Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 94

94
Jehovha ndiye Mutongi akarurama
1Jehovha, imi Mwari mutsivi,
Imi Mwari mutsivi, penyai.
2Zvisimudzei, imi Mutongi wenyika;
Ipai vanozvikudza sezvavakafanira.
3Jehovha, vakaipa vachafara kwazvo kusvikira riniko,
Vakaipa vachafara kwazvo kusvikira rini?
4Vanongotaura havo, vanotaura vachizvikudza,
Vaiti vose vezvakaipa vanoita manyawi.
5Vanopwanya vanhu venyu, Jehovha,
Vachitambudza nhaka yenyu.
6Vanouraya chirikadzi nomweni,
Nenherera vanodziuraya.
7Vachiti, “Jehovha haazvioni,
Mwari waJakobho haazvirangariri.”
8Rangarirai imi vasina njere pakati pavanhu;
Nemi mapenzi, muchava vakachenjera riniko?
9Iye, akasima nzeve, haanganzwi here?
Iye, akaumba ziso, haangaoni here?
10Iye, anoranga vahedheni, haangarairi here?
Iye, anodzidzisa vanhu zivo?
11Jehovha anoziva kufunga kwavanhu,
Kuti hazvina maturo.
12Akaropafadzwa munhu, anorangwa nemi, Jehovha,
Iye wamunodzidzisa pamurayiro wenyu;
13Kuti mumuzorodzei pamazuva okutambudzika,
Kusvikira vakaipa vachererwa gomba.
14Nokuti Jehovha haangarashi vanhu vake,
Uye haangasiyi nhaka yake.
15Nokuti kutonga kuchadzokera kukururama;
Vose vane mwoyo yakarurama vachakutevera.
16Ndianiko achandirwira pavaiti vezvakaipa?
Ndianiko achandibatsira panavanoita zvakaipa?
17Dai Jehovha aisava mubatsiri wangu,
Mweya wangu ungadai wakakurumidza
kugara pakati mwii.
18Panguva yandakati,
“Rutsoka rwangu rwotedzemuka;”
Ngoni dzenyu, Jehovha, dzakanditsigira.
19Mundangariro dzangu zhinji mukati mangu
Kunyaradza kwenyu kunofadza mweya wangu.
20Chigaro chezvakaipa chingashamwaridzana nemi here,
Icho chinofunga kuita zvakashata nemitemo yacho?
21Vanounganira upenyu hwowakarurama,
Vachipa mhosva ropa risina mhosva.
22Asi Jehovha ndiye nhare yangu yakasimba;
Mwari wangu idombo routiziro hwangu.
23Achadzosera pamusoro pavo kutadza kwavo,
Achavaparadza pakati pokuita kwavo;
Jehovha Mwari wedu achavaparadza.

Zvasarudzwa nguva ino

Mapisarema 94: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda