Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 11:12-26

Mako 11:12-26 SNA2002

Fume mangwana vakati vachibva Bhetania, akaziya; zvino akati achiona muonde uri kure unamashizha, akaendako, achiti, zvimwe angawana chinhu pauri; zvino achisvika pauri, haana kuwana chinhu, asi mashizha bedzi; nokuti yakanga isi nguva yamaonde. Akapindura, akati kwavari, “Kusava nomunhu, anozodya michero pauri nokusingaperi.” Vadzidzi vake vakazvinzwa. Vakasvika Jerusaremu; akapinda mutemberi, akatanga kubudisa vaitengesa, navaitenga mutemberi; akawisa matafura avaitsinhanhisa mari, nezvigaro zvavaitengesa njiva. Akasatendera munhu kuti atakure nhumbi mutemberi. Akadzidzisa, achiti kwavari, “Hakuna kunyorwa here kuchinzi, ‘Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yamarudzi ose?’ Asi imi makaiita bako ramakororo.” Vapristi vakuru navanyori vakati vachizvinzwa, vakatsvaka pavangamuuraya napo; nokuti vakanga vachimutya, nokuti vazhinji vose vakashamiswa nokudzidzisa kwake. Zvino, nguva dzose kana ava madekwana, waienda kunze kweguta. Vakati vachipfuura napo mangwanani, vakaona muonde waoma kubva pamidzi. Petirosi akarangarira, akati kwaari, “Rabhi, tarirai muonde wamakatuka waoma.” Jesu akapindura, akati kwavari, “Ivai nokutendeka kuna Mwari. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, mumwe nomumwe anoti kugomo iri, simudzwa, ukandwe mugungwa, asinganyunyuti mumwoyo make, asi achitenda kuti zvaanoreva zvichaiitika, achava nazvo. Saka ndinoti kwamuri, zvinhu zvose zvose zvamunokumbira nokunyengetera, tendai kuti mazvigamuchira, mugova nazvo. Kana mukamira muchinyengetera, regererai kana mune mhaka nomumwe, kuti naBaba venyu vari kudenga, vazokuregereiwo imi kudarika kwenyu; [ asi kana musingakanganwiriyi imi, nababa venyu vari kudenga havangakukanganwiriyi imi kudarika kwenyu.]”

Verenga chikamu Mako 11