Muparidzi 2
2
1Ndakafunga mumwoyo kuti regai ndimboonawo kuti kuzvifadza kwakaitawosei ndinyatsombosasana zvangu. Ndakaonawo izvozviwo zviri zvisinganzwisisiki. 2Ndakati kuseka kupenga chaiko uye kuzvifadza hakuna chimuko. 3Ndakati regai ndimbotsvaka zvokuzvifadza muviri wangu newaini asi mumwoyo mangu ndichitungamirirwa noungwaru kuti ndinyatsonzwisisa kuti chii chinonzi upenzi kuitira kuti ndione kuti ndezvipi zvakanakira vanhu kuti vaite pasi pedenga mazuva mashoma oupenyu hwavo.
4Ndakaita mabasa makuru. Ndakazvivakira dzimba, ndikazvirimira minda yemigirepisi. 5Ndakazviitira bindu nenhandare dzokutandarira ndikadyaramo miti inobereka michero yose zvayo. 6Ndakachera matsime okuti ndiwane mvura yokudiridza nayo munda wemiti yainge ichikura. 7Ndakatenga varanda vechirume nevechikadzi uye ndaive navaranda vakaberekerwa mumusha mangu. Ndaivawo nematanga emombe nezvipfuwo zvakawanda kupinda ani zvake akagara muJerusaremu ndisati ndavapo. 8Ndakazviunganidzirawo sirivha nendarama noupfumi hwamadzimambo namatunhu. Ndakawana vaimbi vechirume nevechikadzi navarongo#2:8 Varongo: Izwi riri muchiHebheru harina anonyatsoriziva. vakawanda, zvinhu zvinofarirwa navarume. 9Saizvozvo ndakava mukurumukuru zvokutokunda vaiva muJerusaremu ndisati ndavapo uye ndakangoramba ndiino ungwaru hwangu.
10Chainge chadiwa nemeso angu
handina kuzvirambidza.
Chaidawo mwoyo wangu chokuzvifadza
handaizvirambidza.
Ndainzwa mwoyo kufara
nebasa rangu rose.
Ndiwo waivawo mubayiro wangu
webasa rangu rose.
11Ndazoti rangarirei basa rose ramaoko angu
nokushingaira kwandakaita pariri,
ndakaona zvose zvisinganzwisisiki
uye kuri kudzingirirana nemhepo
uye kuti hapana chaunowana munhu
pasi pedenga.
Ungwaru kana upenzi, zvose ndazvishaira pazvo
12Ndakatendeuka kuti nditarise nyaya
yezvoungwaru, noupenzi noutununu
nokuti munhu anotsiva mambo
chiiwo chaangaite kusiya
zvanga zvichiitwa namambo?
13Ndakazoona kuti ungwaru hunopfuura upenzi
sokupfuura kunoita chiedza rima.
14Mungwaru anogara akazarura maziso ake
asi benzi rinofamba murima
asiwo chandinoziva ndechokuti
firo yavo vose imwechete.
15Ndakazviti nechomumwoyo,
“Chinowira benzi
chinondiwanawo
zvino chandakafiririrawo zvangu
kuva mungwaru chii ipapa.”
Ndakazvifunga mumwoyo ndikati,
“Kunyange izvozvi hazvinzwisisiki.”
16Nokuti zvakangoita mungwaru
ndizvozvowo zvine benzi
zvokurangarirwa nokusingaperi hapana.
Samaziviro atinoita,
mumazuva ari kuuya,
vanenge vatokanganwika kare.
Pfiro yomungwaru ndiyo ndiyo yebenzi!
Kushingaira nebasa ndakushaira maturo ako
17Naizvozvo ndakavenga upenyu nokuti zvinoitwa pasi pedenga zvakandiipira. Chiripo ndechokuti zvose hazvinzwisisiki uye kunongova kudzingirira mhepo. 18Ndakavenga basa rangu rose randaishingairira kuita pasi pedenga sezvandinoona kuti ndinofanira kurisiira michero yaro anonditevedzera. 19Ndiani angazive kuti anenge ari mungwaru here kana kuti benzi? Asi iye achave muridzi wezvinhu zvose zvandakashanda ndichishandisa ungwaru hwangu pasi pedenga. Izvozviwo hazvinzwisisiki. 20Naizvozvo ndakapinduka ndorasa mwoyo pabasa rangu randakaita pasi pedenga 21nokuti dzimwe nguva munhu anenge ashanda noungwaru noruzivo uye noumhizha anofanira kusiya zvose zvokuzofadza zvazvo munhu asina kuzvishandira. Izvozvi hazvinzwisisiki uye zvakaipa kwazvo. 22Iye munhu anowanei nokushingaira nokutambura kwaanoita pasi pedenga? 23Chandinodariro ndechokuti mazuva ose omunhu anongova matambudziko chete nenhamo. Kunyange usiku pfungwa dzake hadzizorori. Izvozviwo hazvinzwisisiki.
24Hapana chakanaka kumunhu pane kudya zvake nokunwa nokuzvifadza nezvaanenge ashandira. Izvi ndakazvionawo kuti chipo chinobva muruoko rwaMwari; 25nokuti pasina iye ndiani angadye ndiani angapafare? 26Nokuti munhu, anofadza Mwari anomupa ungwaru neruzivo nerufaro. Asi mutadzi anomupa basa rokunhongerera achiunganidza zvinhu zvokuzopiwa zvazvo kumunhu anofadza Mwari. Izvozviwo zvinopazamisa musoro uye kunongova kudzingirira mhepo.
Zvasarudzwa nguva ino
Muparidzi 2: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: