Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 2

2
Munamato waHana
1Hana akadetemba kunamata achiti:
“Mwoyo wangu unofara naTenzi
naiye Tenzi ndasimbaradzwa
nomuromo wangu ndavakutotafurirawo vavengi vangu
nokuti ndinofara nokununura kwenyu.
2Hapana anoera saTenzi.
Hakuna mumwe kusiya imi.
Hakuna rimwe bako kunze kwaMwari wedu.
3Musambotaura zvenyu namazwi okuzvikudza.
Mukanwa menyu ngamurege kubuda mazwi okuzvitutumadza,
nokuti Tenzi ndiMwari anoziva zvose,
ndiye ane basa rokuera zviito zvomunhu.
4Uta hwezvikakarara zvavanhu hwakatyorwa,
vakarukutika ndivo zvino vagwinya kusimba.
5Vaiva hurudza ndivo vave kuita chokudya chokuruvira
vaiva vomunzara, nzara yapera.
Mukadzi asina mbereko
ndiye obereka vana gumi nefararira.
Asi mai vokubereka rudende rwavana, vava karikoga.
6Tenzi anouraya uye ndiye anopa upenyu.
Ndiye anoendesa vanhu kunzvimbo yavashakabvu,
kana kumutsa munhu.
7Tenzi ndiye anopa munhu urombo kana upfumi.
Ndiye anodukupisa munhu kana kumukudziridza.
8Anosimudzira varombo kubva pamhukutu pavagere,
navasina zvavanazvo kubva pazaradota,
achindovagarisa navana vokumba huru,
vachitowana zvavo nhaka yezvigaro zvapamusorosoro.
Mbiru dzenyika ndedzaTenzi
padziri ndipo paakamisa nyika.
9Ndiye anochengeta vatsvene vake,
asi vakaipa vachitsakatiswa murima
nokuti simba romunhu harisiro rinoita kuti abudirire.
10Vanopikisana naTenzi vachapwanywa-pwanywa,
Wokumusorosoro paanotinhira kumatenga.
Tenzi ndiye mutongi wapasi pose,
anopa simba mambo wake,
anosimbaradza munhu wake waakazodza.”
11Erikana akadzokera zvake kumusha kwake kuRama. Asi mukomana uya akasara ari mumaoko omupristi Eri achishandira Tenzi.
Chitadzo chavanakomana vaEri
12Zvino vanakomana vaEri vakanga vari vanhu vasina maturo vaiva vasingaremekedzi Tenzi. 13Zvaiitwa navapristi kuvanhu ndezvizvi zvokuti: painge munhu auya kuzopira chibayiro, mushandi womupristi aiuya neforogo ine mhandi nhatu iyo nyama ichiri kubikwa, 14obaya nayo mupani kana muketero kana mubhodho kana mupoto. Nyama yose yaibuda yakabayiwa neforogo yaitorwa nomupristi yova yake. Ndizvo zvavaiita kuvaIsiraeri vose vaiuya kuShiro. 15Zvakazenge zvava kuitikawo ndezvizvi zvokuti: mushandi womupristi aiuya kumunhu ainge achipira chibayiro iwo mafuta asati ambopiswa woti, “Ndipei nyama yokugochera mupristi nokuti mupristi haadi kuti mumupe nyama yakabikwa, asi mbishi chete.” 16Kwaiti kana munhu iyeyo akati, “Iye zvino izvi, chimbomiraka vatange vanyatsopisa mafuta atsve apere ugoti wotora zvako paunodira.” Mushandi uya aiti, “Aiwa. Chitondipa iye zvino uno. Kana ukaramba, ndava kuita zvechisimba.” 17Saizvozvo chitadzo chavanakomana vaEri chakanga chakaipa kwazvo chisingambofadzi Tenzi nokuti varume ivava vakanga vasingaremekedzi mupiro waTenzi.
18Izvozvo Samueri aishandira Tenzi achiri chikomana achipfeka hanzu yeefodhi yerineni. 19Gore negore amai vake vaimusonera kagemenzi vachimuigira pavaienda nomurume wavo kundopira chibayiro chepagore. 20Ipapo Eri aikomborera Erikana nomudzimai wake achiti, “Tenzi ngaakupei vana nomudzimai uyu kutsiva iyeyu waakambokumbira sechikwereti kuna Tenzi.” Vakuzobva vodzokera zvavo kumusha kwavo. 21Tenzi akazoshanyirazve Hana. Akava nembereko zvakare akabereka vana vakomana vatatu navasikana vaviri. Mukomana uyu Samueri akakura aina Tenzi.
Eri navana vake
22Eri akanga ava harahwa chaiyo. Akanzwa zvaiitwa navana vake kuvaIsiraeri vose zvokutorana navakadzi vaishanda kumusuwo wetendhe rokusanganira vachiita navo choupombwe. 23Akavatsiura achiti, “Munoitireiko zvinhu zvakadai? Ndinonzwa vanhu vose vachindiudza zvakaipa zvamunoita. 24Kweteka vanangu, zvandiri kunzwa izvi hazvina kunaka. Muri kuita kuti vanhu vaMwari vakanganise.#2:24 Vakanganise: vamwe vanoti, zviri kupararira muvanhu vaMwari. Vamwewo vachiti, kutadza basa kwamava kuita uku. 25Kana munhu akatadzira mumwe munhu, Mwari anomumiririra. Zvino kana munhu akatadzira Tenzi ndiani anomureverera?” Havana zvavo kana kumboteerera baba wavo nokuti Tenzi akanga achida zvake zvokuvaparadza.
26Izvozvo mukomana uyu Samueri akaramba achikura mhumhu, uye kudiwa kwake naTenzi navanhu kwakaramba kuchikura.
Zvakaporofitwa pamusoro pemhuri yaEri
27Munhu waMwari akauya kuna Eri akati kwaari, “Zvanzi naTenzi, ‘Ndakazviratidza pachena kuna tateguru wemba yako pavaiva kuIjipiti mumaoko aFarao, 28ndikatomusarudza ini pakati pamadzinza ose avaIsiraeri kuti ave mupristi wangu wokundishandira paatari kuti apise rusenzi akapfeka efodhi pandiri. Ndakapa vemba yababa wako zvemipiro yose yavaIsiraeri inoita zvokupiswa nomoto. 29Zvino sei mava kuita mwoyo wokudokwairira zvibayiro nemipiro yandakatema kuti iitwe? Heya, wava kutoremekedza zvako vana vako kupinda ini nhai, muchizvikodza zvenyu nenyama dzakanakisisa dzepamipiro yose yavanhu vangu vaIsiraeri?’ 30Naizvozvo Tenzi Mwari wavaIsiraeri anoti, ‘Ndakanga ndatema kuti vemba yako nevemba yababa vako vafambise basa rapandinenge ndiri narini wose.’ Asi zvino Tenzi anoti, ‘Zvino zvandibva. Vanondiremekedza ndinovaremekedzawo, vanondishonha vachavawo vanhu vasina maturo.’ 31Chinzwa, kuchasvika nguva yandichashomekesa simba rako nesimba revemba yababa vako kuti mumhuri yokwako murege kuzova nomunhu anorarama zvokuchembera. 32Uchatsvokorera neshanje zvinhu zvose zvakanaka zvandichaitira vaIsiraeri iwe uine nhamo, uye mumba mako hamuchazovi nomunhu anorarama kusvika akwegura narini wose. 33Asi murume wandinenge ndasiya kuti andishandire paatari achava kambudzi kasarira rushamhu zvokuti kana iwe uchatomuchemawo uchitoshayiswawo mazano nazvo. Vana vako vachauraiwa navanhu. 34Chichakuratidza kuti zvandiri kutaura zvichaitika ndechichi chokuti vanakomana vako Hofini naFinehasi vachafa musi mumwechete vose vari vaviri. 35Ini pachangu ndichazvimutsira mupristi akatendeka achaita zvinoda mwoyo wangu nezvandinofunga. Ndichatsigira imba yake, ndiye achashandira muzodzwa wangu narini narini. 36Ani naani zvake anenge asara wemhuri yako achazomugwadamira kumuteterera kuti apiwe chidimbu chemari yesirivha kana kuti chingwa chimwechete zvacho achiti, ‘Ndapota ndiwaniseiwo rimwe basa roupristi randingangoita kuti ndigowanawo chimwe chokuisa mukanwa.’ ”

Zvasarudzwa nguva ino

1 Samueri 2: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda