Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 14

14
Jesu akarapa munhu wechirwere chemhuka nezuva reSabata
1Nerimwe zuva reSabata, Jesu paakaenda kune imwe imba yomumwe mutongi aive webato ravaFarisei. Vakanga vachiongorora zvaachaita. 2Hezvo pakava nomumwe murume aiva nechirwere chemhuka. #14:2 Chemhuka: Kana kuti rukandwe. 3Jesu akataura kunyanzvi dzomutemo navaFarisei achiti, “Zviri pamutemo here kana kuti kwete kuporesa nomusi weSabata?” 4Asi vakaramba vanyerere. Ipapo akamutora akamuporesa akamuti aende zvake. 5Akati kwavari, “Ndiani wenyu angati ane mwanakomana wake kana mombe yake inenge yawira mutsime asingabva aikwevera kunze nezuva reSabata.” 6Havana kukwanisa kupindura izvi.
Kuzvininipisa pamabiko, vanhu vaunofanira kukoka pamabiko
7Akapa muenzaniso kune vakakokwa paakanga aona vachisarudza zvigaro zvavakuru vakuru achiti kwavari, 8“Kana uchinge wakokwa nani zvake kumabiko omuchato, rega kugara pachigaro chavakuru vakuru. Pangadaro pakakokwa munhu mukuru kupfuura iwe. 9Zvino iye akukokai mose angauye oti kwauri chipa nzvimbo yako kune munhu uyu. Ndipo paunozotangisa, kundogara pachigaro chevepasi pasi uchinyara. 10Asi kana wakakokwa enda undogara panzvimbo yapasi pasi kuitira kuti uya akukoka akauya, ati kwauri, ‘Shamwari kwira kumusoro.’ Unobva waremekedzwa pamberi pavanhu vose vagere pakudya newe, 11nokuti munhu wose anozvikudza achaninipiswa. Nouyo anozvininipisa achakudzwa.”
12Akataurirawo munhu akanga amukoka achiti, “Kana wagadzira chokudya kana mabiko, rega kukoka shamwari dzako kana vakoma navanun'una vako, kana hama dzako kana kuti vavakidzani vako vapfumi nokuti vangadaro vakazokukokawo uchizoripwa. 13Asi kana waita mabiko, koka varombo nezvirema nemhetamakumbo, namapofu. 14Uchakomborerwa nokuti havagoni kuzokudzorerawo. Unozodzorerwa pakumuka kwavakarurama.”
Vakokwi vakaramba kuuya kumabiko
(Mat 22:1–10)
15Mumwe munhu akanga agere naye pakudya paakanzwa izvi, akati kwaari, “Akakomborerwa zvake achadya zvokudya muumambo hwaMwari.” 16Asi Jesu akati kwaari, “Mumwe munhu akaita mabiko makuru, akakoka vanhu vakawanda.” 17Panguva yamabiko akatuma varanda vake kune vakanga vakokwa vaya achiti, “Chiuyai, zvinhu zvose zvino zvagadzirwa; 18asi zvimwechetezvo, vose zvavo, vakatanga kupa zvikonzero. Wokutanga akati, ‘Ndatenga purazi, ndinofanira kundoiona, ndinokumbira kuti mundiregererewo.’ 19Mumwewo akati, ‘Ndatenga zvipani zvamadhonza zvishanu, ndinofanira kuenda ndimbondoaedza. Ndinokumbirai kuti mundiregererewo.’ 20Mumwewo akati, ‘Ndaroora mudzimai nezvo handigoni kuuya.’ 21Saizvozvo muranda akauya akataurira izvi kuna tenzi wake. Saimba akashatirwa akati kumuranda wake, ‘Kurumidza kuenda kumigwagwa yeguta nomumikoto yaro uunze varombo navakaremadzwa namapofu navakaremara.’ 22Muranda akati, ‘Changamire zvamati zviitwe zvaitwa asi nzvimbo ichiripo.’ 23Tenzi akati kumuranda, ‘Enda kumigwagwa nomumaheji ugombedzere vanhu kupinda kuti imba yangu izare. 24Nokuti ndinokutaurirai kuti hapana kana nomumwechete waavo vakakokwa acharavira mabiko angu.’ ”
Kuzvipira kunofanira kuita mudzidzi waKristu
(Mat 10:37–38)
25Vanhu vazhinji–zhinji vaifamba pamwechete naJesu. Akatendeuka akati kwavari, 26“Kana munhu akauya kwandiri iye asingabvisi mwoyo wake pana baba naamai vake nomudzimai wake navana vake navakomanavanun'una nehanzvadzi dzake uye ndinototi kunyange upenyu hwake, haakwanisi kuva mudzidzi wangu. 27Ani naani asingatakuri muchinjikwa wake achinditevera haakwanisi kuva mudzidzi wangu. 28Ndiani wenyu anenge achida kuvaka shongwe asingatangi agara pasi achiverenga mari yaingadye kuti ane inokwana kuipedza here? 29Zvingaitike kuti iye achera ugaro hwayo wotadza kuipedza. Vose vanoiona vanotanga kumuseka vachiti, 30‘Murume uyu akatangisa kuvaka asi akatadza kupedza.’ 31Kana kuti ndoupi mambo anenge ava kuda kuenda kundorwisana nomumwe mambo, asingatangi agara pasi achimbobvunza mazano kuti angagone here nezviuru gumi kundorwisana neane zviuru makumi maviri? 32Kana zvisingagoneki, mumwe uya achiri kure, iye anotumira mumiriri wokukumbira zvokuti pave norunyararo. 33Naizvozvo aninani asingasiyi zvose zvaanazvo haakwanisi kuva mudzidzi wangu.”
Munyu wakashapa
(Mat 5:13; Mak 9:50)
34Munyu wakanaka. Asi kana munyu warungunduka unozovaviswa nei. 35Unenge usisina basa kumunda, kana pamupfudze. Vanhu vanourasa. Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.

Zvasarudzwa nguva ino

Ruka 14: SCLBC

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda