Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Varoma 2

2
Vanhu vose vakatadza, vanofanira kutongwa
1Saka hauna pembedzo iwe munhu, upi noupi, unotonga vamwe; nokuti pachinhu icho chaunotonga mumwe nacho, unozvipa mhosva iwe, nokuti iwe, unotonga, unoita zvinhu izvozvo. 2Tinoziva kuti kutonga kwaMwari ndokwazvokwadi kunovanoita zvinhu zvakadai. 3Iwe munhu, unotonga vamwe vanoita zvinhu zvakadai, iwe uchizviitawo, ko unoti ungatiza kutonga kwaMwari here? 4Unozvidza kanhi pfuma younyoro hwake, nomwoyo wake munyoro, nomwoyo wake murefu, usingazivi here kuti unyoro hwaMwari hunokuisa pakutendeuka? 5Asi noukukutu hwako nomwoyo usingadi kutendeuka, unozviunganidzira kutsamwa nezuva rokutsamwa, nokuratidzwa kwokutonga kwakarurama kwaMwari; 6iye achapa mumwe nomumwe paakaita napo, 7Vanotsvaka kubwinya, nokukudzwa, nokusafa, vachitsungirira pakuita zvakanaka, achavapa upenyu husingaperi. 8Asi kuna vane nharo, vasingateereri chokwadi, vanoteerera zvisakarurama, kuchavapo kutsamwa nehasha, 9nokutambudzika nenhamo kumweya mumwe nomumwe womunhu anoita zvakaipa, pakutanga womuJudha, nowomuGiriki; 10asi kubwinya, nokukudzwa, norugare kune mumwe nomumwe anoita zvakanaka, kumuJudha pakutanga, nomuGirikiwo. 11Nokuti Mwari haatendi zvinoonekwa zvomunhu.
12Nokuti vose vakatadza vasina murayiro, vachaparadzwawo vasina murayiro; vose vakatadza vanomurayiro, vachatongwa nomurayiro; 13nokuti vanzwi vomurayiro havazi ivo vakarurama pamberi paMwari, asi vaiti vomurayiro ndivo vanoruramiswa; 14(nokuti kana vahedheni vasina murayiro vachiita pachavo zvinhu zvomurayiro, vava murayiro wavo vamene; 15nokuti vanoratidza basa romurayiro wakanyorwa mumwoyo yavo, hana yavo ichipupura pamwechete nazvo, nezvavanofunga pakati pavo zvichivapa mhosva kana kuvapembedza;) 16nezuva iro, Mwari raanozotonga naro zvakavanzika zvavanhu, naJesu Kristu, sezvinoreva Vhangeri yangu.
VaJudha havana pembedzo
17Zvino kana iwe unonzi muJudha, unovimba nomurayiro, unozvirumbidza muna Mwari, 18unoziva kuda kwake, nokutsaura kuti zvakanaka ndezvipi, uchidzidziswa nomurayiro, 19unozviti iwe uri mutungamiriri wamapofu, nechiedza chavari murima, 20nomurayiri wamapenzi, nomudzidzisi wavacheche, zvauno mufananidzo wokuziva nowechokwadi pamurayiro; 21zvino iwe unodzidzisa mumwe, unoregereiko kuzvidzidzisa? Iwe unoparidza kuti, “Munhu arege kuba,” unobireiko iwe? 22Iwe unoti munhu arege kuita, “Upombwe,” unoitireiko upombwe iwe? Iwe unosema zvifananidzo, unobireiko iwe temberi dzavo? 23Iwe unozvirumbidza nomurayiro, unoshoora Mwari nokudarika murayiro neiko? 24Nokuti, sezvazvakanyorwa, zita raMwari rinomhurwa pakati pavahedheni nokuda kwenyu.
25Nokuti kudzingiswa kunobatsira, kana iwe uri muiti womurayiro; asi kana uri mudariki womurayiro, kudzingiswa kwako kwava kusadzingiswa. 26Zvino, kana iye asina kudzingiswa achichengeta zvirevo zvomurayiro, ko kusadzingiswa kwake hakunganzi kudzingiswa here?
27Neasina kudzingiswa kubva pakuzvarwa kwake, kana achichengeta murayiro, haangakutongi here iwe unodarika murayiro, iwe unomurayiro wakanyorwa, uyewo kudzingiswa? 28Nokuti uyo haazi muJudha, ari muJudha pakuonekwa chete; nokudzingiswa hakuzi iko kunoonekwa, kuri panyama; 29asi muJudha ndiye uri muJudha nechomukati; nokudzingiswa ndiko kwomwoyo, mumweya, kusati kuri kwezvakanyorwa; iye haarumbidzwi navanhu, asi naMwari.

Zvasarudzwa nguva ino

Varoma 2: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neVaroma 2

YouVersion inoshandisa macookies kugadzirisa mashandisiro ako. Nekushandisa webhusaiti yedu, unobvuma kushandisa kwedu macookies sekutsanangurwa kwazvakaitwa mu Mutemo wedu weZvakavanzika