2 Vakorinde Zviri mutsamba yechipiri kuvaKorinde
Zviri mutsamba yechipiri kuvaKorinde
Tsamba yechipiri kuVakorinde: Pauro paakanyora tsamba iyi yechipiri kuvaKorinde, musangano iri makanga mamuka vamwe vanhu vaizviti ndivo vapositori chaivoivo. Vaishora Pauro zvikuru vachiti chisukukuviri chomunhu nomunyengedzi, munhu asina chimiro kwacho. Pakutaura, vachimuti idera chairo uye munhu asingakodzeri kunzi mupositori waJesu Kristu. Pauro akatuma Titosi, murume akanga asingazezi kutarisana nenyaya dzakaita sedzidzi, kundogadziridza zvinhu ikoko. Pakadzoka Titosi achimuudza nezvokutendeuka kwakanga kwaita vanhu vokuKorinde, ndipowo paakanyora tsamba iyi achivatenda mwoyo wavakaita iwoyo. Izvi zvinoratidza kuti Pauro aida chaizvo kuti pave nokuyanana pakati pavo pachavo uye pakati pavo naiye Pauro. Asi ndipo paakawana mukana wokutaura achizvidzivirira kuvanhu vaya vaimutsoropodza nokumushora zvakaipa.
Muchikamu chokutanga anovatsanangurira basa rake somupositori nokutambura kose kwaakaita (1—7). Muchikamu chechipiri anotaura nezvemari yokubatsira vakristu vokuJerusaremu (8–9). Muchikamu chechitatu Pauro anozvidzivirira upositori hwake (1—13).
Aya ndiwo mamiriro akaita Tsamba yechipiri kuvaKorinde
Kusuma (1:1–11)
I Zvinhu zvakanga zvichangobva mukuitika (1:12—7:16)
Rufaro rwaPauro (7:2–16)
II Zvirongwa zvokuunganidzwa kwezvipo (8:1—9:15)
III Kuzvidzivirira kwaPauro (10:1—13:10)
Mazwi okuzarira (13:11–13)
Zvasarudzwa nguva ino
2 Vakorinde Zviri mutsamba yechipiri kuvaKorinde: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.