Mapisarema 127
127
Kunze kwaJehovha hapana chingaitwa
Rwiyo rworwendo; rwaSoromoni.
1Kana Jehovha asingavaki imba,
Vavaki vayo vanobata pasina;
Kana Jehovha asingachengeti guta,
Murindi anorindira pasina.
2Hazvina maturo kuti mumuke
mangwanani nokunonoka kundovata,
Nokudya zvokudya zvamakatamburira;
Nokuti anopa vadikanwi vake izvozvo vavete.
3Tarirai, vana inhaka inobva kuna Jehovha;
Chibereko chechizvaro ndiwo mubayiro waanopa.
4Semiseve muruoko rwemhare,
Ndizvo zvakaita vana voujaya.
5Unomufaro iye murume anegoba rizere navo;
Havanganyadziswi,
Kana vachitaurirana navavengi vavo pasuo.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 127: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002