvavo. Navazikanwi vake vose, navakadzi, vaimutevera vachibva Gariria, vakamira kure, vachiona izvozvo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 23

Ruka 23:26-49 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Zvavakanga vachimutungamidza, vakabata Simoni wekuKurini aibva kuruwa vakamutakudza muchinjikwa uya mumashure maJesu. Akateverwa negurusvusvu ravanhu namadzimai vachiridza mhere vachimuchema. Jesu akatendeukira kwavari akavati, “Vakunda veJerusaremu musandicheme ini; asi zvichemei imi navana venyu. Tarirai mazuva ari kuuya pavachati vakakomborerwa zvavo vasina mbereko nemimba dzisina kumbobereka namazamu asina kumboyamwisa. Ndipo pavachatangisa kuti kumakomo, ‘Tiwirei’ uye kuzvikomo, ‘Tifugidzei’ nokuti kana vachiita izvi kumuti munyoro, ko kutozoti kuno muti wakaoma.” Vamwewo vaviri vaiva vapari vedzimhosva vakaendwawo navo kundouraiwa pamwechete naye. Pavakasvika panzvimbo inonzi yeDehenya ipapo ndipo pavakamuroverera pamuchinjikwa navapari vedzimhosva vaya vaviri mumwe ari kurudyi mumwe ari kuruboshwe. Jesu akati, “Baba varegererei nokuti havazivi zvavari kuita.” Vakakanda mijenya kuti vagovane hanzu dzake. Vanhu vakanga vakamira pedyo vachitarisa. Asi vatongi vakamusveeredza vachiti, “Akaponesa vamwe ko ngaazviponesewoka kana ari iye Mesia waMwari musarudzwi wake.” Masoja akamutsvinyirawo, vachiuya vachimupa waini inovava vachiti, “Kana uriwe Mambo wavaJudha zviponese.” Nechapamusoro pake pakanga pane chikwangwani chakanyorwa kuti, “UYU NDIYE MAMBO WAVAJUDHA.” Mumwe mupari wedzimosva akanga akarembedzwa akamushonha achiti, “Hausiwe Mesia here? Zviponeseka utiponesewo.” Asi mumwe uya akamutsiura achiti, “Hautyi Mwari here? Inga une chirango chimwechetecho naye. Kwatiri isu zvakakodzera nokuti tiri kuwana zvakakodzerana nezvatakaita. Asi uyu haana zvaakatadza.” Ndokubva ati, “Jesu mundiyeukewo kana masvika muumambo hwenyu.” Jesu akati kwaari, “Zvechokwadi ndinoti kwauri, uchava neni muparadhiso iye nhasi uno.” Ipapo yakanga yenge awa yegumi nechipiri uye nyika yose yakati rima tiba kusvikira paawa yechitatu masikati. Chiedza chezuva chakadzima; jira rokudzikatirisa romuTemberi rikabvaruka napakati. Jesu akadaidzira nezwi guru akati, “Baba ndinoisa mweya wangu mumaoko enyu.” Apedza kutaura kudaro akabva afa. Mutungamiriri wezana ramasoja paakaona zvakanga zvaitika akarumbidza Mwari akati, “Zvechokwadi munhu uyu anga akarurama.” Gurumwandira rose ravanhu vakanga vaungana kuzoona zvaiitika, pavakaona zvakanga zvaitika, vakadzokera vangogumbata maoko nazvo. Vose vaizivana naye namadzimai ainge amutevera achibva kuGarirea vakamira vari chinhambwe vakaona zvinhu izvi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 23

Ruka 23:26-49 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ʋakati ʋacienda naye, ʋakaɓata mumŋe, wainzi Simoni weKurini, acibva kuruwa, ʋakaisa mucinjikwa pamsoro pake, kuti autakure shure kwaJesu. Akateʋerwa naʋanhu ʋazhinji‐zhinji, naʋakadzi ʋaimuririra nokumucema. Asi Jesu wakatendeʋukira kwaʋari, akati: Ʋakunda ʋeJerusarema, musandicema ini, asi muɀiceme imi naʋana ʋenyu; nokuti tarirai, mazuʋa anoʋuya, aʋacati: Ʋakaropafadzwa ʋasiŋgaponi, neɀiɀaro ɀisinakutoŋgoɓereka, namazamu asina‐kumŋisa. Musi uyo mucataŋga kureʋa kumakomo, muciti: Wirai pamsoro peɗu, nokuɀikomo: Tifukidzei. Nokuti kana ʋaciita iɀi kumuti munyoro, wakawoma ucaitirweiko? Kwakaŋga kunaʋamŋe ʋatadzi ʋaʋiri ʋo, ʋaʋakaenda naʋo pamŋe cete naye kundoʋurawa. Ɀino ʋakati ʋaȿika panɀimbo inonzi Ƌehenya, ʋakamuroʋera’po naʋatadzi, mumŋe kurudyi mumŋe kuruɓoshwe. Ipapo Jesu akati: Ƃaɓa, muʋakaŋganwire, nokuti haʋaziʋi caʋanoita. Ʋakagoʋana ŋguʋo dzake, ʋacikanda mijenya pamsoro padzo. Ʋanhu ʋakamira, ʋacitarira; naʋaɓati ʋakamuseka ʋo, ʋaciti: Wakaponesa ʋamŋe; ŋgaaɀiponese, kana ari Kristu waMŋari, Musanaŋgurwa wake. Naʋarwi ʋo ʋakamuseka, ʋakaʋuya kwaari, ʋakamupa vinega, ʋaciti: Kana uri Mambo waʋaJuda, uɀiponese. Ɀino kwakaŋga kunorunyoro ʋo pamsoro pake, rwaiti: UYU NDIMAMBO WAƲAJUDA. Mumŋe waʋatadzi ʋakaŋga ʋakaturikwa, wakamutuka, aciti: Hauzi Kristu here? Uɀiponese, nesu ʋo. Mumŋe akapindura, akamuraira, aciti: Hautyi kunyaŋge naMŋari kanhi, ɀauri pakutoŋgwa kumŋe naye? Kana tirisu, takaitirwa patakafanirwa napo; nokuti isu tinopiwa ɀakafanira maɓasa eɗu; asi uyu haana‐kuita cinhu cisakafanira. Ipapo akati: Jesu mundiraŋgarire, kana moȿika muʋushe bgenyu! Iye akati kwaari: Ɀirokwaɀo, nhasi ucaʋa neni muParadiso. Ɀino yakaŋga yaʋa ŋguʋa ineŋge yecitanhatu; rima rikaʋa’po panyika yose, kuȿikira paŋguʋa yepfumbamŋe, Zuʋa rikaȿiɓa; cidzitiro cetembere cikabvaruka napakati. Ɀino Jesu akaɗana nenzwi guru, aciti: Ƃaɓa, ndinoisa mŋeya waŋgu pamaʋoko enyu! Akati areʋa iɀoɀo, akaɓuɗisa mŋeya wake. Ipapo mukuru wezana wakati aʋona ɀaitwa, akarumbidza Mŋari, aciti: Ɀirokwaɀo, munhu uyu wakaŋga akarurama. Ʋazhinji ʋose ʋakaŋga ʋakaʋuŋgana kuzoʋona iɀoɀo, ʋakati ʋaʋona ɀaitwa, ʋakadzoka ʋaciroʋa ɀifuʋa ɀaʋo. Naʋazikani ʋake ʋose, naʋakadzi, ʋaimuteʋera ʋacibva Garirea, ʋakamira kure, ʋaciʋona iɀoɀo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 23

Ruka 23:26-49 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)