Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 87

87
Mbiri yeZioni
Pisarema ravanakomana vaKora; rwiyo.
1Nheyo dzake dziri pamakomo matsvene.
2Jehovha anoda masuo eZioni
Kupfuura pose panogara Jakobho.
3Zvinhu zvakanakisa zvinotaurwa pamusoro pako,
Iwe guta raMwari.
4Rahabhi neBhabhironi ndichati vari
pakati pavanondiziva;
“Tarirai, Firisitia, neTire, neItiopia;
Munhu uyu akazvarirwako.”
5Zvirokwazvo, pamusoro peZioni vachati,
“Uyu nouyo vakazvarirwamo;
Naiye Wokumusorosoro amene acharisimbisa.”
6Jehovha achaverenga, pakunyora
kwake ndudzi, achiti,
“Munhu uyu akazvarirwako.”
7Vanoimba navanotamba, vachati,
“Matsime angu ose ari mauri.”

Zvasarudzwa nguva ino

Mapisarema 87: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda