Muparidzi 3
3
Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho
1Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho uye basa rimwe nerimwe rine nguva yaro pasi pedenga.
2Pane nguva yokuberekwa
nenguvawo yokufa.
Pane nguva yokusima
nenguvawo yokudzipura zvakasimwa.
3Pane nguva yokuuraya
nenguvawo yokuporesa.
Pane nguva yokupaza
nenguvawo yokuvaka.
4Pane nguva yokuchema
nenguvawo yokuseka.
Pane nguva yokuungudza
nenguvawo yokupembera.
5Pane nguva yokukanda mambwe uko nokoko
nenguvawo yokuunganidza mabwe.
Pane nguva yokumbundirana
nenguvawo yokusambundirana.
6Pane nguva yokutsvaka
nenguvawo yokurasa.
Pane nguva yokuchengeta
nenguvawo yokurasa.
7Pane nguva yokubvarura
nenguvawo yokusona.
Pane nguva yokunyarara
nenguvawo yokutaura.
8Pane nguva yokuda
nenguvawo yokuvenga.
Pane nguva yehondo
nenguvawo yorugare.
9Ko iye munhu anoshanda anowanei chaizvo nokushingaira kwake kwaanoita nebasa? 10Ndakaona zvangu basa rakapiwa vanhu naMwari kuti vawane chokuita. 11Akaita kuti zvinhu zvose zvive nenguva yazvo yakafanirana nazvo, uye akaisa muvanhu pfungwa yenguva isina mugumo. Asi munhu asingakwanise kunzwisisa zvakaitwa naMwari kubvira pakutanga kusvika pamugumo. 12Chandinoziva ndechokuti hapana chakanaka kuvanhu sokufara zvavo nokufarikana mazuva oupenyu hwavo hwose. 13Chimwewo ndechokuti chipo chaMwari kumunhu kuti munhu wose adye zvake, anwe uye kuti afadzwe nebasa rake rose raanoita.
14Ndinoziva kuti zvose zvinoitwa naMwari zvicharamba zviripo nokusingaperi, hapana chingawedzerwe pazviri kana chingabviswe pazviri. Mwari akaita izvozvo kuitira kuti vanhu vamutye.
15Chiripo, chakanga chiripo kare,
chichazovapo, chakanga chiripo kare
Mwari achiitawo kuti zvakamboitika zviitikezve.
Kushaika kworuenzaniso panyika
16Ndakaonawo pasi pedenga kuti
panofanira kuva noruenzaniso
ipapo ndipo pano uipi
panofanira kuva noururami
ipapo ndipo pano uipi.
17Ndakazviti nechomumwoyo,
“Mwari achatonga vakarurama navakaipa
nokuti akatemera chinhu chimwe
nechimwe nguva yacho
uye nguva yebasa roga roga.”
18Ndakazvifungawo mumwoyo nezvavanhu kuti Mwari anenge achivaedza zvake kuti avaratidze kuti ivo pachavo imhuka. 19Zvinowira vanhu ndizvowo zvinowira mhuka, munhu anofa, mhukawo inofa. Zvinofema mweya mumwechete. Munhu haana chaanokunda mhuka nacho nokuti zvose hazvinzwisisiki. 20Zvose zvinoenda kunzvimbo imwecheteyo. Zvose zvinobva muvhu uye zvose zvinodzokerazve kuvhu. 21Ndiani angazive kuti mweya womunhu unokwira kumusoro here kana kuti mweya wemunhu unodzika pasi muvhu. 22Ndokusaka ndakaona kuti hapana chakanaka kumunhu panekufadzwa nebasa rake nokuti ndiwo mugove wake. Hapana angagone kuita kuti aone zvichazoitika kwaari.
Zvasarudzwa nguva ino
Muparidzi 3: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: