Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Pita 4

4
Kusiyana nechitadzo
1Naizvozvo, sezvo Kristu akatambudzika mumuviri make, torai pfungwa imwecheteyo sezvombo zvokurwisa nazvo nokuti munhu wose akarwadziwa mumuviri akatoregera zvokutadza. 2Izvi kuti kuti, nguva yasara yamunenge muine muviri, mugare muchitungamirirwa kwete nehavi dzomuviri asi nokuda kwaMwari. 3Chiregai nguva yakapfuura ichiva yakakwana yokuita zvinodiwa nevechirudzi zvinoti unzenza, kutevera havi dzomuviri, nokuraradza nokusazvibata kwavararadzi nokutamba kwakaipa nokunamata zvisiri Mwari kwakafumuka. 4Iye zvino vavakutoshamiswa kuti imi hamuchabatana navo muupenyu hwerurasademo mukuita zvinhu zvisina kana namaturo ose saka vachikunyombai. 5Vachandozvidavirira kwaari iye akagadzirira kutonga vapenyu navafi. 6Ndokusaka Shoko Rakanaka rakaparidzwa kunyange kuvakafa kuitira kuti kunyange vakatongwa vaine muviri savanhu, vagare mumweya saMwari.
Magumo ari padyo
7Kuguma kwezvinhu zvose, kwava pedyo, naizvozvo dzikamai muzvibate kuti mukwanise kunamata. 8Kupfuura zvimwe zvose rambai muchingodana nokuti rudo runofukidza zvitadzo zvakawanda. 9Gamuchiranai mudzimba dzenyu pasina kunyunyuta. 10Mumwe nomumwe wenyu zvaakagamuchira chipo, chishandisiranei savanhu vakapiwa basa rezvikomborero zvakasiyana–siyana naMwari. 11Wokuparidza ngaataure somunhu anotaura zvirevo zvaMwari. Anoitira vamwe mabasa ngaaite somunhu anopiwa simba naMwari kuitira kuti muna zvose Mwari arumbidzwe nokuna Jesu Kristu, muridzi wembiri nesimba narini narini Ameni.
Kutambudzika naKristu
12Vadikanwi musashamisike nenhamo inopfuta moto inokuwirai kuti ikuedzei; zvinoita sokunge chimwe chinhu chinoshamisa chiri kuitika kwamuri. 13Asi itofarai nokutambudzika kwenyu pamwechete naKristu kuitira kuti muzofarawo nokupembera kufara pacharatidzwa pachena mbiri yake. 14Kana mukanyombwa pamusana pezita raKristu makakomborerwa nokuti Mweya wembiri, Mweya waMwari ari pamuri. 15Ngaparege kuva nomumwe wenyu anotambudzika nokuda kokuva mhondi kana mbavha kana kuva munhu anoita zvakaipa kana nokuva nhunzvatunzva. 16Asi munhu akatambudzika somuKristu ngaarege kunyara asi ngaatorumbidza Mwari nezita iroro.
17Chikonzero chacho ndechokuti kutongwa kwatotanga kuchitangisa nemhuri yaMwari. Zvino kana kuchitanga nesu kudai, ko kune avo vasingatendi Shoko Rakanaka raMwari zvichaperera kupi?
18Kana mururami,
kuponeswa kwake kuri kokubuda napaburi retsono
ko asiri munamati nomutadzi achamira papi?
19Saizvozvowo avo vanotambudzika sokuda kwaMwari ngavazviturire mumaoko aMwari musiki akatendeka.

Zvasarudzwa nguva ino

1 Pita 4: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda