Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kubuda 17

17
Mvura yakabuda padombo
(Kuve 20:1–13)
1Gungano rose ravaIsiraeri rakasimudzira rwendo rwaro kubva muRenje reSini vakafamba vachiti apa garei vosimudzira, apa garei vosimudzira sezvainge zvataurwa naTenzi. Vakazondodzika matendhe avo paRefidhimu. Asi pakanga pasina mvura yokuti vanhu vanwe. 2Vanhu ndokubva vapopotera Mosesi vachiti, “Tipe mvura yokunwa!” Mosesi akati, “Nemhosva yeiko imi muchindipopotera? Ko munoedzereiko Tenzi muchidaro?”
3Vanhu vose vakanzwa nenyota yemvura, vakapopotera Mosesi vachiti, “Makatibvisirei kuIjipiti? Heya makatibvisira kuzotiurayisa zvenyu nenyota nhai? Saka munoda kutiurayisa nenyota isu navana vedu nezvipfuwo zvedu nhai?”
4Mosesi akachema kuna Tenzi achiti, “Ndoita seiko navanhu ava? Vachanditema zvino uno namabwe.”
5Tenzi akati kuna Mosesi, “Tora tsvimbo yako iye yawakamborova nayo mvura yomuna Nairi uende mberi kwegungano ravanhu uine vamwe vakuru vakuru vavaIsiraeri. 6Ini ndichamira mberi kwako ikoko padombo riri kuHorebhu,#17:6 kuHorebhu: Gomo reHorebhu ndorakarero reSinai. urove dombo iroro, mvura ibude, vanhu vanwe.” Mosesi akaita saizvozvo vakuru vakuru vevaIsiraeri vachiona.
7Nzvimbo iyoyo yakatumidzwa zita rokuti, Masa neMeribha,#17:7 Masa neMeribha: MuchiHebheru zita rokuti Masa rinoreva kuti kuedzwa, Meribha richireva kuti nharo. pamusana pokupopota kwavaIsiraeri nokuedza kwavakaita Tenzi vachiti, “Ko Tenzi achinesu here kana kuti kwete?”
Kurwa kwavaIsiraeri navaAmareki
8VaAmareki vakauya vakarwisa vaIsiraeri paRefidhimu. 9Mosesi akati kuna Joshuwa, “Tisarudzire varume mundorwisa vaAmareki. Mangwana ndichandomira pamusoro pechikomo ndakabata tsvimbo yaTenzi muruoko.” 10Joshuwa akaita zvaakanga audzwa naMosesi, akandorwisa vaAmareki. Mosesi naAroni naHuri vakakwira pamusoro pechikomo. 11Zvaiitika ndezvokuti painge Mosesi akasimudza maoko ake mudenga, vaIsiraeri vaibva vava kukunda; asi paingewo Mosesi adzorera maoko ake pasi, vaAmareki vaibvawo vava kukunda. 12Mosesi akazoneta akatadza kuramba akasimudza maoko ake. Aroni naHuri vakakungurutsa ibwe rokuti Mosesi agare, Mosesi akagara pabwe. Aroni naHuri vakabata maoko ake vakati mumwe uku mumwe uku, vakaasimudzira mudenga. Maoko ake akanga akatsigirwa kusvikira zuva radoka. 13Naizvozvo Joshuwa akakatakazha nebakatwa vaAmareki navarwi vavo.
14Tenzi akati kuna Mosesi, “Nyora nyaya yehondo yarwiwa pano mubhuku kuitira kuti zvizorangarirwa. Taurira Joshuwa izvi azvinzwe nenzeve dzake kuti ndichaparadza vaAmareki zvachose zvokutsakatisa zita ravo panyika.” 15Mosesi akavaka atari akaitumidza zita rokuti, “Tenzi ndiye anondipa simba rokukunda naro.”#17:15 naro: Zita reatari iyoyi muchiHebheru rinonzi Tenzi-NISSI. 16Akati, “Pamusana pokuti ruoko rwanga rwakasimudzirwa kuchigaro chaTenzi, choumambo Tenzi achagarawo achirwisa vaAmareki pazvizvarwa zvavo zvose.”

Zvasarudzwa nguva ino

Kubuda 17: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda