Muparidzi 8
8
1Ndiani angaenzaniswe nomungwaru.
Ndianizve angazive kutsanangura zvinhu.
Ungwaru hunopenyesa uso hwomunhu
huchipa munhu uso hwakasununguka.
Teerera mambo
2Ini ndinoti,#8:2 Ndinoti: Izwi rokuti ndinoti harimo muchiHebheru asi mazwi anotevera, “Ini” anoratidza kuti ari kutaura kune mumwe.
“Teerera zvinenge zvataurwa naMambo.”
Pamusana pemhiko kuna Mwari
3ibva paari; usanonoke
munzvimbo yenjodzi yakadaro
nokuti mambo anogona kuita chose chaada kuita.
4Nokuti zvinenge zvataurwa namambo ndizvozvo.
Ndiani angamuti, “Ko chii chamaita?”
5Munhu anoteerera mutemo hapana chinomuwira
mungwaru anoziva mumwoyo make
nguva kwayo nezvinofanira kuitwa.
6Nokuti chinhu chimwe nechimwe
chine nguva yacho namaitirwo acho
kunyange munhu achiremerwa nenhamo
7nokuti hapana anoziva zvichaitika
uye ndiani angamutaurire kuti zvichaitika sei.
8Hapana munhu anokwanisa kutonga mweya
kana kuramba akauchengetedza.
Hapanawo ane simba nezvezuva rokufa.
Hondo haina wainosia
uipi#8:8 Uipi: Vamwe vanofunga kuti izwi racho rinofanira kuva Oseri rinoreva kuti upfumi. hauponesi
mwene wahwo.
Vakaipa navarurami
9Zvose izvozvi ndakazviongorora ndichirangarira zvose zvinoitwa pasi pezuva, munhu achiremedza vamwe asi zvichizomupfukira iye. 10Ndakaonawo vakaipa vachivigwa vakabuda munzvimbo tsvene vachirumbidzwa muguta ravaiita zvakadaro izvozvi izvi hazvinzwisisiki. 11Pamusana pokuti chirango chezvakaipa zvinenge zvaitwa hachisi kupiwa nokukurumidza, vanhu vanobva varamba mwoyo yavo yavakudisisa kuita zvakaipa. 12Mutadzi anogona zvake kuita zvakaipa kazana agove noupenyu urefu asi chandinoziva ndechokuti, “Vanotya Mwari ndovachanakirwa nezvinhu pamusana pokumutya kwavanoita. 13Muipi hazvimbomufambira zvakanaka. Uye haakwanisi kurebesa upenyu hwake somumvuri nokuti haatyi Mwari.” 14Pane zvimwe zvisinganzwisisiki zvinoitika panyika zvokuti kune varurami vanowirwa nezvinowira vakaipa kwouyawo vaipi vanowana mubayiro unowanikwa navakarurama. Ndakati izviwo hazvinzwisisiki.
15Saka ini ndinokurudzira kufara nokuti munhu haana chimwe chinhu pasi pedenga kusiya kudya nokunwa nokufara nokuti izvi ndizvo zvinobva mukushingaira kwake nebasa mumazuva ake oupenyu aakapiwa naMwari pasi pedenga.
16Pandakazvipira mwoyo kuti ndizive ungwaru uye kuti ndione basa riri kuitwa panyika ungatotadza kukotsira nazvo siku nesikati. 17Ndakaona kuti pamabasa ose aMwari, munhu haangakwanise kuziva basa rinoitwa pasi pedenga. Hazvina mhosva kuti munhu angashingaire sei kuzvitsvaka, haambozviwana. Kunyange mungwaru angati anozviziva haambokwanisa kuzviwana.
Zvasarudzwa nguva ino
Muparidzi 8: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: