Mako 6
6
Jesu anoshorwa paNazareta
(Mateu 13:53-58; Ruka 4:16-30)
1Akabvapo, akasvika kunyika yake, vadzidzi vake vakamutevera. 2Musi weSabata wakati wasvika, akatanga kudzidzisa musinagoge; vanhu vazhinji vakati vachimunzwa, vakashamiswa, vachiti, “Munhu uyu awanepiko izvozvi? Kuchenjera kwakapiwa munhu uyu ndokweiko? Namabasa esimba akadai anoitwa namaoko ake? 3Ko uyu haasi muvezi here, mwanakomana waMaria, nomukoma waJakobho, naJose, naJudha, naSimoni? Nehanzvadzi dzake hadzisi pano pakati patiri here?” Vakagumburwa naye.
4Jesu akati kwavari, “Muporofita haangashayiwi kukudzwa, asi munyika yake, nokuhama dzake, nomumba make.”
5Akasagona kubata basa resimba ipapo, asi akaisa maoko ake pamusoro pavairwara vashoma, akavaporesa. 6Akashamiswa nokusatenda kwavo.
Ipapo akapota nemisha, achidzidzisa.
Vane gumi navaviri vanotumwa kuparidza nokuporesa
(Mateu 10:5-15; Ruka 9:1-6)
7Zvino akadanira kwaari vane gumi navaviri, akatanga kuvatuma vaviri vaviri, akavapa simba pamusoro pemweya yakaipa; 8akavarayira kuti “Varege kutongotora zvomunzira, asi mudonzvo bedzi; varege kutora chingwa, nehombodo, nemari muchikwama. 9Asi vapfeke shangu, varege kupfeka nguo mbiri.”
10Akati kwavari; “Pose pamunopinda mumba, mugaremo, kusvikira muchibvapo. 11Pose pavasingakugamuchirii nokukunzwai, kana muchibvapo, muzunze guruva riri patsoka dzenyu, chive chapupu kwavari.”
12Vakabuda, vakaparidza kuti vanhu vatendeuke.
13Vakabudisa mweya yakaipa mizhinji, vakazodza vazhinji vairwara mafuta, vachivaporesa.
Kuurawa kwaJohani Mubhabhatidzi
(Mateu 14:1-12; Ruka 9:7-9)
14Zvino mambo Herodhi akazvinzwa, nokuti zita rake rakanga rakurumbira, akati, “Johani Mubhabhatidzi akamuka kuvakafa, saka masimba awa anobata maari.”
15Vamwe vakati, “NdiEria;” vamwe vakati, “Muporofita, akafanana nomumwe wavaporofita.”
16Asi Herodhi akati achizvinzwa, akati, “NdiJohani akamuka, uya wandakagura musoro.”
17Nokuti Herodhi akanga atuma vanhu, akabata Johani, akamusunga mujeri nokuda kwaHerodhiasi, mukadzi waFiripi, munun'una wake, nokuti akanga amuwana. 18Nokuti Johani akanga ati kuna Herodhi, “Hauna kutenderwa kuti uve nomukadzi womunun'una wako.”
19Herodhiasi akamuvenga, akada kumuuraya, akasagona; 20nokuti Herodhi akanga achitya Johani, achiziva kuti munhu akarurama, mutsvene, akamuchengeta zvakanaka. Akati amunzwa, akatambudzika kwazvo kunyangwe zvakadaro, aisafanira kumunzwa.
21Asi zuva rakafanira rakati rasvika, Herodhi nezuva rokupemberera kuberekwa kwake akaitira madzishe ake navakuru vezviuru zvamazana navakuru veGariria mutambo mukuru; 22zvino mwanasikana waHerodhiasi amene akapinda, akatamba, akafadza Herodhi navakanga vagere pakudya naye; mambo akati kumwanasikana, “Kumbira kwandiri chaunoda, ndikupe.” 23Akamupikira, achiti, “Chaunokumbira kwandiri ndichakupa, kusvikira pahafu youshe hwangu.”
24Akabuda, akati kuna amai vake, “Ndichakumbireiko?” Vakati, “Musoro waJohani Mubhabhatidzi.”
25Pakarepo akakurumidza kupinda kuna mambo, akakumbira achiti, “Ndinoda kuti mundipe mundiro ikozvino musoro waJohani Mubhabhatidzi.”
26Ipapo mambo akazvidya mwoyo kwazvo, asi akanga asingadi kumurambira nokuda kwokupika kwake, uye nokuda kwavakanga vagere naye pakudya. 27Pakarepo mambo akatuma musoja, akaraira kuti auye nomusoro wake. 28Akaenda, akamugura musoro mujeri, akauya nomusoro wake mundiro, akaupa musikana, musikana ndokuupa mai vake.
29Vadzidzi vake vakati vachizvinzwa, vakauya vakatora chitunha chake, vakachiviga mubwiro.
Vane zviuru zvishanu vanopiwa zvokudya naJesu
(Mateu 14:13-21; Ruka 9:10-17; Johani 6:1-14)
30Zvino vapostori vakaunganira kuna Jesu, vakamuudza zvose zvavakanga vaita, nezvavakanga vadzidzisa. 31Akati kwavari, “Uyai imi muri moga tiende kunzvimbo yerenje, muzorore zvishoma;” nokuti kwakanga kuna vazhinji vaiuya navaienda, vakasava nenguva kunyange yokudya. 32Vakaenda negwa kunzvimbo isina vanhu vari voga.
33Vanhu vakavaona vachienda, vazhinji vakamuziva, vakamhanyira vose ikoko, vachibva pamaguta ose, vakavatangira kusvika. 34Zvino akati achibuda muigwa, akaona vazhinji-zhinji, akavanzwira tsitsi, nokuti vakanga vakafanana namakwai asina mufudzi; akatanga kuvadzidzisa zvizhinji. 35Zvino zuva roda kuvira, vadzidzi vake vakauya kwaari, vakati, “Ino inzvimbo yerenje, zuva roda kuvira; 36vaendisei; kuti vaende kuruwa nemisha yakapoteredza, vandozvitengera zvokudya.”
37Akapindura, akati kwavari, “Imi muvapei zvavangadya.” Vakati kwaari, “Tingaenda kundotenga zvingwa nemadhenari ana mazana maviri, tivape vadye here?”
38Akati kwavari, “Mune zvingwa zvinganiko? Endai mutarire.” Vakati vaziva, vakati, “Zvishanu, nehove mbiri.” 39Zvino akavarayira kuti vagarise vose pasi pauswa hunyoro vakaita mapoka-mapoka. 40Vakagara pasi vakaita mapoka-mapoka ane zana naana makumi mashanu. 41Zvino akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kudenga, akavonga, akamedura zvingwa, akapa vadzidzi vake, kuti vazviise pamberi pavo; nehove mbiri akadzigovera vose. 42Vakadya vose, vakaguta. 43Vakaunganidza zvimedu nezvehovewo, matengu ane gumi namaviri akazadzwa. 44Vakanga vadya zvingwa vaiva varume vane zviuru zvishanu.
Jesu anofamba pamusoro pemvura
(Mateu 14:22-33; Johani 6:15-21)
45Pakarepo akagombedzera vadzidzi vake kuti vapinde muigwa, vamutungamirire kuyambukira mhiri Bhetisaidha, iye achiendesa vanhu vazhinji. 46Akati aonekana navo, akaenda mugomo kundonyengetera. 47Ava madekwana igwa rakanga riri pakati pegungwa, iye ari oga panyika. 48Zvino akati achiona kuti vanotambudzika nokukwasva, nokuti mhepo yakanga ichivadzivisa, nenguva inenge seyechina yousiku, akauya kwavari achifamba pamusoro pegungwa; akada kupfuura. 49Zvino vakati vachimuona achifamba pamusoro pegungwa, vakati “Mudzimudzangara,” vakaridza mhere.
50Nokuti vose vakamuona, vakakundiswa; akataura navo, akati kwavari, “Tsungai mwoyo, ndini, musatya.” 51Akakwira kwavari muigwa, mhepo ikanyarara; vakashamiswa kwazvo-kwazvo mumwoyo yavo. 52Nokuti vakanga vasati vanzwisisa shoko rezvingwa, nokuti mwoyo yavo yakanga iri mikukutu.
Jesu anoporesa vanhu muGenesareti
(Mateu 14:34-36)
53Vakati vayambukira mhiri, vakasvika kunyika yeGenesareti, vakasungira igwa pamhenderekedzo. 54Vakati vabuda muigwa, pakarepo vanhu vakamuziva, 55vakamhanyira munyika yose iyo, vakatanga kutakura vairwara panhoo dzavo, vakavaisa pavainzwa kuti ndiko kwaari. 56Pose paakapinda pamisha napamaguta, naparuwa vakaradzika vairwara padare, vakakumbira zvikuru kwaari kuti vabate kunyange mupendero wenguo dzake chete; vose vakamubata vakaporeswa.
Zvasarudzwa nguva ino
Mako 6: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: