Mapisarema 114
114
Simba raJehovha parwendo rwavaIsiraeri
1Pakubuda kwaIsiraeri paIjipiti,
Imba yaJakobho ichibuda
pakati pavanhu vakanga vanorumwe rurimi;
2Judha akaitwa imba yake tsvene,
NaIsiraeri ushe hwake.
3Gungwa rakazviona, rikatiza;
Jorodhani rwakadzokera shure.
4Makomo akapembera samakondobwe,
Nezvikomo samakwayana.
5Unonzweiko iwe gungwa, zvaunotiza iwe?
Newe Jorodhani, zvaunodzokera shure?
6Nemi makomo, zvamunopembera samakondobwe;
Nemi zvikomo, samakwayana?
7Bvunda iwe pasi, pamberi paShe,
Pamberi paMwari waJakobho;
8Iye akashandura dombo, rikava dziva remvura,
Nomusarasara, rikava tsime remvura.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 114: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002