1 Samueri 3
3
Tenzi anozviratidza kuna Samueri
1Mukomana Samueri aishandira Tenzi ari mumaoko aEri. Mazuva iwayo Tenzi akanga asisataure-taure kuvanhu. Kunyeverawo vanhu nezviratidzo kwakanga kwava kushoma chaizvo. 2Panguva iyoyo zvakaitika kuti mumwe musi Eri akanga arere mumba make, izvozvo meso ake akanga ava kuonera madzerere asisanyatsoona. 3Rambi raMwari rakanga risati radzima. Samueri akanga arerewo muTemberi yaTenzi maiva nebhokisi raMwari reChitenderano. 4Ipapo Tenzi ndopaakadaidza Samueri achiti, “Samueri! Samueri!” Samueri akapindura achiti, “Ndiri pano.” 5Samueri akamhanyira kuna Eri akasvikoti, “Ndanzwa muchindidaidza, zvino ndauya.” Asi Eri akati, “Handina kukudaidza, dzokera undorara zvako.” Akabva adzokera zvake kundorara. 6Tenzi akadaidzazve achiti, “Samueri!” Samueri akasimuka akaenda kuna Eri akandoti, “Ndanzwa muchindidaidza, zvino ndauya.” Asi Eri akati, “Handina kukudaidza, mwanangu, dzokera undorara zvako.” 7Samueri akanga asati amboziva Tenzi, nokuti Tenzi akanga asati ambotaura naye. 8Tenzi akadaidzazve Sumueri kechitatu. Samueri akasimuka akaenda kuna Eri akasvikoti, “Ndanzwa muchindidaidza, zvino ndauya.” Eri akazoziva kuti ndiTenzi aidaidza mwana uyu. 9Saka Eri akati kuna Samueri, “Chidzokera zvako undorara, kana akakudaidzazve unodaira uchiti, ‘Taurai zvenyu imi Tenzi, ini muranda wenyu ndakateerera.’ ” Samueri akaenda zvake akarara panzvimbo yake. 10Tenzi akauya akamira ndokudaidza sezvaakamboita padzimwe nguva dziya achiti, “Samueri! Samueri!” Samueri ndokuti, “Taurai zvenyu, muranda wenyu ndakateerera.” 11Ipapo Tenzi akataurira Samueri achiti, “Chinzwa ndava kuzoita chimwe chinhu muIsiraeri chokuti munhu wose anochinzwa anounga nzeve. 12Pazuva iroro ndichaitira zvose zvandakayambira veimba yake kubvira pakutanga kusvikira pakupedzisira. 13Ndinenge ndichimuudza pachena kuti ndicharanga imba yake narini, ndinenge ndichimurangira zvitadzo zvaanoziva nokuti vana vake vakaita unhubu, asi iye haana kuvadzora. 14Saka ini ndakapika kune veimba yaEri ndichiti, ‘Kana narini zvake chitadzo chavo hachizofi chakapfupirwa nezvibayiro kana kuripwa nomupiro.’ ” 15Samueri akarara zvake kusvikira kwaedza ndokuzondozarura misuo yeimba yaTenzi. Izvozvo Samueri akanga achitya kutaurira Eri zvaakanga aoneswa. 16Eri akadaidza Samueri achiti, “Nhai Samueri mwanangu.” Iye ndokudavira achiti, “Ndiri pano.” 17Eri akati, “Chii chawataurirwa naMwari? Rega zvako kundivanza. Mwari ngaawane zvaanoita newe kana ukandivanzira chimwe chinhu pane zvaakakutaurira.” 18Saka Samueri akavataurira zvose, hapana chaakamuvanzira. Eri akati, “NdiTenzi, anoita zvaanoona kuti ndizvo zvakanaka kwaari.” 19Samueri akakura. Tenzi akanga ainaye zvokuti muromo wake wakanga usingawiri pasi. 20Isiraeri yose zvayo, kubvira kuDhani kundosvikira kuBheerishebha vakaziva zvisina ani angapokane, kuti Samueri aiva muprofita waTenzi. 21Tenzi akaramba achizvionesa paShiro; Tenzi aizviratidza kuna Samueri kushiro nomushoko rake.
Zvasarudzwa nguva ino
1 Samueri 3: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: