2 Nhoroondo 29
29
B: HEZEKIYA ANOVANDUDZA ZVOKUNAMATA
Hezekiya mambo wokwaJudha
(2 Madzi 18:1–3)
1Hezekiya akatanga kutonga ava namakore makumi maviri namashanu, akatonga kwamakore makumi maviri namapfumbamwe ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Abhiya mwanasikana waZekariya. 2Hezekiya akaita zvakarurama zvinodiwa naTenzi sezvakaitwawo navasekuru vake Dhavhidhi.
Kuchenurwa kwakaitwa Temberi
3Mugore rake rechiposhi rokutonga, mumwedzi wokutanga akazarura misuo yapamba paTenzi akaigadzira. 4Akaunzawo vapristi navaRevhi akavaunganidza munhandare kumabvazuva 5akati kwavari, “Nditeererei munzwe imi vaRevhi! Chizvichenurai muchenurewo imba yaTenzi, Mwari wamadzibaba enyu mutakure tsvina iyi muibvise munzvimbo inoera. 6Nokuti madzibaba edu anga ari vanhu vasiri pachokwadi naMwari'ka vanga vachiita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi, Mwari wedu. ZvaMwari, vakakanda pasi vakafuratira ugaro hwaTenzi vakamupa gotsi. 7Vakapfigawo misuo yakamba kepamusuo wokupinda muno, vakadzima marambi vakarega kupisira kuna Mwari weIsiraeri rusenzi kana kupira mipiro yokupisa munzvimbo inoera. 8Ndokusaka Tenzi akavirukira nehasha Judha neJerusaremu akabva adziita kuti dzive sechinhu chokuti ukaona unodedera nokutya, chinokatyamadza chichikushayisa neromuromo sezvamuri kungozvionerawo nameso enyu. 9Chitarisaika muone kuti madzibaba edu navana vedu vakomana navasikana vakaurayiwa namapakatwa uye vakadzi vedu vari kuhutapwa naizvozvi izvi.
10“Zvino chandafunga mumwoyo mangu ini kuita chitenderano naTenzi, Mwari weIsiraeri kuitira kuti achirega kutivirukira nehasha dzake dzinotyisa. 11Vanangu regai kuva nechamuchaitira nungo nokuti Tenzi akasarudzemi kuti mupote muchimira paari muchimushandira muri vashandi vake muchimupisira rusenzi.”
12VaRevhi ava vakazosimuka, paiti:
Mahati mwanakomana waAmasai
naJoeri mwanakomana waAzariya
vokuvanakomana vokwaKohati,
pouya kuvanakomana vokwaMerari
Paiti: Kishi mwanakomana waAbhudhi
naAzariya mwanakomana waJeharereri
poti kuvanakomana vokwaGerishoni
Joa mwanakomana vaZima
naEdheni mwanakomana waJoa
13kune vokwaErizafani paiti
Shimuri naJeueri
pozoti kuvanakomana vokwaAsafu
paiva naZekariya naMataniya
14pachizoti kuvanakomana vokwaHemani
paivawo naJehueri naShimei
kuvanakomana vokwaJedhutuni
paiti Shemaya naUzieri.
15Vakaunganidza hama dzavo vakazvichenura vakapinda sokutaurawo kwakanga kwaita mambo maererano neshoko raTenzi kundonatsa imba yaTenzi. 16Vapristi vakapinda mukati memba yaTenzi kundoinatsa. Vakaburitsa muruvanze rwemba yaTenzi zvose zvaiva zvakan'ora zvavakawana muTemberi yaTenzi. VaRevhi vakazvitora vakaenda nazvo kukakova keKidhironi. 17Vakatanga kuchenura uku musi wokutanga wemwedzi wechiposhi ndokubva pamusi wechisere wacho vasvika kukamba kaye kaTenzi, kwokumusuo, tichangobuda mumba yomukati. Vakazoita mamwe mazuva masere okuchenura imba yaTenzi, vakazopedza rava zuva regumi nechitanhatu romwedzi wechiposhi.
Kuteketerwa kuna Mwari patsva kweTemberi
18Vakapinda maiva namambo Hezekiya vakamupira kuti, “Tanatsa imba yose yaTenzi neatari yokupirira mipiro yokupisa nemidziyo yayo yose netebhuru yechingwa chepana Mwari nemidziyo yayo yose. 19Midziyo yose yakanga yaraswa namambo Ahazi paakanga achiri kutonga ava munhu asisiri pakutendendeka taigadzira tikaichenura. Kutaura kuno zviri pamberi peatari yaTenzi.”
20Mambo Hezekiya akamuka rungwanani akaunganidza vakuru vakuru veguta akakwira kuimba yaTenzi. 21Vanhu vakaunza handira nomwe nehondohwe nomwe nehwayana nomwe namakotora manomwe omupiro wokupfupira zvitadzo zvoumambo nenzvimbo inoera nenyika yokwaJudha, akati vapristi, vanakomana vokwaAroni vazviite zvibayiro paatari yaTenzi. 22Saizvozvowo vakauraya handira dziye, vapristi vakasasa ropa radzo paatari. Vakaurayawo hondohwe dziye vakamwayawo ropa radzo kuatari vakazourayawo hwayana dziye vakasasa ropa radzo kuatari. 23Makotora aye omupiro wokupfupira zvitadzo akauyiwa nawo kuna mambo negungano, vakaisa maoko avo paari. 24Vapristi vakaauraya vakaita mupiro wokupfupira zvitadzo neropa rawo paatari kuripira Isiraeri yose nokuti mambo akanga atema kuti, mipiro yokupisa nemipiro yokupfupira zvitadzo ipirirwe Isiraeri yose.
25Akaisa vaRevhi mumba yaTenzi vaine makwakwakwa outare nemadimbwa nezvipendani sokutemwa kwazvakaitwa naDhavhidhi nomuoni wokwamambo nomuporofita Natani pamusana pokuti mutemo wakanga wabva kuna Tenzi uchitaurwa navaporofita. 26VaRevhi vakamira vaine zvokuimbisa zvokuridza zvaDhavhidhi, vapristi vaine mabhosvo. 27Hezekiya ndokubva ati mipiro yokupisa ichipirwa paatari. Pakatanga kuitwa mupiro wokupisa ndopakabvawo patangwa kuimbira Tenzi rwiyo mabhosvo oridzwa zvino pamwechete nezvokuimbisa zvokuridza zvaDhavhidhi mambo weIsiraeri. 28Gungano rose rakati pasi gwadagwa kupfugama, vaimbi mumhanzi vachiimba, uku mabhosvo achidandaura kudzamara mupiro wokupisa wapera kuti nho. 29Pakazoti perei mupiro, mambo nevaaiva navo vakatiwo pasi gwadagwa kupfugamira. 30Mambo Hezekiya namachinda vakati vaRevhi vaimbe nziyo dzokurumbidza Tenzi vachiimba namazwi aDhavhidhi neomuoni Asafu. Vakaimba dzimbo dzokurumbidza vachifara vakati pasi kota-kota vachipfugamira. 31Hezekiya akazoti, “Zvino zvamazviteketerera kuna Tenzi kudai, chiuyai muunze zvibayiro nemipiro yokutenda kumba yaTenzi.” Gungano iroro rakaunza zvibayiro nemipiro yokutenda nevamwewo vose vaiva nemwoyo wokupa vakaunza zvibayiro zvokupisa. 32Uwandi hwemipiro yokupisa yakaunzwa negungano zvaiva makumi manomwe ehandira nehondohwe zana namazana maviri ehwayana. Dzose idzodzi dzaiva dzomupiro wokupisa wokupira kuna Tenzi. 33Mipiro yakanga yakateketererwa kuna Mwari yaiva mazana matanhatu ehandira nezviuru zvitatu zvehwai. 34Asi vapristi vaiva vashomanini zvokuti havana kugona kuvhiya mipiro yokupisa yose. Naizvozvo kusvikira vamwe vapristi vazozvichenurawo, ivo vainge vachitobatsirwa nehama dzavo dzokwaRevhi kusvikira basa iroro rapera pari pamusana pokuti vaRevhi ndovakanga vane mwoyo uri pachokwadi kupinda vapristi panyaya yokuzvichenura. 35Tisingaverengere zvedu mipiro yokupisa yakawanda kwazvo paiva namafuta emipiro yokuwadzana paivawo nezvomupiro wokuteura nezvomupiro wokupisa.
Ndokugadzirisa kwakaitwa kunamata pamba yaTenzi. 36Hezekiya navanhu vose vakafara kwazvo nezvakanga zvaitirwa vanhu naMwari nokuti izvozvo zvakanga zvaitika nenguva isipi.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Nhoroondo 29: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.