Mapisarema 67
67
Rwiyo rwokuvonga
Kumutungamiriri wokuimba; nemitengeranwa. Pisarema norwiyo.
1Mwari ngaatinzwire tsitsi, atiropafadze,
Ngaativhenekere nechiso chake;
2Kuti nzira yenyu izikanwe pasi,
Nokuponesa kwenyu pakati pendudzi dzose.
3Vanhu ngavakuvongei, Mwari;
Vanhu vose ngavakuvongei.
4Ndudzi ngadzifare, ngadziimbe nomufaro;
Nokuti muchatonga vanhu nokururama,
Muchafambisa ndudzi pasi.
5Vanhu ngavakuvongei Mwari;
Vanhu vose ngavakuvongei.
6Pasi pakabereka zvibereko zvapo;
Mwari, iye Mwari wedu, achatiropafadza.
7Mwari achatiropafadza;
Nemigumo yose yapasi ichamutya.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 67: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002