Kubuda 16
16
Hwerekwere nezvimwe zvinhu zvainzi (mana)
1Gungano rose ravaIsiraeri rakasimudzira rwendo kubva kuErimu vakandosvika murenje reSini riri nechepakati peErimu negomo reSinai. Vakasvikapo pazuva regumi nechishanu, romwedzi wechipiri wokubva kwavo kuIjipiti. 2Vari murenje imomo, mhomho yose yavaIsiraeri yakapopotera Mosesi naAroni ichiti, 3“Dai Tenzi akatiuraya hake tichiri kuIjipiti kwataiita zvedu mabhodho enyama okupfachura, chingwa tichidya zvedu pataidira. Hezvi makatiunza murenje muno kuzotiurayisa zvenyu isu tose nenzara.”
4Tenzi ndokuti kuna Mosesi, “Ndichakunayisirai chingwa chinobva kudenga. Zuva nezuva vanhu vose ngavabude vanonge chingwa chinovakwanira kudya pazuva iroro chete. Ndipo pandichaona kuti vaIsiraeri vanoteerera mutemo wangu here kana kuti kwete. 5Asi pazuva rechitanhatu pavanogadzirira zvokudya ngavanonge mwero wepazuva wakapetwa kaviri.”
6Mosesi naAroni vakaudza vaIsiraeri vose vachiti, “Nhasi manheru muchaziva kuti Tenzi ndiye akakuburitsai muIjipiti. 7Mangwana mangwanani muchaona kupenya kwokuvapo kwaTenzi. Izvo zviya, ndiye wamanga muchinyunyutira achizvinzwa, isu tiri vanaaniwo zvedu vamungapopotere.” 8Mosesi ndokuti, “Manheru Tenzi achakupai nyama yokudya, mangwanani achikupai chingwa chamunodya muchiguta. Tenzi akakunzwai pamakamunyunyutira. Izvo zviye kana muchipopota, munenge musingapopoteri isu. Ko isu tiri vanaaniwo zvedu? Wamunenge muchipopotera chaiye ndiTenzi.”
9Mosesi akati kuna Aroni, “Kokorodza gungano rose ravaIsiraeri, uti, ‘Uyai pedyo naTenzi nokuti kumunyunyutira kwamakaita akakunzwa.’ ” 10Aroni paakanga achitaura negungano rose ravaIsiraeri, vakatarira kurenje ndokuona kupenya kwokuvapo kwaTenzi kuri mugore. 11Tenzi akataurira Mosesi achiti, 12“Ndanzwa kunyunyuta kwavaIsiraeri. Vaudze kuti manheru muchange muchidya nyama, mangwanani muchidya chingwa muchiguta. Ndipo pamuchazoziva kuti ini Tenzi ndini Mwari wenyu.”
13Ava manheru kwakauya zvihuta zvizhinji zvikazara pamatendhe avo, mangwana acho dova rikafuma rakati ware ware panharaunda yamatendhe avo. 14Kuzoti dova riya raoma, kwakaonekwa zvimwe zvinhu zvidikidiki zvakaita samafefenhwa, zvakasara zvakati ware ware pasi murenje imomo zvichinge chando. 15VaIsiraeri pavakazviona, vakabvunzana vachiti, “Ko nhaimi, zvinhui izvozvi” Vakadaro nokuti vakanga vasingamboziva kuti chii.
Mosesi akati, “Ndicho chingwa chamapiwa naTenzi kuti mudye. 16Zvino chinzwai zvarehwa naTenzi, ati, ‘Mumwe nomumwe ngaanonge chaanokwana kudya pazuva marita maviri pamunhu zvichienderana nokuwanda kwakaita vanhu vaanavo mutendhe rake.’ ”
17VaIsiraeri vakaita saizvozvo, vamwe vakanonga chizhinji, vamwe chishoma. 18Asi pavakachiera mumudziyo wamarita maviri, vakaona kuti vaya vakanga vanonga chakawanda chakanga chisina kupfuuridza, vayawo vakanga vanonga chishoma chakanga chisina kushomekesa. Mumwe nomumwe akanga anonga chakakwanirana naye. 19Mosesi akavati, “Hapana anofanira kusiya chimwe kusvikira mangwana mangwanani.” 20Asi vanhu havana kuteerera Mosesi. Vamwe vakasiya chimwe kusvikira mangwana mangwanani, asi chakaora chikaita honye. Mosesi akavashatirirwa. 21Vaichinonga achiri mangwanani zuva nezuva mumwe nomumwe achinonga chaanokwana kudya pazuva. Asi chaiti kana zuva ropisa chonyakatika.
22Pazuva rechitanhatu vakanonga chingwa chamazuva maviri, mumwe nomumwe marita mana. Vatungamiriri vose vevaIsiraeri vakauya vakazvisvitsa kuna Mosesi. 23Mosesi akati kwavari, “Ndizvozvo wani zvakarehwa naTenzi mangwana izuva rokuzorora, iSabata rinoereserwa Tenzi. Saka nhasi uno gochai zvenyu chamunoda kugocha, mubike chamunoda kubika. Chose chinenge chasara chichengeterei mangwana.” 24Vakachichengeta kusvikira mangwana sezvavakanga vaudzwa naMosesi, asi hachina kufuma chakaora kana kuita honye. 25Mosesi akati, “Nhasi idyai zvenyu ichochi nokuti nhasi iSabata, izuva raTenzi, hakuna chokunonga kunze'ku. 26Munofanira kunonga chokudya ichocho kwamazuva matanhatu zuva nezuva. Asi zuva rechinomwe nderokuzorora, kuchange kusina chokunonga.”
27Pazuva rechinomwe vamwe vakaenda vachida kundononga chingwa chiya asi hapana chavakawana. 28Tenzi akati kuna Mosesi, “Muchasvika riniko muchiramba kuteerera mitemo nemirao yangu? 29Inga ini Tenzi ndakakupai zuva rokuzorora saka ndichikupaiwo zvokudya zvinokwanirana namazuva maviri pazuva rechitanhatu. Musi wechinomwe, munhu wose ngaarege kubva paanenge ari.” 30Saka vanhu vakazorora pazuva rechinomwe.
31VaIsiraeri vakatumidza chokudya ichocho zita rokuti mana.#16:31 mana: Izwi rokuti manna rinobva kumazwi echiHebheru okuti man hu. Man hu zvakangofanana nokubvunza uchiti zvinhui izvozvi? Mana iyi zvaiva zviri zvinhu zvidikidiki zvichena zvainge mhodzi yomukorianda zvichitapira sechingwa chakabikwa nouchi. 32Mosesi akati, “Tenzi akatirayira kuti tichengetere zvizvarwa zvedu zvichauya mana iyi inokwana mumarita maviri zvizoona chingwa chatakapiwa naTenzi kuti tidye tichiri murenje panguva yaakatiburitsa muIjipiti.” 33Mosesi akataurira Aroni achiti, “Tora hari uisemo mana iyi inokwana mumarita maviri uigadzike pana Tenzi muichengete pazvizvarwa nezvizvarwa zvenyu zvose.” 34Aroni akaita sokuudzwa kwakanga kwaitwa Mosesi naTenzi. Akandogadzika hari iyi panyasi pebhokisi rechitenderano, kuti ichengeterwe ipapo. 35VaIsiraeri vakadya mana iyi kwamakore makumi mana kudzamara vazosvika munyika yaigona kugarwa navanhu. Mana iyi vakaidya kusvikira vasvika pamuganhu wenyika yeKanani.
36Chiereso chaiereswa mana iyoyo nacho chinonzi omeri chaizara nemarita maviri, chaipinda kagumi mune chimwe chiereso chikuru chainzi efa.
Zvasarudzwa nguva ino
Kubuda 16: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: