Muparidzi 9
9
Hapana munhu asingafi
1Izvozvi zvose ndakazviongorora mumwoyo mangu ndichinyatsozviongorora ndikazviona kuti zviito zvavakarurama navangwaru zviri mumaoko aMwari,
zvingave rudo kana ruvengo
munhu haangazvizivi.
Kwatiri vanhu
zvose zvinenge zvisinganzwisisiki.
2Nokuti chinowira mumwe,
ndicho chinowira vose,
kungave kumururami kana kumuipi
kuna vakanaka kana kuna vakaipa
kuna vatsvene kana kuna vakan'ora
kuna anopira chibayiro kana kuna asingapiri chibayiro.
Zvakangofanana kumururami nokumutadzi.
Anopika mhiko naasingapiki mhiko zvakangofanana.
3Izvi ndozvakaipa pane zvose zvinoitika pasi pedenga zvokuti tinowirwa nenhamo imwecheteyo. Chimwezve ndechokuti mwoyo yavanhu izere nouipi. Kana vari vapenyu chete kupenga kurimo mumwoyo yavo, mushure macho vanoenda kuvafi. 4Asi munhu achiri mupenyu navamwe vose vapenyu anechitarisiro nokuti imbwa mhenyu iri nani pane shumba yakafa. 5Chandinodariro ndechokuti vapenyu vanoziva kuti vachafa asi vakafa havana zvavanoziva. Mubayiro havachisina uye zvokuyeukwa hapachina. 6Rudo rwavo, noruvengo rwavo, uye shanje yavo zvakaparara. Havachisina kana mugove zvavo narini wose pazvinhu zvinoitwa pasi pedenga
7Enda udye chokudya chako nomufaro
unwe waini yako nemwoyo unofara
nokuti Mwari anofadzwa nezviito zvako.
8Gara wakapfeka zvichena.
Gara wakazora mafuta mumusoro.
9Gara uchifara nomukadzi wepamwoyo pako
mazuva ako ose ohupenyu hwako husina maturo
aakakupa pasi pedenga
nokuti ndiwo mugove wako paupenyu
uye pabasa rako
raunoshingaira kuita pasi pedenga.
10Chaunenge wagona kuita namaoko ako
chiite nesimba rako rose
nokuti kunzvimbo yavafi kwauri kuenda
hakuna basa kana pfungwa kana ruzivo kana ungwaru.
11Chimwe chandakaona pasi pedenga ndechokuti
shasha yokumhanya haisiyo inokunda vamwe vose.
Gamba rokurwa harisiro rinokunda muhondo
vangwaru havasivo vanowana chokudya
vakachenjerawo havasivo vanowana upfumi,
mhizha hadzisidzo dzinobudirira
nguva yavanayo imwechete
uye zvinowira mumwe zvinowira vose.
Musi nenguva yokufa kwako
12Munhu haazivi nguva yake.
Sezvinoitwa hove
dzinobatwa mumumbure wakaipa
uye seshiri dzinobatwa parugombe
ndizvo zvine vanhu
vanobatwa panguva yakaipa
pazvinongoerekana zvavawira.
Ungwaru noupenzi
13Chimwewo chandakaona soungwaru ndechichi pasi pedenga uye kwandiri chinhu chikuru. 14Paivapo kamwe kaguta kaive navanhu vashoma makari. Mumwe mambo akakavinga akakakomba. Akavaka zvokukakomba nazvo. 15Mukaguta ikako maiva nemurombo mungwaru. Noungwaru hwake akanunura kaguta ikako asi hapana akamboyeuka murombo iyeyo.
16Asi chandinotaura ndechokuti
ungwaru huri nani pane simba.
Kunyange zvazvo ungwaru hwomurombo huchishorwa
uye mazwi ake asingateererwi.
17Mashoko oungwaru anofanira kuteererwa
kupinda kushevedzera kwomutungamiri
anodaidzira pakati pemapenzi.
18Ungwaru huri nani pane zvombo zvehondo
asi mutadzi mumwechete
anogona kuparadza zvizhinji zvakanaka.
Zvasarudzwa nguva ino
Muparidzi 9: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: