Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 138

138
Kuvonga kwomunhu anovimba naJehovha
Pisarema raDhavhidhi.
1Ndichakuvongai nomwoyo wangu wose;
Ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza
pamberi pavamwari.
2Ndichanamata ndakatarira kutemberi yenyu tsvene,
Nokuvonga zita renyu nokuda
kwounyoro hwenyu nokutendeka kwenyu;
Nokuti makakurisa shoko renyu
kupfuura zita renyu rose.
3Pazuva randakadana makandipindura,
Makandisimbisa nesimba pamweya wangu.
4Madzimambo ose enyika achakuvongai, Jehovha,
Nokuti vakanzwa mashoko omuromo wenyu.
5Zvirokwazvo, vachaimba vachireva
nzira dzaJehovha;
Nokuti kubwinya kwaJehovha kukuru.
6Nokuti Jehovha ari kumusoro,
kunyange zvakadaro ane hanya
neanozvininipisa;
Asi anamanyawi Jehovha anomuziva ari kure.
7Kana ndichifamba pakati penhamo,
imi muchandiponesa;
Muchatambanudza ruoko rwenyu
kudzivisa kutsamwa kwavavengi vangu,
Ruoko rwenyu rworudyi ruchandiponesa.
8Jehovha achandikwanisira zvinhu zvangu;
Ngoni dzenyu, Jehovha, dzinogara nokusingaperi;
Musarega mabasa amaoko enyu.

Zvasarudzwa nguva ino

Mapisarema 138: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda