Varoma 9
9
Kusatenda kwavaJudha nokuraswa kwavo
1Ndinotaura zvirokwazvo muna Kristu, handirevi nhema, hana yangu ichindipupurira muMweya Mutsvene, 2kuti ndine shungu kwazvo nokuchema kusingaperi mumwoyo mangu. 3Nokuti ndaida kuti ini ndimene ndive munhu akatukwa, akaparadzaniswa naKristu nokuda kwehama dzangu, ivo vorudzi rwangu panyama; 4ndivo vaIsiraeri; kuva vana, nokubwinya, nesungano, nokupiwa murayiro, nokunamata Mwari, nezvipikirwa, ndezvavo; 5madzibaba ndaavo, naKristu akabva kwavari panyama, ari pamusoro pavose, Mwari anokudzwa nokusingaperi. Ameni.
6Asi handiti shoko raMwari rakakona. Nokuti vakabva kuvaIsiraeri havazi vaIsiraeri vose; 7navari vorudzi rwaAbhurahamu havazi vana vake vose; asi zvinonzi, “Kuna Isaka ndiko kuchatumidzwa rudzi rwako.” 8Ndokuti havazi vana venyama vari vana vaMwari; asi vana vokupikirwa, ndivo vanonzi rudzi.
9Nokuti shoko rakapikirwa ndirori, “Nenguva yakaita seino ndichauya, Sara achava nomwanakomana.”
10Hazvizi izvozvo bedzi; asi Rabhekawo, wakati ava nemimba kunomumwe, iye Isaka, baba vedu. 11Nokuti vana vasati vaberekwa, vasati vaita zvakanaka kana zvakaipa, kuti kufunga kwaMwari pakutsanangura kwake kusimbiswe, kusingabvi pamabasa, asi kuna iye anodana, 12zvakanzi kwaari, “Mukuru achava muranda womuduku.” 13Sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Jakobho ndakamuda, asi Esau ndakamuvenga.”
14Zvino tichatiiko? Kusarurama kuripo kuna Mwari here? Haisva! 15Nokuti anoti kuna Mosesi, “Ndichanzwira ngoni wandinonzwira tsitsi.” 16Naizvozvo hazvibvi kunoanoda, kana kunoanomhanya, asi kuna Mwari, munzwiri wengoni. 17Nokuti Rugwaro runoti kuna Farao, “Ndizvo zvandakakumutsira, kuti ndiratidze simba rangu kwauri, uye kuti zita rangu riparidzwe panyika yose.” 18Naizvozvo anonzwira ngoni waanoda; uye anoomesera mwoyo waanoda.
19Zvino iwe ungati kwandiri, “Iye achapireiko mhosva? Nokuti ndianiko anoramba kuda kwake?” 20Ko zvino iwe munhu, ndiwe aniko, unopindura Mwari? Ko chakaumbwa chingati kunoakachiumba, “Wandiitireiko kudai?”
21Ko muumbi wehari haana simba pamusoro pevhu here, kuti nebundu rimwe aite midziyo mumwe wakakudzwa, nomumwe usina kukudzwa?
22Zvino tichatiiko kuna Mwari, kana akanga achida kuratidza kutsamwa kwake, nokuzivisa simba rake, akaita nomwoyo murefu zvikuru pamusoro pemidziyo yokutsamwirwa, yakagadzirirwa kuparadzwa, 23kuti azivise kufuma kwokubwinya kwake pamusoro pemidziyo yengoni, yaakanga agadzirira kubwinya, 24iyesu vakadanwawo naye, tisingabvi kuvaJudha bedzi, asi kuvahedheniwo? 25Sezvaanorevawo mubhuku yaHosea, achiti,
“Avo vakanga vasi vanhu vangu,
ndichavaidza, ‘Vanhu vangu;’
Naiye akanga asi mudikanwi,
ndichamuidza, ‘Mudikanwi.’
26Zvichaitika kuti paya pakanga parehwa
kwavari, ‘Hamuzi vanhu vangu,’
Ipapo vachaidzwa vanakomana vaMwari mupenyu.”
27NaIsaya anodana pamusoro pavaIsiraeri, achiti, “Kana kuwanda kwavana vaIsiraeri kwakaita sejecha regungwa, vakasara ndivo vachaponeswa; 28nokuti Ishe achaita panyika shoko rake, nokuripedzisa nokukurumidza.” 29Sezvaakamboreva Isayawo, achiti,
“Dai Ishe wehondo asina kutisiyira rudzi,
Tingadai takava seSodhoma, takaitwa seGomora.”
30Zvino tichatiiko? Tichati, vahedheni vasina kutsvaka kururama, ndivo vakawana kururama, iko kururama kwokutenda; 31asi vaIsiraeri vakati vachitsvaka murayiro wokururama, havana kusvika pamurayiro iwoyo. 32Neiko? Nokuti havana kuutsvaka nokutenda, asi zvinenge namabasa avo. Vakagumburwa nebwe rinogumbusa. 33Sezvazvakanyorwa zvichinzi,
“Tarira, ndinoisa paZioni ibwe rokugumbusa,
nedombo rokupinganidza;
Anotenda kwaari, haanganyadziswi.”
Zvasarudzwa nguva ino
Varoma 9: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: