Varoma 10
10
1Hama dzangu, kuda kwomwoyo wangu nokukumbira kwangu kuna Mwari pamusoro pavo ndiko, kuti vaponeswe. 2Nokuti ndinovapupurira kuti vanoshingairira Mwari, asi havaiti nokuziva. 3Nokuti, zvavakanga vasingazivi kururama kwaMwari, vakatsvaka kumisa kururama kwavo vamene, vakasazviisa pasi pokururama kwaMwari. 4Nokuti Kristu ndimugumo womurayiro, kuti mumwe nomumwe anotenda aruramiswe.
5Nokuti Mosesi anonyora achiti, “Munhu, anoita kururama, kunorehwa nomurayiro, achararama nazvo.” 6Asi kururama kunobva pakutenda, kunoreva kudai, “Usati mumwoyo mako, ndianiko achakwira kudenga?” (Ndiko kuburusa Kristu;) 7kana, “Ndianiko achaburukira kwakadzika-dzika?” (Ndiko kubudisa Kristu kuvakafa.) 8Asi kunoreveiko? “Shoko riri pedyo newe, mumuromo mako, ndiro shoko rokutenda ratinoparidza;” 9kana, kuti uchipupura nomuromo wako kuti Jesu ndiye Ishe, nokutenda mumwoyo mako, kuti Mwari akamumutsa kuvakafa, uchaponeswa; 10nokuti munhu anotenda nomwoyo, ndokururamiswa; anopupura nomuromo, ndokuponeswa. 11Nokuti Rugwaro runoti, “Aninaani anotenda kwaari, haanganyadziswi.” 12Nokuti muJudha nomuGiriki havasiyani; nokuti mumwe ndiye Ishe wavose, akapfuma kuna vose vanodana kwaari; 13nokuti aninaani anodana kuzita raIshe, achaponeswa.
14Zvino vachagodana seiko kuna iye, wavasina kutenda kwaari? Vachatenda seiko kuna iye, wavasina kunzwa? Vachanzwa seiko kana kusina muparidzi?
15Vachaparidza seiko, kana vasingatumwi? Sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Dzakanaka sei tsoka dzavanouya namashoko omufaro ezvinhu zvakanaka?”
16Asi vose havana kuteerera mashoko omufaro. Nokuti Isaya anoti, “Ishe, ndianiko akatenda zvatakaparidza?”
17Naizvozvo kutenda kunouya nokunzwa, nokunzwa kunouya neshoko raKristu.
18Asi ndinoti, “Havana kunzwa here?
Izwi ravo rakabuda kunyika yose,
Namashoko avo kumigumo yenyika.”
19Asi ndinoti, VaIsiraeri havana kuziva here?
Pakutanga Mosesi anoti,
“Ndichamutsa godo renyu norudzi
rusati ruri rudzi,
Ndichamutsa kutsamwa kwenyu
norudzi rusinganzwisisi.”
20NaIsaya, asingatyi, anoti,
“Ndakawanikwa navasina kunditsvaka,
Ndakaonekwa navasina kundibvunza.”
21Asi kuvaIsiraeri anoti, “Ndakatambanudzira maoko angu zuva rose kuvanhu vasingateereri, navanokakavara.”
Zvasarudzwa nguva ino
Varoma 10: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: