Varoma 15
15
Gamuchirai vamwe sezvamakagamuchirwa naKristu
1Zvino isu, tine simba, tinofanira kutakura utera hwavasina simba, tisingazvifadzi. 2Mumwe nomumwe wedu ngaafadze wokwake pane zvakanaka zvinosimbisa.
3Nokuti Kristuwo haana kuzvifadza; asi sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Kuzvidza kwavakakuzvidza nako kwakawira pamusoro pangu.” 4Nokuti zvose zvakanyorwa kare, zvakanyorwa kuti isu tidzidze kuti tive netariro inobva pakutsungirira napakunyaradza kwaMagwaro. 5Zvino Mwari wokutsungirira nowokunyaradza ngaakupei mwoyo mumwe pakati penyu, sezvinoda Kristu Jesu; 6kuti mukudze Mwari, baba vaIshe wedu Jesu Kristu, nomwoyo mumwe uye nomuromo mumwe. 7Saka gamuchirai, Kristu sezvaakatigamuchira, kuti Mwari akudzwe.
8Nokuti ndinoti, Kristu akaitwa mushumiri wokudzingiswa kuratidza zvokwadi yaMwari, kuti asimbise zvakapikirwa madzibaba. 9Uye, kuti vahedheni vakudze Mwari nokuda kwengoni dzake; sezvazvakanyorwa, zvichinzi,
“Naizvozvo ndichakurumbidzai pakati pavahedheni,
Nokukuimbirai zita renyu.”
10Uyezve unoti,
“Farai imi vahedheni, navanhu vake.”
11Uyezve, “Rumbidzai Ishe, imi vahedheni vose;
Marudzi ose ngaamukudze.”
12Uyezve, Isaya anoti,
“Mudzi waJese uchavapo,
Naiye unomuka, kuti abate vahedheni;
Vahedheni vachamutarira iye.”
13Zvino Mwari wetariro ngaakuzadzei nomufaro wose norugare pakutenda kwenyu, kuti muve netariro yakawandisa, nesimba roMweya Mutsvene.
Hupostori hwaPauro
14Zvino, hama dzangu, ini ndimene ndinoziva kwazvo pamusoro penyu, kuti imi mumene muzere nokunaka, makazadzwa nokuziva kwose, munogonawo kurayirana. 15Asi ndinokunyorerai zvimwe ndichinyanya kutsunga, ndichiita sendinokuyeudzai nenyasha dzandakapiwa naMwari, 16kuti ndive muranda waKristu Jesu kuvahedheni, ndichiita basa roupristi muVhangeri yaMwari, kuti chibayiro chavahedheni chifadze Mwari, chakaitwa chitsvene noMweya Mutsvene. 17Naizvozvo ndingazvirumbidza muna Kristu Jesu pazvinhu zvaMwari. 18Nokuti ndingatya kutaura zvimwe zvinhu, asi izvo Kristu zvaakaita neni, kuti vahedheni vaterereswe neshoko namabasa, 19nesimba rezviratidzo nezvinoshamisa, nesimba roMweya Mutsvene; nokuda kubva Jerusaremu nenyika yakapoteredza, kusvikira Iririko, ndakaparidza kwazvo Vhangeri yaKristu; 20ndichishingairira chinhu ichi kuti ndiparidze Vhangeri, apo pasina kumborehwa zita raKristu, kuti ndirege kuvaka pamusoro penheyo dzomumwe munhu; 21asi, sezvazvakanyorwa, zvichinzi,
“Avo, vasina kuudzwa zvake, vachaona;
Naivo vasina kunzwa vachanzwisisa.”
22Naizvozvo ndakadziviswawo kazhinji kuuya kwamuri; 23zvino zvandisina pokubata panyika idzi, uye zvaava makore mazhinji ndichida zvikuru kuuya kwamuri, 24kana ndichienda Sipeini, ndichauya kwamuri; (nokuti ndinotarira kukuonai parwendo rwangu, ndiperekedzwe nemi ikoko, kana ndamboguta zvishoma kuonana nemi).
25Asi zvino ndomboenda Jerusaremu kundoshumira vatsvene. 26Nokuti veMakedhonia naveAkaya vakati zvakanaka kuti vagovane navarombo pavatsvene vari muJerusaremu. 27Nokuti vakati zvakanaka; vane ngava navo. Nokuti kana vahedheni vakaitwa vagovani navo pazvinhu zvoMweya, vane ngavawo rokuvashumira pazvinhu zvenyama. 28Naizvozvo kana ndapedza chinhu ichi, ndikavavigira chibereko ichi, ndichaenda Sipeini nokwenyu. 29Ndinoziva kuti kana ndichiuya kwenyu, ndichauya nokuropafadza kwakazara kwaKristu.
30Zvino ndinokumbira zvikuru, hama dzangu, naIshe wedu, Jesu Kristu, uye norudo rwoMweya, kuti murwe pamwechete neni pakunyengetera kwenyu kuna Mwari pamusoro pangu; 31kuti ndisunungurwe kuna vasingateereri muJudhea, uye kuti kushumira kwangu kuna veJerusaremu kufadze vatsvene; 32kuti ndiuye kwamuri nomufaro nokuda kwaMwari, ndiwane zororo pamwechete nemi. 33Zvino Mwari worugare ngaave nemi mose. Ameni.
Zvasarudzwa nguva ino
Varoma 15: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002