2 Timoti 1
1
1Ndini Pauro mupositori waJesu Kristu nokuda kwaMwari maererano nechitsidzo choupenyu huri muna Kristu Jesu 2ndinokunyorera iwe Timoti mwana wangu wapamwoyo ndichiti: Dai Mwari angokupa chikomborero chenyasha nengoni norugare zvichibva kuna Mwari Baba naKristu Jesu Tenzi wedu.
Zvipo zvakagamuchirwa naTimoti
3Ndinotenda Mwari wandinoshandira nemwoyo wakachena sezvakaitwa namadzibaba angu pandinokuyeuka nguva dzose muminamato yangu. 4Pandinoyeuka misodzi yako ndinosuwira siku nesikati kukuona kuti ndizadzwe norufaro. 5Ndinoyeuka chitendero chako chiri pachokwadi, chitendero chakatanga muna ambuya vako Roisi naamai vako Yunisi chandine chokwadi kuti chavawo mauri.
6Naizvozvo ndinokuyeuchidza kuti ukuchidzirezve chipo chaMwari chiri mauri chawakawana nokukuisa maoko pamusoro kwandakuita 7nokuti Mwari haana kutipa mweya woumbwende asi mweya wesimba norudo nowokuzvibata. 8Saizvozvo usanyare kupupurira Tenzi wedu kana kundipupurirawo ini musungwa wake, nesimba raunopiwa naMwari. Chikonzero chiri chokuti utambudzikewo pamwechete neni pamusana peShoko Rakanaka 9raiye akatinunura akatidaidza nokudaidza kunoera, kwete nokuda kwamabasa edu asi pamusana pezvirongwa zvake uye pamusana penyasha dzake dzaakatipa muna Kristu Jesu karekareko. 10Asi iye zvino akaratidzwa pachena nokuzvionesa kwomununuri wedu Kristu Jesu akaparadza rufu akaunza upenyu ndokuratidza pachena, nokuShoko Rakanaka, upenyu nokusafa.
11Ndakasarudzwa kuva muparidzi nomupositori nomudzidzisi weShoko Rakanaka iroro, 12nokuda kwaizvozvi ndinotambudzika kudai, asi handinyari nokuti ndinoziva wandakatenda maari uye ndine chokwadi chokuti anokwanisa kuchengetedza zvakaiswa mumaoko mangu kusvikira Zuva iroro. 13Nyatsochengetedza mashoko ezviro kwazvo awakanzwa kwandiri somuenzaniso waunofanira kutevera uri muchitendero norudo zvinowanikwa muna Kristu Jesu. 14Chengetedza chokwadi chakaiswa mumaoko ako naMweya Mutsvene anogara matiri. 15Iwe unoziva kuti vose vari muAsia vakandisiya. Vamwe vavo ndavana Figerasi naHerimoganesi. 16Dai Mwari angoitira veimba yaOnesiforusi tsitsi nokuti akandinyaradza kazhinji. Hazvaimbomunyadzisa kuti ini ndaiva muusungwa. 17Zvokuti paakasvika kuRoma akanditsvaka nemeso matsvuku akandiwana. 18Dai Tenzi angomuitira tsiye nyoro dzinobva kuna iye Tenzi Pazuva Iroro. Iwe unonyatsoziva basa rose raakaita kuEfesusi.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Timoti 1: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.