Esita 4
4
Modhekai anokumbira Esita kuti abatsire
1Modhekai paakaziva zvose zvakanga zvaitwa akabvarura hanzu dzake neshungu ndokupfeka hanzu dzamasaga ndokuzvidira dota. Akabuda oenda mukati meguta iroro ndiye mhere povo wochema achiungudza zvinosiririsa kwazvo. 2Akandosvika mberi kwesuo guru rokwamambo asi haana kupinda nokuti hapana aikwanisa kupinda pasuo guru rokwamambo akapfeka masaga. 3Munyika dzose, kwose kwainge kwasvika zvakatemwa namambo izvi, nechirevo chake ichochi kwaibva kwava nokuchema kukuru muvaJudha nokutsanya vachihwihwidza nokuungudza; vazhinji vavo vakanga vakapfeka hanzu dzamasaga vakazvidira madota.
4Vasikana vaEsita navayuniki vake pavakasvitsa shoko irori kwavari, vahosi vamambo vakarwadziwa kwazvo nazvo. Vakatumira hanzu dzokuti Modhekai agopfekenura hanzu dzake dzamasaga asi akadziramba. 5Zvino Esita akadaidza Hataki mumwe muyuniki wokwamambo akanga apiwa basa rokumuchengeta vakamutuma kuna Modhekai kuti andonzwa kuti chii chaizvo uye kuti zvauya sei. 6Hataki akabuda akaenda kuna Modhekai panhandare yeguta iri pamberi pesuo guru rokwamambo. 7Modhekai akamurondedzera zvose zvakanga zvamuwana nouwandi chaihwo hwemari yakavimbiswa naHamani kuti aizobvisa igoendeswa maichengeterwa upfumi hwokwamambo yebasa rokuparadzisa vaJudha. 8Modhekai akamupawo imwe tsamba yakanga yakaita sechirevo ichocho chakatemwa muguta reSusa chokuti vaparadzwe kuitira kuti andochiratidzawo Esita nokumutsanangurira nokumuti aende kuna mambo andomuteterera achikumbirira vanhu vokwake. 9Hataki akaenda akandopira Esita zvakanga zvarehwa naModhekai. 10Esita akataurira Hataki shoko rokundotaurira Modhekai kuti, 11“Machinda ose navanhu vose venyika dzamambo vanoziva kuti kuwana munhu, angave murume kana mukadzi zvake, anopinda muna mambo muimba yomukati asina kutoitwa zvokudaidzwa, kune mutemo mumwechetechete wokuti, pfiro yavo imwecheteyo; vanourayiwa, kusatoti anenge aita zvokutosimudzirwa namambo tsvimbo yendarama youmambo kuitira kuti ararame. Zvino ini handina kumbodaidzwa kuti ndipinde muna mambo mumazuva makumi matatu iwaya.”
12Vakandotaurirawo Modhekai zvakanga zvarehwa naEsita. 13Modhekai akavataurira mhinduro yokundopa Esita yokuti, “Chirega zvako kuzviti zvandiri mumuzinda wamambo ndini ndoga munhu achapunyuka pana vamwe vaJudha vose. 14Ndinodaro nokuti kana ukatonyarara zvako panguva yakaita seiyo iyi, vaJudha vachawana ruyamuro nokununurwa kuchangonyuka kuchibva kumwewo zvako. Asi iwe nemba yababa vako muchaparara. Zvinoka, zvimwe kupinda kwawakaita paumambo uku zvakatoitirwa nguva yakaita seiyo ino iyi, zvinaani angazvizive izvozvo?”
15Esita akavaudza mhinduro yokundopawo Modhekai yokuti, 16“Endai mundokokorodza vaJudha vose vamunowana muSusa muti ngakutsanywe muchitsanyireni murege kudya kana kunwa kwamazuva matatu siku nesikati. Iniwo navasikana vangu ndichatsanyawo sezvamuchaita. Ndichazoenda kuna mambo kunyange zvazvo zvisiri pamutemo. Kana ndikaparara ndapararawo zvangu.”
17Modhekai akaenda akandoita zvose zvakanga zvarayirwa naEsita.
Zvasarudzwa nguva ino
Esita 4: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.