Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kubuda 20

20
Mitemo gumi
(Kut 5:1–21)
1Mwari akataura mashoko ose ano aya 2achiti, “Ndini Tenzi, Mwari wako ndakakuburitsa kuIjipiti kwawaiva muuranda.
3“Usave navamwe vamwari kunze kwangu. 4Usazvigadzirire chifananidzo chokunamata kana kuita chinhu chakafanana nechii zvacho chiri kumusoro kudenga, kana chiri panyika pasi pano, kana chiri mumvura pasi pasi penyika. 5Usapfugamire zvifananidzo izvozvo kana kuzvinamata nokuti ini Tenzi, Mwari wako ndiri Mwari aneshanje. Ndinoranga vose vanondivenga, shamhu yangu ichirova vana vavo ndichivarangira zvitadzo zvamadzibaba avo kusvikira kuchizvarwa chavo chechitatu nechechina. 6Asi ndinogara ndichiitira mwoyochena kuzviuru nezviuru zvavanondida, vanochengeta mitemo yangu.
7“Usataure zita raTenzi, Mwari wako zvisina maturo nokuti Tenzi haangaregi kupa mhosva munhu anotaura zita rake zvisina maturo.
8“Yeuka zuva reSabata urierese. 9Kwamazuva matanhatu shanda zvako, uite basa rako rose, 10asi zuva rechinomwe iSabata raTenzi, Mwari wako. Pazuva iroro usaite kana basa zvaro, iwe kana mwana wako mukomana kana musikana, kunyange munhu anokushandira murume kana mukadzi, kana chipfuwo chako, kunyange muuyi agere nemi. 11Ndinodaro nokuti mumazuva matanhatu, ini Tenzi ndakasika denga nenyika negungwa nezvose zviri mazviri, ndikazorora pazuva rechinomwe. Naizvozvo Tenzi akakomborera zuva reSabata akariita zuva rinoera.
12“Remekedza baba naamai vako, kuti mazuva ako awande munyika yauri kupiwa naTenzi, Mwari wako.
13“Usauraye.
14Usaite upombwe.
15Usabe.
16Usapupurire mumwe wako zvenhema.
17Usachive imba yomumwe wako.
Usachive mudzimai womumwe,
kana munhu anomushandira,
murume kana mukadzi,
kunyange mombe yake, kana dhongi rake,
kana chii zvacho chomumwe wako.”
Kudedera kwakaita vaIsiraeri nokutya
(Kut 5:22–33)
18VaIsiraeri vose vakanzwa kudhiriridza, nemheni nokurira kwehwamanda. Vakaona utsi huchipwititika mugomo. Vanhu vakati kanha nazvo vakadedera nokutya, vakamirira kure. 19Vakataurira Mosesi vachiti, “Dai imi murimi mataura kwatiri isu tinokuteererai. Dai Tenzi arega zvake kutaura kwatiri, tingafe.”
20Mosesi akati kuvanhu, “Musatye henyu nokuti Mwari auya kuzoona kuti muri vanhu vakadii. Anodawo kuti kumutya kukupindei muropa, murege kumutadzira.” 21Vanhu vakamirira kure, asi Mosesi ndiye akaswedera kugore dema dema kuya kwaiva naMwari.
B. BHUKU RECHITENDERANO
Mitemo yokuvaka atari
22Tenzi akataurira Mosesi kuti, “Iti kuna vaIsiraeri, ‘Mazviona imi pachenyu kuti ndataura nemi ndiri muchadenga.’ 23Saka musazvigadzire vamwari vesirivha kana vendarama vokundiita zvenyu madirativhange navo. 24Atari yamunondivakira ngaive yevhu mupire kwandiri zvibayiro zvenyu zvokupisa nemipiro yenyu yokuwadzana yehwai nemombe. Pose pose pandichasarudza kuti mundinamatirepo ndichauya kwamuri kuzokukomborerai. 25Kana muchindivakira atari yamabwe musaivake namabwe akavezwa nokuti kana mukatora nhemo muchiveza mabwe matoan'oresa. 26Musaite madanho okukwirisa kuatari yangu kuti parege kuva nokunyadzisira woonererwa uripo.”

Zvasarudzwa nguva ino

Kubuda 20: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda