Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 18

18
Mutongi asinganyari munhu nechirikadzi isinganeti kukumbira
1Jesu akavataurira mumwe muenzaniso wokuti vanofanira kunamata nguva dzose vasingarasi mwoyo. 2Akati, “Mune rimwe guta maiva nomutongi akanga asingatyi Mwari kana kuzeza munhu. 3Maivawo neimwe chirikadzi muguta iroro yaingoramba ichiuya kwaari ichiti, ‘Ndienzanisireiwo nyaya yangu nomuvengi wangu.’ 4Kwechinguva chakati kuti akamboramba. Mushure mezvo akazozviti, ‘Kunyange zvazvo ndisingatyi Mwari kana kuzeza munhu 5asi pamusana pokuti chirikadzi iyi inondinetsa, regai ndiienzanisire nyaya yayo; ingandisvote nokuramba kwayo ichingouya.’ ”
6Tenzi akati, “Inzwai zviri kutaurwa nomutongi asina kururama. 7Mwari haangadzivirire here vasarudzwi vake vanochema kwaari siku nesikati. Angavanonokere kwenguva ndefu here? 8Ndinokutaurirai kuti achavadzivirira nokuchimbidza. Kunyange zvakadaro zvazvo, pachauya Mwanakomana womunhu, achasvikowana panyika pane chitendero here?”
Muenzanaiso womuFarisei nomuteresi
9Jesu akavataurirawo muenzaniso uyu kune vamwe vaizvikudza vachizviona savakarurama kupinda vamwe vachishora vamwe. 10“Vamwe varume vaviri vakaenda muTemberi kundonamata. Mumwe wavo aiva muFarisei, mumwe ari muteresi. 11MuFarisei akamira akanamata nechomumwoyo achiti, ‘Mwari ndinokutendai nokuti handina kuita savamwe vanhu, vapambi, vasina ruenzaniso, nemhombwe kana somuteresi uyu. 12Ndinotsanya kaviri pasvondo. Ndinopa chegumi chezvose zvandinowana.’ 13Asi muteresi akamira nechokure asingatomboda kusimudza maziso ake kudenga. Akazvibata pachifuva achizvininipisa achiti, ‘Mwari, ndinzwirewo tsitsi ini mutadzi.’ 14Ndinokutaurirai kuti murume uyu akaenda kumba kwake aruramiswa panze pomumwe uya. Nokuti munhu wose anozvikudza achadukupiswa asi uyo anozvidukupisa anokudzwa.”
Jesu anokomborera vana vaduku
(Mat 19:13–15; Mak 10:13–16)
15Vanhu vakanga vava kuunza kunyange vacheche kwaari kuti avabate. Vadzidzi vake pavakazviona, vakavarambidza. 16Asi Jesu akadaidzira achiti, “Regai vana vaduku vauye kwandiri musavarambidze nokuti umambo hwedenga ndehwevakaita savava. 17Chokwadi chaizvo ndinokuudzai kuti ani naani asingagamuchiri umambo hwaMwari somwana muduku haambohupinda.”
Jaya mupfumi
(Mat 19:16–30; Mak 10:17–31)
18Mumwe mutongi akabvunza Jesu achiti, “Mudzidzisi wakanaka. Ndingaitei kuti ndiwane upenyu husingaperi?” 19Jesu akati kwaari, “Sei uchinditi ndakanaka? Hakuna wakanaka asi Mwari woga. 20Inga unoziva wani mitemo, inoti usaite upombwe, usauraye, usabe, usaite uchapupu hwenhema remekedza baba naamai vako.” 21Iye akati, “Yose iyi ndakaichengeta kubvira paudiki hwangu.” 22Jesu paakazvinzwa akati kwaari, “Pane chinhu chimwechete chausina. Tengesa zvose zvaunazvo uzvigovere kuvarombo. Uchava noupfumi kudenga; ugouya ozonditevera.” 23Paakanzwa izvi akasuruvara nokuti akanga akapfuma zvikuru.
24Jesu akamutarisa akati, “Zvakaoma sei kuti vano upfumi vapinde muumambo hwaMwari. 25Zviri nyore kuti ngamera ipinde napaburi retsono panokuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.” 26Avo vakazvinzwa vakati, “Kana zvakadaro ndiani angaponeswe.” 27Asi iye akati, “Zvisingagoneki navanhu zvinogoneka naMwari.”
28Pita akazoti, “Tarisai muone, isu takasiya misha yedu tikakuteverai.” 29Iye akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ‘Hakuna munhu akasiya musha kana mukadzi kana vakoma kana vaunun'una kana vabereki kana vana pamusana poumambo hwaMwari 30asingazowani zvakapetwa kakawanda kupinda izvozvo panguva ino uye upenyu husingaperi munguva ichauya.’ ”
Jesu anotaura nezvorufu rwake kechitatu
(Mat 20:17–19; Mak 10:32–34)
31Jesu akatora vane gumi navaviri akati kwavari, “Chinzwai, tavakukwira kuJerusaremu. Zvose zvakanyorwa navaporofita nezveMwanakomana womunhu zvichazadziswa. 32Nokuti achandoiswa mumaoko evechirudzi, achasveeredzwa achiitirwa zvinonyadzisa nokusvipirwa mate. 33Vachamurova zvakanyanya vozomuuraya asi achizomuka pazuva retatu.” 34Pazvinhu izvi hapana chavakanzwisisa. Zvaakataura izvi zvakanga zvakavanzwa kwavari. Havana kubata zvaaireva.
Jesu akarapa bofu kuJeriko
(Mat 20:29–34; Mak 10:46–52)
35Paakaswedera kuJeriko, rimwe bofu rakanga rigere parutivi rwenzira richipemha 36parakanzwa mhomho yavanhu ichipfuura, rakabvunza kuti, “Kwauyei?” 37Vakati kwaari, “Jesu weNazareti ari kupfuura nepo.” 38Iye akashevedzera achiti, “Jesu Mwanakomana waDhavhidhi ndinzwireiwo tsitsi.” 39Vakanga vari mberi vakamutsiura vachimuti anyarare asi iye akatoshevedzera zvakatonyanya achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi ndinzwireiwo tsitsi.” 40Jesu akamira akati ngaauiswe kwaari. Paakasvika pedyo, akamubvunza achiti, 41“Chii chaunoda kuti ndikuitire.” Akati, “Tenzi itai kuti ndione.” 42Jesu akati kwaari, “Chiona zvako. Chitendero chako chakuponesa.” 43Pakarepo akabva avakuona akatevera Jesu achirumbidza Mwari. Vanhu vose pavakazviona vakarumbidza Mwari.

Zvasarudzwa nguva ino

Ruka 18: SCLBC

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda