Esita 9
9
Kuuraya vanhu kwakaita vaJudha
1Zvino mumwedzi wegumi nechipiri, mumwedzi waAdhari, pamusi wegumi nechitatu wemwedzi wakarewo, pacho paifanira kuti zvakarehwa nomurao uya nechirevo chamambo zvichiitwa, musi wacho chaiwo waitarisirwa navavengi vevaJudha kuti vaJudha vava kuzova mumaoko medu, asi zuva iroro rakanga ratosandurwa kuti richiva zuva rokuti vaJudha vaise vavengi vavo mumaoko mavo; 2vaJudha vakaunganidzana mumaguta avo munyika dzose dzamambo Ahasuerusi kuti vakuvadze vaida kuvapinza munyatwa. Ipapo hakuna akakwanisa kumirisana navo nokuti kutya vaJudha kwakanga kwawira marudzi ose avanhu. 3Machinda ose zvawo edzinyika idzi namadzishe namasadunhu namakurukota okwamambo, vakayamurawo vaJudha pamusana pokuti kutya Modhekai kwakanga kwavawira. 4Nokuti Modhekai akanga ava mukuru mukuru mumuzinda wamambo mukurumbira wake ukadhuma munyika dzose idzodzo pamusana pokuti simba raModhekai rakaramba richingokura-kura. 5Ipapo vaJudha vakarwisa vavengi vavo vose vachivapfuudza vachivaparadza vachitoita zvavo zvavanoda kuna vaivavenga.
6Muguta reSusa makare, muguta guru romuzinda iroro, vaJudha vakauraya vakaparadza mazana mashanu avanhu 7vakaurayawo ava vanoti:
Parishandata naDharifoni naAsipata
8naPorata naAdharia na Andhata
9naParimashita naArisai
naAridhai naVhaizata, 10navanakomana gumi vaHamani mwana waHamudhata, muvengi wavaJudha, asi havana chavakapamba.
11Pazuva rakarero, shoko rouwandi hwavanhu vakaurayiwa muguta reSusa, guta guru romuzinda wamambo, rakasvitswa kuna mambo. 12Mambo akati kuna vahosi Esita, “Muguta reSusa muno, guta guru romuzinda wamambo, vaJudha vauraya mazana mashanu avanhu uyewo gumi ravana vaHamani vakomana, ko kutozoti kune dzimwe nyika dzose dzamambo! Zvino chichemo chamuchinacho ndechipi? Munozviitirwa chete. Ko chimwe chamungade kukumbira ipapa chii? Zvinofanira kuti zviitwe.”
13Esita akati, “Kana muchida henyu mambo, regai zvenyu vaJudha vari muguta reSusa muno mangwana vabvumirwe kuzoita zviri kurehwa nechirevo ichochi chanhasi uno ichi, uye zvitunha gumi zvavanakomana vaHamani zvirembedzwe pamutandarikwa wamapango uya.” 14Ipapo mambo akatema kuti zviitwe saizvozvo, chirevo chikatemwa muSusa vanakomana gumi vaHamani vaye vakarembedzwa pamutandarikwa paye. 15VaJudha vaiva muguta reSusa vakaunganidzanazve pamusi wegumi nechina wemwedzi waAdhari, vakauraya mazana matatu avarume vomuSusa asi hapana chavakapamba.
16VaJudhawo vakanga vari mune dzimwe nyika dzomunyika yaMambo, vakaunganawo kuti vazvidzivirire. Vakawana zororo kuvavengi vavo nokuuraya zviuru makumi manomwe avanhu ane zviuru zvishanu vaivavenga asi havana chavakapamba. 17Uyu waiva musi wegumi nechitatu wemwedzi waAdhari. Pazuva regumi nechina, vakazorora vakariita kuti rive zuva guru ramabiko nerokufara. 18Asi vaJudha vaive muguta reSusa vakaunganidzana pazuva regumi nechitatu neregumi nechina vakazozorora pazuva regumi nechishanu vakariita zuva guru remabiko nerokufara. 19Naizvozvo vaJudha vomumamisha vanogara mumaguta asina masvingo, vanochengeta zuva regumi nechina remwedzi waAdhari sezuva rokufara neremabiko nezuva rokuzorora zvavo vachifaranuka nezuva rokutumirana zvipo zvezvokudya zvakanakisisa.
V: MAZUVA MAKURU EPURIMU
20Modhekai akanyora zvinhu izvozvi akatumirawo tsamba kuvaJudha vaiva munyika dzose dzamambo Ahasuerusi, dzose zvadzo dzokure nedzepedyo, 21achivati vanofanira kuchengetawo zuva regumi nechina remwedzi waAdhari uyewo nezuva regumi nechishanu remwedzi wakarewo gore negore. 22Akavati vaachengete samazuva akawana vaJudha zororo kuvavengi vavo, uye semwedzi wavakasandurirwa zvinhu, kusuruvara kukaitwa kufara, kuungudza kuchiitwa zuva rokufaranuka vagoaita mazuva emabiko neokufara, mazuva okutumirana zvipo zvezvokudya zvakanakisisa ivo pachavo nokuvarombowo.
23Nokudaro vaJudha vakatanga kuita basa iri ravakanga vavamba uye sokunyorerwa kwavakanga vaitwa naModhekai 24pamusana pokuti Hamani muAgagi mwanakomana waHamedhata muvengi wavaJudha waakanga aitira vaJudha bangano rokuvaparadza vatoshandisawo Puri, chin'ange ichocho kuitira kuti vavazhanye vavaparadze. 25Asi pakazosvika Esita pana mambo, iye mambo akatema zvirevo zvakaita zvokunyorwa kuti bangano rake rakaipa raakanga arongera vaJudha ripfukire Hamani wakare uye kuti iye navanakomana vake vasungirirwe pamutandarikwa wamapango. 26Naizvozvo vakatumidza mazuva iwaya zita rokuti Purimu zvichibva kune izwi rokuti Puri. Saka naizvozvo, pamusana pezvose zvakanga zvakanyorwa mutsamba iyoyo nedzavakanga vasangana nadzo panyaya iyoyi nezvakanga zvavawira; 27vaJudha vakazviisira murao, ivo pachavo navana vavo nevose vakanga vabatana navo wokuti: vaifanira kuzochengeta mazuva maviri iwaya gore negore pasina zvokumborega kuachengeta, vachiachengeta somunyorerwo wazvakaitwa uyewo panguva yacho yakatemwa; 28uye kuti mazuva iwaya, mazuva anofanira kurangarirwa nokuchengetwa muchizvarwa choga choga mhuri nemhuri, nyika nenyika, guta neguta; uyewo kuti mazuva iwaya ePurimu haafanire kudarikwa pakati pevaJudha kunyange kuti zvokurangarira mazuva iwaya zvipere pakati pavana vavo.
29Vahosi, Esita, mwanasikana waAbhihairi nomuJudha uya Modhekai, achishandisa ukuru hwose hwaaiva nahwo, akanyora achinyatsotsigira tsamba yechipiri iyi yezvePurimu. 30Matsamba akazotumirwa kuvaJudha vose kunyika zana namakumi maviri dzine nomwe dzoumambo hwaAhasuerusi dziine shoko rorugare nechokwadi 31rokuti: mazuva iwaya ePurimu anofanira kuchengetwa panguva yawo yakatemwa sokutemerwa kwakanga kwaitwa vaJudha vatemerwa nomuJudha uya Modhekai, navahosi Esita, uyewo sokuzvimisira murao kwavakanga vaita ivo pachavo navana vavo panyaya dzokutsanya nokuungudza kwavo. 32Chirevo ichi chavahosi vamambo Esita chakasimbisa nyaya idzodzi dzezvePurimu zvikatonyorwawo mubhuku.
Zvasarudzwa nguva ino
Esita 9: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.