Mapisarema 11
11
Dhavhidhi anovimba naMwari, nokuti anochengeta vakarurama
Kumutungamiriri wokuimba; Pisarema raDhavhidhi.
1Ndinovimba naJehovha;
Munoreva seiko kumweya wangu, muchiti,
“Tizira kugomo rako seshiri?
2Nokuti, tarira, vakaipa vanowembura uta,
Vanogadzira museve wavo parukungiso,
Kuti vafure anomwoyo wakarurama parima.
3Kana nheyo dzakaparadzwa,
Akarurama angaiteiko?”
4Jehovha uri mutemberi yake tsvene,
Iye Jehovha, chigaro chake chohushe chiri kudenga;
Meso ake anotarira, mafungiro
ameso ake anoidza vana vavanhu.
5Jehovha anoidza vakarurama;
Asi mweya wake unovenga wakaipa neanomanikidza.
6Achanisira misungo pamusoro pavakaipa;
Moto nesuriferi nemhepo inopisa,
ndiwo uchava mukombe wavo wavakagoverwa.
7Nokuti Jehovha akarurama; anoda zvakarurama;
Vakarurama vachaona chiso chake.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 11: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002