Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Vakorinde 4

4
Upfumi hwezvomweya muhari dzevhu
1Naizvozvo, Mwari, nenyasha dzake, zvaakatipa basa iri hatirasi mwoyo. 2Takasarudza kusamboita zvinhu zvinonyadzisa nezvomuchivandevande. Takaramba kuita zvoujarijari kana kushatisa shoko raMwari. Asi tinozviratidza zvatiri kuhana yomunhu wose zvake takamira pachokwadi chizere pamberi paMwari. 3Kunyange zvazvo Shoko redu Rakanaka rakafukidzwa, rakafukidzwa chete kuna vari kuparara. 4Pane zvaivava, mwari wapasi pano akapofomadza pfungwa dzavasingatendi kuti varege kuona mwenje weShoko Rakanaka rembiri yaKristu, iye akatodzana naMwari. 5Isu hatizviparidzi asi watinoparidza ndiJesu Kristu saTenzi, isu tiri varanda venyu pamusana paJesu, 6nokuti iye Mwari ndiye akati, “Chiedza ngachivheneke murima,” ndiye akavhenekawo mumwoyo yedu, kuti atipe mwenje woruzivo rwembiri yaMwari iri muuso hwaKristu.
7Asi upfumi uhu tinaho huri muhari dzevhu, kuratidza kuti simba ramasimba ose nderaMwari, kwete redu. 8Tinotambudzwa nenzira dzakasiyana–siyana asi hatishai pokupunyuka napo, tinoshaiswa mazano asi hatirasi mwoyo; 9tinoshushwa asi hatisiiwi tiri toga; tinorigirwa pasi asi hatiparadzwi. 10Tinogara takaberekana narwo rufu rwaJesu kuti upenyu hwaJesu huratidzwewo mumiviri yedu. 11Paupenyu hwedu, tinogara takangotarisana narwo rufu pamusana paJesu kuti upenyu hwaJesu huratidzwe munyama yedu inofa.
12Naizvozvo, isu tinogara takafudzwa narwo rufu asi imi muri muupenyu. 13Zvino zvatino mweya mumwechetewo wechitendero wakanga uine uyo akanyora achiti, “Ndakatenda ndikataura, saizvozvo,” isuwo takatenda tinotaura saizvozvo 14tichiziva kuti iye akamutsa Tenzi Jesu achatimutsawo naJesu achizotiunza pamwechete nemi paari. 15Zvose izvi kuitira imi, kuti nyasha nokupararira kwadzinoita kuvanhu vakawanda kutendawo kuwande, kuti Mwari agorumbidzwa nazvo.
16Nezvo hatirasi mwoyo. Kunyange tavakuchembera, umunhu hwedu#4:16 Umunhu hwedu: Zvinoreva muviri wedu. hokunze; hwomukati huri kutovandudzwa zuva nezuva, 17nokuti tunhamo tunopera utwu, twuri kutigadzirira mbiri isingaperi, inoremerera, isina chokuienzanisa nacho. 18Chikonzero chacho ndechokuti ziso redu harisi pazvinhu zvinoonekwa asi kuzvinhu zvisingaonekwi nokuti zvinhu zvinoonekwa zvinopfuura asi zvinhu zvisingaonekwi zvinogara nokusingaperi.

Zvasarudzwa nguva ino

2 Vakorinde 4: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda